Kuvimba Nemari Nezvinhu
Bhaibheri rinoti zvakaipa here kuva nemari nezvinhu?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Mad 3:11-14—Jehovha akakomborera Mambo Soromoni nekumupa pfuma yakawanda nekuti aizvininipisa
-
Job 1:1-3, 8-10—Kunyange zvazvo Jobho aiva nepfuma yakawanda, chaainyanya kukoshesa ushamwari hwake naJehovha
-
Nemhaka yei kuva nemari yakawanda nezvinhu kusingaiti kuti tifare?
Pfuma haigoni kutibatsira pazvinhu zvipi?
Dambudziko rinogona kuvapo pakuva nemari nezvinhu nderipi?
Pfuma ingatinyengera sei?
Zvi 11:4, 18, 28; 18:11; Mt 13:22
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Mab 8:18-24—Simoni aifunga kuti aigona kushandisa mari yake kutenga vaapostora kuti vamupewo simba rekuita zvishamiso
-
Tinogona kurasikirwa nei kana tikanyanya kuda mari?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mk 10:17-23—Mumwe murume akanga akapfuma akarasikirwa nemukana wekuva muteveri waJesu nemhaka yekuti mwoyo wake waiva papfuma yaaiva nayo
-
1Ti 6:17-19—Pauro akaudza vaKristu vakanga vakapfuma kuti vasazvikudza nekuti kuita izvozvo kwaizoita kuti vasafarirwa naMwari
-
Kuvimba nemari nezvinhu kunogona kuparadza sei kutenda kwedu kwoita kuti tisafarirwa naMwari?
Dhe 8:10-14; Zvi 28:20; 1Jo 2:15-17
Onawo Pis 52:6, 7; Amo 3:12, 15; 6:4-8
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Job 31:24, 25, 28—Jobho akanyatsoona kuti zvakaipa kuvimba nepfuma nekuti zvinoratidza kuti hausi kuvimba naMwari
-
Ru 12:15-21—Jesu akataura nezvemurume aiva nepfuma yakawanda asi asina kupfuma kuna Mwari kuti atiyambire nezvekuvimba nepfuma
-
Tingawana sei mufaro kunyange tiine zvinhu zvishoma?
Ipfuma ipi inokosha kupfuura mari nezvinhu uye nemhaka yei?
Zvi 3:11, 13-18; 10:22; Mt 6:19-21
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Hag 1:3-11—Jehovha akashandisa muprofita Hagai kuudza vanhu vake kuti akanga asiri kuvakomborera nekuti vakanga vava kuisa pfungwa pakuvaka dzimba dzavo vasisavaki temberi yaJehovha
-
Zva 3:14-19—Jesu akatsiura vaKristu vemuRaodhikiya nekuti vakanga vava kunyanya kukoshesa zvinhu kupfuura kushumira Mwari
-
Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama?