Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvininipisa

Kuzvininipisa

Jehovha anoona sei vanhu vanozvininipisa uye vanozvikudza?

Pis 138:6; Zvi 15:25; 16:​18, 19; 22:4; 1Pe 5:5

Onawo Zvi 29:23; Isa 2:​11, 12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 26:​3-5, 16-21—Mambo Uziya akatanga kuzvikudza; akatyora Mutemo waMwari uye akatsamwa chaizvo paakatsiurwa saka Jehovha akabva amurova nemaperembudzi

    • Ru 18:​9-14—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti Jehovha anoona sei minyengetero yevanhu vanozvikudza uyewo yevanhu vanozvininipisa

Jehovha anoita sei munhu paanozvininipisa opfidza zvechokwadi?

2Mak 7:​13, 14; Pis 51:​2-4, 17

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 12:​5-7—Mambo Rehobhoamu nemachinda eJudha vakazvininipisa pamberi paMwari zvikaita kuti vasaparadzwe

    • 2Mak 32:​24-26—Hezekiya aiva mambo akanaka asi akambozvikudza uye Jehovha akamuregerera paakazvininipisa

Kuzvininipisa kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuwirirana nevamwe?

VaE 4:​1, 2; VaF 2:3; VaK 3:​12, 13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 33:​3, 4—Jakobho akazvininipisa paakasangana nemukoma wake akanga akamutsamwira. Kuzvininipisa kwaakaita kwakaita kuti vavezve nerugare

    • Vat 8:​1-3—Gidhiyoni akazvininipisa akaudza varume vekwaEfremu kuti iye aiva mudiki kana achienzaniswa navo. Izvi zvakaita kuti hasha dzavo dziserere vachibva varegedza kumurwisa

Jesu akaratidza sei kuti kuzvininipisa kunokosha?

Mt 18:​1-5; 23:​11, 12; Mr 10:​41-45

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Isa 53:7; VaF 2:​7, 8—Sezvakaprofitwa, Jesu akazvininipisa akabvuma kuuya panyika uye akabvuma kufa rufu runorwadza uye runonyadzisa

    • Ru 14:​7-11—Jesu akataura nezvenzvimbo dzekugara dzepamabiko kuti adzidzise kuti kuzvininipisa kunokosha zvakadii

    • Joh 13:​3-17—Jesu akadzidzisa vateveri vake kuzvininipisa paakaita basa rakaderera rekuvageza tsoka

Kuzviona semaonerwo atinoitwa naJehovha uye kuonawo vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha kunotibatsira sei kuti tizvininipise?

Nei zvisingabatsiri kuti tizvininipise zvekunyepedzera?