Vanaamai
Zvii zvinofanira kuitwa navanaamai?
Zvi 31:17, 21, 26, 27; Tit 2:4
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Ge 21:8-12—Sara paakaona Ishmaeri achiitira Isaka utsinye akakumbira Abrahamu kuti adzinge Ishmaeri naHagari
1Mad 1:11-21—Bhati-shebha paakaziva kuti Adhonija aida kuzviita mambo uye upenyu hwake nehwemwanakomana wake Soromoni hwaizova pangozi, akakumbira Mambo Dhavhidhi kuti avaponese
Nei tichifanira kuremekedza uye kuteerera vanaamai vedu?
Eks 20:12; Dhe 5:16; 27:16; Zvi 1:8; 6:20-22; 23:22
Onawo 1Ti 5:9, 10
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
1Pe 3:5, 6—Muapostora Petro akaratidza kuti Sara muenzaniso kuvakadzi nekuti aiva nekutenda kwakasimba
Zvi 31:1, 15, 21, 28—Amai vaMambo Remueri vakapa mwanakomana wavo mazano anoshanda panyaya yewanano uye vakamuudzawo basa rinokosha rinoitwa nemudzimai
2Ti 1:5; 3:15—Muapostora Pauro akarumbidza amai vaTimoti nekuti vakadzidzisa mwanakomana wavo Magwaro kunyange zvazvo murume wavo akanga asingatendi