Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngoni

Ngoni

Ndehupi umwe unhu hunobatanidzwa pakuva nengoni?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri Inogona Kukubatsira:

    • Pis 51:​1, 2—Mambo Dhavhidhi paakakumbira kunzwirwa ngoni naJehovha, akanga ari kukumbira kuregererwa uye kucheneswa pazvivi zvake

    • Ru 10:​29-37—Jesu akataura nezvemuSamariya akanzwira tsitsi uye akabatsira mumwe muJudha kuti atidzidzise kuti tinoratidza sei vamwe ngoni

Nei tese tichida kunzwirwa ngoni?

Tinozviziva sei kuti Jehovha ane ngoni?

Eks 34:6; Ne 9:17; Pis 103:8; 2VaK 1:3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri Inogona Kukubatsira:

    • Job 42:​1, 2, 6-10; Jak 5:11—Jehovha akanzwira Jobho ngoni uye akamudzidzisa kuti aitirewo vamwe ngoni

    • Ru 15:​11-32—Kuti aratidze kuti Jehovha ane ngoni, Jesu akataura mufananidzo wababa vanoregerera mwanakomana wavo anopanduka ozopfidza

Nei Jehovha achitinzwira ngoni?

Chibayiro chaJesu chinotibatsira sei kuti tiregererwe zvivi zvedu?

Nei tichifanira kukumbira kunzwirwa ngoni uye nei tichifanira kugara tichionga ngoni dzatinoratidzwa?

Ru 11:​2-4; VaH 4:16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri Inogona Kukubatsira:

    • Pis 51:​1-4—Mambo Dhavhidhi akazvidemba nekutadza kwaakaita achibva azvininipisa akakumbira Jehovha kuti amunzwire ngoni

    • Ru 18:​9-14—Jesu akataura mufananidzo unobudisa pachena kuti Jehovha anonzwira ngoni vanhu vanozvininipisa vobvuma kuti vanotadza

Vaya vanenge vaita zvivi zvakakura vanofanira kuitei kuti vanzwirwe ngoni?

Dhe 4:​29-31; Isa 55:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri Inogona Kukubatsira:

    • 2Mak 33:​9-13, 15—Manase aiva mambo akaipa asi akapfidza akakumbira kunzwira ngoni naMwari. Paakadzorerwa pachinzvimbo chake chekuva mambo akaita zvinhu zvairatidza kuti akanga apfidza

    • Jon 3:​4-10—VaNinivhi vaida zvekurwisana uye kuurayana asi vakapfidza vakanzwirwa ngoni naMwari

Nei zvichikosha kuti munhu areurure kuna Jehovha ochinja mararamiro ake kana achida kunzwirwa ngoni?

Kunyange kana Jehovha akatinzwira ngoni hazvirevi kuti haticharangwi kana kukohwa zvatakadyara

Nei tichifanira kunzwira vamwe ngoni?

Chii chinogona kuitika kuushamwari hwedu naJehovha kana tisinganzwiri vamwe ngoni?

Mt 9:13; 23:23; Jak 2:13

Onawo Zvi 21:13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri Inogona Kukubatsira:

    • Mt 18:​23-35—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti kana munhu asinganzwiri vamwe ngoni Jehovha haazomunzwiriwo ngoni

    • Ru 10:​29-37—Nyaya yemuSamariya akanaka inoratidza kuti Jehovha naJesu vanofarira vanhu vanonzwira vamwe ngoni

Jehovha anoitireiwo munhu anonzwira vamwe ngoni?

Onawo “Tsitsi