Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vatariri

Vatariri

Ndezvipi zvinotariswa kuti munhu azogadzwa semukuru muungano?

Vakuru veungano vanofanira kuva muenzaniso wakanaka pazvinhu zvipi?

Ndezvipi zvinotariswa kuti munhu azogadzwa semushumiri weungano?

Nei tichiti vatariri vanogadzwa nemweya mutsvene?

Mab 20:28

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 13:​2-5; 14:23—Pauro naBhanabhasi vaiita basa rekushanyira ungano uye vakagadza vakuru muungano dzakasiyana-siyana; mazuvano vatariri vematunhu vanonyengetera kuti vabatsirwe nemweya mutsvene uye vanoshandisa Shoko raMwari rakafemerwa nemweya mutsvene pavanenge vachida kugadza vatariri muungano

    • Tit 1:​1, 5—Tito akapiwa basa rekushanyira ungano dzakasiyana-siyana achigadza vakuru

Ndiani muridzi weungano, uye yakatengwa nei?

Nei vakuru vachinzi vanoshumira ungano?

Nei vatariri vachifanira kuzvininipisa?

VaF 1:1; 2:​5-8; 1VaT 2:​6-8; 1Pe 5:​1-3, 5, 6

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mab 20:​17, 31-38—Pauro akayeuchidza vakuru vekuEfeso zvaakanga avaitira uye ivowo vakatenda rudo rwaakavaratidza

MuKristu anofanira kuona sei mirayiridzo inobva ‘kumuranda akatendeka akangwara’?

Nzira yakanaka yekuti vakuru vadzidzise vamwe ndeipi?

1Ti 4:12; 1Pe 5:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ne 5:​14-16—Gavhuna Nehemiya airemekedza Jehovha chaizvo saka haana kushandisa chinzvimbo chake kuremedza vanhu vaMwari

    • Joh 13:​12-15—Jesu akageza vadzidzi vake tsoka kuti avadzidzise kuti vanofanira kuzvininipisa

Vafudzi vechiKristu vangaratidza sei kuti vanoda munhu mumwe nemumwe ari muungano?

Vakuru vangabatsira sei munhu anenge achirwara pakunamata?

Ndezvipi zvinofanira kuitwa nevakuru pavanenge vachidzidzisa?

Nei vakuru vachifanira kuva nechokwadi chekuti ungano yaramba yakachena?

Vakuru vanofanira kudzidzisawo vanaani?

2Ti 2:​1, 2

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 10:​5-20—Jesu akadzidzisa vaapostora vake 12 asati avatuma kunoparidza

    • Ru 10:​1-11—Jesu akapa vateveri vake 70 mirayiridzo yavaifanira kutevedzera asati avatuma kunoparidza

Chii chichabatsira vakuru kuti vakwanise kuita mabasa avo akawanda?

1Pe 5:​1, 7

Onawo Zvi 3:​5, 6

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 3:​9-12—Mambo Soromoni akakumbira Jehovha uchenjeri nekunzwisisa kuti akwanise kutungamirira vanhu vake

    • 2Mak 19:​4-7—Mambo Jehoshafati akagadza vatongi mumaguta eJudha achibva avayeuchidza kuti Jehovha aizova navo pakuita basa iri rinokosha

Vanhu vari muungano vanofanira kubata sei vatariri vari muungano?

1VaT 5:​12, 13; 1Ti 5:17; VaH 13:​7, 17

Onawo VaE 4:​8, 11, 12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 20:37—Vakuru vaiva muEfeso vakaratidza kuti vaida muapostora Pauro

    • Mab 28:​14-16—Muapostora Pauro paaienda kuRoma, hama dzeko dzakafamba makiromita 65 kuti dzizosangana naye kuMusika weApiyo kuti dzimukurudzire