Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimba Nemari Nezvinhu

Kuvimba Nemari Nezvinhu

Bhaibheri rinoti zvakaipa here kuva nemari nezvinhu?

Mup 7:12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 3:​11-14—Jehovha akakomborera Mambo Soromoni nekumupa pfuma yakawanda nekuti aizvininipisa

    • Job 1:​1-3, 8-10—Kunyange zvazvo Jobho aiva nepfuma yakawanda, chaainyanya kukoshesa ushamwari hwake naJehovha

Nemhaka yei kuva nemari yakawanda nezvinhu kusingaiti kuti tifare?

Pfuma haigoni kutibatsira pazvinhu zvipi?

Dambudziko rinogona kuvapo pakuva nemari nezvinhu nderipi?

Pfuma ingatinyengera sei?

Zvi 11:​4, 18, 28; 18:11; Mt 13:22

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mab 8:​18-24—Simoni aifunga kuti aigona kushandisa mari yake kutenga vaapostora kuti vamupewo simba rekuita zvishamiso

Tinogona kurasikirwa nei kana tikanyanya kuda mari?

Mt 6:​19-21; Ru 17:​31, 32

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mk 10:​17-23—Mumwe murume akanga akapfuma akarasikirwa nemukana wekuva muteveri waJesu nemhaka yekuti mwoyo wake waiva papfuma yaaiva nayo

    • 1Ti 6:​17-19—Pauro akaudza vaKristu vakanga vakapfuma kuti vasazvikudza nekuti kuita izvozvo kwaizoita kuti vasafarirwa naMwari

Kuvimba nemari nezvinhu kunogona kuparadza sei kutenda kwedu kwoita kuti tisafarirwa naMwari?

Dhe 8:​10-14; Zvi 28:20; 1Jo 2:​15-17

Onawo Pis 52:​6, 7; Amo 3:​12, 15; 6:​4-8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 31:​24, 25, 28—Jobho akanyatsoona kuti zvakaipa kuvimba nepfuma nekuti zvinoratidza kuti hausi kuvimba naMwari

    • Ru 12:​15-21—Jesu akataura nezvemurume aiva nepfuma yakawanda asi asina kupfuma kuna Mwari kuti atiyambire nezvekuvimba nepfuma

Tingawana sei mufaro kunyange tiine zvinhu zvishoma?

Ipfuma ipi inokosha kupfuura mari nezvinhu uye nemhaka yei?

Zvi 3:​11, 13-18; 10:22; Mt 6:​19-21

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Hag 1:​3-11—Jehovha akashandisa muprofita Hagai kuudza vanhu vake kuti akanga asiri kuvakomborera nekuti vakanga vava kuisa pfungwa pakuvaka dzimba dzavo vasisavaki temberi yaJehovha

    • Zva 3:​14-19—Jesu akatsiura vaKristu vemuRaodhikiya nekuti vakanga vava kunyanya kukoshesa zvinhu kupfuura kushumira Mwari

Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama?