Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanaamai

Vanaamai

Zvii zvinofanira kuitwa navanaamai?

Zvi 31:​17, 21, 26, 27; Tit 2:4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 21:​8-12—Sara paakaona Ishmaeri achiitira Isaka utsinye akakumbira Abrahamu kuti adzinge Ishmaeri naHagari

    • 1Mad 1:​11-21—Bhati-shebha paakaziva kuti Adhonija aida kuzviita mambo uye upenyu hwake nehwemwanakomana wake Soromoni hwaizova pangozi, akakumbira Mambo Dhavhidhi kuti avaponese

Nei tichifanira kuremekedza uye kuteerera vanaamai vedu?

Eks 20:12; Dhe 5:16; 27:16; Zvi 1:8; 6:​20-22; 23:22

Onawo 1Ti 5:​9, 10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Pe 3:​5, 6—Muapostora Petro akaratidza kuti Sara muenzaniso kuvakadzi nekuti aiva nekutenda kwakasimba

    • Zvi 31:​1, 15, 21, 28—Amai vaMambo Remueri vakapa mwanakomana wavo mazano anoshanda panyaya yewanano uye vakamuudzawo basa rinokosha rinoitwa nemudzimai

    • 2Ti 1:5; 3:15—Muapostora Pauro akarumbidza amai vaTimoti nekuti vakadzidzisa mwanakomana wavo Magwaro kunyange zvazvo murume wavo akanga asingatendi