Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mari

Mari

Nei kunyanya kuda mari kwakaipa?

Bhaibheri rinoratidza sei kuti hapana chakaipa nekushanda kuti uriritire mhuri?

Mup 7:12; 10:19; VaE 4:28; 2VaT 3:10; 1Ti 5:​8, 18

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 31:​38-42—Rabhani akaramba achibiridzira Jakobho achichinja mubhadharo wake asi Jakobho akaramba achishanda nesimba uye Jehovha akakomborera zvese zvaaiita kuti ariritire mhuri yake

    • Ru 19:​12, 13, 15-23—Mufananidzo wakataurwa naJesu unoratidza kuti panguva yaakararama vanhu vaiendesa mari kubhengi kuti ibereke

Bhaibheri rinotii nezvekukwereta uye kukweretesa mari?

Nei tisingafaniri kungokwereta-kwereta?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ne 5:​2-8—Vamwe vaIsraeri vemunguva yaNehemiya vaiitira utsinye vanhu vaiva nezvikwereti zvavo

    • Mt 18:​23-25—Mufananidzo waJesu unotiyeuchidza kuti munhu anogona kurangwa kana akasabhadhara chikwereti chake

Zvii zvatinofanira kuita tisati tatanga kuita bhizinesi nemumwe munhu angava chapupu, munhu weukama kana mumwewo munhu?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 23:​14-20—Abrahamu paakatenga nzvimbo yaaida kuviga Sara akaita kuti pave nezvapupu kuitira kuti zvisazonetsa mangwana

    • Jer 32:​9-12—Muprofita Jeremiya paakatenga munda kune imwe hama yake, akanyora gwaro rekutenga achibva agadzira kopi yegwaro racho uye akabhadhara mari yacho pamberi pezvapupu

Nei kuri kuchenjera kugara waronga kuti unoda kuzoshandisa sei mari yako?

Nei tisingafaniri kurega nyaya dzemari dzichiita kuti titadze kuwirirana nevamwe muungano?

Tingashandisa sei mari yedu kuti tiwane mufaro wechokwadi?