Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki

Vabereki

Nemhaka yei Jehovha akatanga urongwa hwewanano?

Vabereki vanofanira kuona sei vana vavo?

Pis 127:3-5; 128:3

Onawo “Vana; Vechidiki

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Vabereki vanofanira kuitirei vana vavo?

Dhe 6:6, 7; 11:18, 19; Zvi 22:6; 2VaK 12:14; 1Ti 5:8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 1:1-4—Erikana aienda nemhuri yake kumitambo yaiitwa kuShiro uye aiita kuti vana vake vese vabatane naye pakunamata kwacho

    • Ru 2:39, 41—Josefa naMariya vaigara vachienda nevana vavo kumutambo wePaseka waiitirwa kuJerusarema

Zvakanakirei kudzidzisa vana kuti vateerere Jehovha?

Zvi 1:8, 9; 22:6

Onawo 2Ti 3:14, 15

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 2:18-21, 26; 3:19—Vabereki vaSamueri vakaendesa mwanakomana wavo kunoshumira patebhenekeri, asi vaigara vachimushanyira uye vachimuendesera zvinhu zvaaida pakurarama; Samueri akakura ari murume aida Jehovha uye akamushumira akatendeka

    • Ru 2:51, 52—Jesu aiteerera vabereki vake kunyange zvazvo vakanga vaine chivi

Vabereki vangawana kupi mazano anogona kuvabatsira pakurera vana vavo?

Dhe 6:4-9; VaE 6:4; 2Ti 3:14-17

Onawo Pis 127:1; Zvi 16:3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Vat 13:2-8—Manoa paakaziva kuti Jehovha aizoita chishamiso chekuti iye nemudzimai wake vave nemwanakomana, akabvunza mazano kuna Jehovha kuti avaudze kuti vaifanira kuzorera sei mwana wacho

    • Pis 78:3-8—Jehovha anoda kuti vabereki vadzidzise vana vavo Bhaibheri

Nemhaka yei mwana akarerwa nevabereki vanoda Jehovha achigona kusarudza kusamushumira?

Eze 18:1-13, 20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 6:1-5; Jud 6—Dzimwe ngirozi dzakapanduka kunyange zvazvo dzakanga dzaita zviuru zvemakore dziina Jehovha

    • 1Sa 8:1-3—Samueri akanga akatendeka uye akarurama asi vanakomana vake vakanga vakaipa uye vasina kutendeseka

Vabereki vanofanira kutanga riini kudzidzisa vana vavo zvinodiwa naJehovha?

2Ti 3:15

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dhe 29:10-12, 29; 31:12; Ezr 10:1—VaIsraeri vaienda nevana vavo pavaienda kunoungana kuti vadzidze nezvaJehovha

    • Ru 2:41-52—Josefa naMariya vaigara vachienda naJesu nevanin’ina vake kumitambo yePaseka yaiitirwa patemberi yaiva muJerusarema

Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inogona kubatsira vabereki panyaya yekudzivirira vana vavo pavanhu vanogona kuvakanganisa?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Eks 19:4; Dhe 32:11, 12—Jehovha akazvifananidza negondo rinotakura, rinodzivirira uye rinochengetedza vana varo

    • Isa 49:15—Jehovha anovimbisa kuti achachengetedza vashumiri vake kupfuura zvinoitwa navanaamai vanoyamwisa

    • Mt 2:1-16—Satani akaedza kuuraya Jesu achiri mucheche paakaita kuti vazivi venyeredzi vaudze Mambo akaipa Herodhi nezvekuzvarwa kwaJesu, asi Jehovha akadzivirira mwanakomana wake paakaudza Josefa kuti atamise mhuri yake kuenda kuIjipiti

    • Mt 23:37—Jesu akafananidza kuda kwaanoita kubatsira vateveri vake nekudzivirira kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo

Nemhaka yei vabereki vachifanira kutaura nevana vavo nyaya dzebonde?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Re 15:2, 3, 16, 18, 19; Dhe 31:10-13—Mutemo waMozisi waitaura nyaya dzebonde uye Jehovha akati vana vanofanira kunge varipo paunenge uchiverengwa

    • Pis 139:13-16—Dhavhidhi akarumbidza Jehovha nemhaka yemasikirwo anoshamisa akaitwa muviri wemunhu kusanganisirawo kukwanisa kubereka mwana kwatinoita

    • Zvi 2:10-15—Ruzivo uye uchenjeri zvinobva kuna Jehovha zvinotidzivirira kuvanhu vakaipa uye vane unyengeri

Nemhaka yei vabereki vachifanira kuranga vana vavo nerudo?

Zvi 13:24; 29:17; Jer 30:11; VaE 6:4

Onawo Pis 25:8; 145:9; VaK 3:21

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 32:1-5—Jehovha akaranga Dhavhidhi paakatadza uye Dhavhidhi akanyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anoregerera vanhu vanopfidza zvechokwadi

    • Jon 4:1-11—Muprofita Jona akatsamwira Jehovha uye akataura achiratidza kusaremekedza asi Jehovha akataura naye nemutsa uye achimuitira mwoyo murefu. Izvi zvakadzidzisa Jona kuti Jehovha ane ngoni

Nei tichiti mubereki anoranga mwana wake anenge achiratidza kuti anomuda?