Kuzvininipisa
Jehovha anoona sei vanhu vanozvininipisa uye vanozvikudza?
Pis 138:6; Zvi 15:25; 16:18, 19; 22:4; 1Pe 5:5
Onawo Zvi 29:23; Isa 2:11, 12
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mak 26:3-5, 16-21—Mambo Uziya akatanga kuzvikudza; akatyora Mutemo waMwari uye akatsamwa chaizvo paakatsiurwa saka Jehovha akabva amurova nemaperembudzi
-
Ru 18:9-14—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti Jehovha anoona sei minyengetero yevanhu vanozvikudza uyewo yevanhu vanozvininipisa
-
Jehovha anoita sei munhu paanozvininipisa opfidza zvechokwadi?
2Mak 7:13, 14; Pis 51:2-4, 17
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mak 12:5-7—Mambo Rehobhoamu nemachinda eJudha vakazvininipisa pamberi paMwari zvikaita kuti vasaparadzwe
-
2Mak 32:24-26—Hezekiya aiva mambo akanaka asi akambozvikudza uye Jehovha akamuregerera paakazvininipisa
-
Kuzvininipisa kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuwirirana nevamwe?
VaE 4:1, 2; VaF 2:3; VaK 3:12, 13
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 33:3, 4—Jakobho akazvininipisa paakasangana nemukoma wake akanga akamutsamwira. Kuzvininipisa kwaakaita kwakaita kuti vavezve nerugare
-
Vat 8:1-3—Gidhiyoni akazvininipisa akaudza varume vekwaEfremu kuti iye aiva mudiki kana achienzaniswa navo. Izvi zvakaita kuti hasha dzavo dziserere vachibva varegedza kumurwisa
-
Jesu akaratidza sei kuti kuzvininipisa kunokosha?
Mt 18:1-5; 23:11, 12; Mr 10:41-45
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Isa 53:7; VaF 2:7, 8—Sezvakaprofitwa, Jesu akazvininipisa akabvuma kuuya panyika uye akabvuma kufa rufu runorwadza uye runonyadzisa
-
Ru 14:7-11—Jesu akataura nezvenzvimbo dzekugara dzepamabiko kuti adzidzise kuti kuzvininipisa kunokosha zvakadii
-
Joh 13:3-17—Jesu akadzidzisa vateveri vake kuzvininipisa paakaita basa rakaderera rekuvageza tsoka
-
Kuzviona semaonerwo atinoitwa naJehovha uye kuonawo vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha kunotibatsira sei kuti tizvininipise?
Nei zvisingabatsiri kuti tizvininipise zvekunyepedzera?