Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchembera; Vakwegura

Kuchembera; Vakwegura

Chii chinoitika munhu paanotanga kuchembera?

Pis 71:9; 90:10

Onawo “Kunyaradza—Kusakwanisa kuita zvakawanda nemhaka yekurwara kana kukwegura

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mup 12:​1-8—Mambo Soromoni akaimba nhetembo inoratidza zvinoitika munhu paanenge achembera, zvakadai sekusaona zvakanaka (“vakadzi vanotarisa nepamahwindo vava kuona rima”) uye nzeve dzinenge dzisisanyatsonzwe (“vanasikana vese verwiyo vava kunzwikira pasi pasi”)

Vakwegura vanogona kuramba vachifara here pasinei nematambudziko anokonzerwa nekukura?

2VaK 4:​16-18; Jak 1:​2-4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 12:​2, 23—Muprofita Samueri paakanga akwegura aiziva kuti zvakakosha kuti arambe achinyengeterera vanhu vaJehovha

    • 2Sa 19:​31-39—Mambo Dhavhidhi akatenda chaizvo kutsigirwa kwaakaitwa naBhazirai uyo akanga akwegura. Bhazirai akazvininipisa akaudza Dhavhidhi kuti akanga asingachakwanisi kuenda naye kuJerusarema nemhaka yekukura

    • Pis 71:​9, 18—Mambo Dhavhidhi aitya kuti aisazokwanisa kuramba achishandiswa naJehovha paakanga akwegura saka akakumbira Jehovha kuti asamurasa asi amupe simba rekuti akwanise kuramba achiudza zvizvarwa zvinotevera nezvekunaka kwake

    • Ru 2:​36-38—Muprofitakadzi Ana akanga akwegura uye ava chirikadzi, kunyange zvakadaro Jehovha akamukomborera nemhaka yekuzvipira kwake uye kuvimbika kwaainge akaita pakumushumira

Jehovha anoratidza sei kuti anokoshesa vakwegura?

Pis 92:​12-14; Zvi 16:31; 20:29; Isa 46:4; Tit 2:​2-5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 12:​1-4—Abrahamu paakanga ava nemakore 75, Jehovha akamupa basa raizoita kuti abve kunyika yaakanga ararama kweupenyu hwake hwese

    • Dha 10:​11, 19; 12:13—Dhanieri paakanga ava nemakore ekuma90, ngirozi yakamushanyira kuti imuudze kuti Jehovha aimukoshesa uye aizowana mubayiro nemhaka yekuti akanga akavimbika

    • Ru 1:​5-13—Zekariya naErizabheti pavakanga vakwegura, Jehovha akaita chishamiso akaita kuti vave nemwanakomana ainzi Johani

    • Ru 2:​25-35—Jehovha akaita kuti murume akanga akwegura ainzi Simiyoni aone Mesiya achiri mucheche; Simiyoni akataura mashoko euprofita nezvezvaizoitwa naMesiya

    • Mab 7:​23, 30-36—Mozisi akanga ava nemakore 80 Jehovha paakamupa basa rekuti atungamirire vaIsraeri

Tinofanira kubata sei vakwegura?

Re 19:32; 1Ti 5:1

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Zvii zvatingaita kuti tibatsire vakwegura vanenge vari muungano?