Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutambudzwa

Kutambudzwa

Nei zvisingatishamisi patinotambudzwa?

Nei tichifanira kukumbira Jehovha kuti atisimbise patinotambudzwa?

Pis 55:22; 2VaK 12:​9, 10; 2Ti 4:​16-18; VaH 13:6

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 19:​1-18—Muprofita Eriya akadurura mwoyo wake kuna Jehovha paaitambudzwa uye Jehovha akamukurudzira akamunyaradza

    • Mab 7:​9-15—Josefa akatambudzwa nevakoma vake asi Jehovha haana kumurasa, akamununura uye akamushandisa kuzoponesa mhuri yake panguva yenzara

Ndedzipi dzimwe nzira dzatinotambudzwa nevanhu?

Kutukwa

2Mak 36:16; Mt 5:11; Mab 19:9; 1Pe 4:4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 19:​1-18—Mambo weAsiriya akatuma muRabhisheki kuna Mambo Hezekiya. MuRabhisheki wacho akatuka Jehovha uye akatsvinyira vagari vemuJerusarema

    • Ru 22:​63-65; 23:​35-37—Vanhu vaitambudza Jesu vakamunyomba vakamutuka paaiva akasungwa uye paakanga akarovererwa padanda rekutambudzirwa

Kupikiswa nevemumhuri

Kusungwa uye kumiswa pamberi pematare

Kurohwa

Kurwiswa nemhomho yevanhu

Kuurayiwa

VaKristu vanofanira kuita sei pavanotambudzwa?

Mt 5:44; Mab 16:25; 1VaK 4:​12, 13; 1Pe 2:23

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 7:57–8:1—Stefani akaurayiwa nemhomho yevanhu uye pakati pevanhu ivavo paivawo naSauro wekuTaso. Paakanga ava pedyo nekufa, Stefani akakumbira Jehovha kuti aregerere vanhu vese vaimutema nematombo

    • Mab 16:​22-34—Pauro akarohwa achibva asungwa nezvisungo zvematanda. Kunyange zvakadaro akaratidza mutsa kumugadhijeri aiva akamuchengeta zvichibva zvaita kuti murume uyu nemhuri yake vapedzisire vava vatendi

Chii chakaitika kune vamwe vaKristu vekutanga?

Tinofanira kunzwa sei patinenge tichitambudzwa?

Tariro yedu yeramangwana inotisimbisa sei patinenge tichitambudzwa?

Nemhaka yei tisingafaniri kunyara, kutya, kuora mwoyo kana kubva tarega kunamata Jehovha patinotambudzwa?

Pis 56:​1-4; Mab 4:​18-20; 2Ti 1:​8, 12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 32:​1-22—Paakavingwa nemasoja aMambo Saniheribhi, Hezekiya akavimba naJehovha achibva asimbisa vanhu uye Jehovha akakomborera zvaakaita

    • VaH 12:​1-3—Vanhu pavaitambudza Jesu vaida kuti anyare, asi iye haana kurega zvaaiitirwa nevanhu zvichimuodza mwoyo

Ndezvipi zvakanaka zvinogona kuitika patinenge tichitambudzwa?

Kana tikatsungirira patinenge tichitambudzwa Jehovha anofara uye zvinoita kuti zita rake rikudzwe

1Pe 2:​19, 20; 4:​12-16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 1:​6-22; 2:​1-10—Jobho haana kuziva kuti Satani ndiye aikonzera matambudziko aaisangana nawo. Asi akaramba akavimbika kuna Jehovha zvikaita kuti Mwari akudzwe uye Satani aratidzwe kuti murevi wenhema

    • Dha 1:​6, 7; 3:​8-30—Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaramba kutyora mutemo waMwari kunyange zvazvo izvozvo zvaizoita kuti vakandwe mumoto. Kuvimbika kwavo kwakaita kuti Mambo Nebhukadhinezari ataure kuti Jehovha ndiye Mwari Wekumusorosoro

Vamwe vanogona kutanga kutoda kuziva nezvaJehovha pavanoona tichitambudzwa

Ru 21:​12, 13; Mab 8:​1, 4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 11:​19-21—VaKristu pavakatambudzwa vakabva vapararira nenyika uye zvakatobatsira kuti mashoko akanaka asvike kuvanhu vakawanda

    • VaF 1:​12, 13—Pauro akafara nekuti kusungwa kwaakaitwa kwakabatsira kuti vanhu vakawanda vanzwewo mashoko akanaka

Kana tikatsungirira patinenge tichitambudzwa, tinogona kutosimbisa vamwe vatinonamata navo

Ndivanaani vanowanzotambudza vashumiri vaJehovha?

Jer 26:11; Mk 3:6; Joh 11:​47, 48, 53; Mab 25:​1-3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 19:​24-29—MuEfeso maiva makazara vanhu vaiita bhizinesi rekugadzira zvidhori, saka vakaona sekuti kuparidza kwaiita vaKristu nezvekuti vanhu havafaniri kunamata zvidhori kwaizokanganisa bhizinesi ravo. Izvi zvakaita kuti vatange kutambudza vaKristu

    • VaG 1:​13, 14—Pauro paakanga asati atendeuka, aishingaira chaizvo muchitendero chechiJudha uye ndizvo zvakaita kuti atambudze vaKristu

Ndiani ari kukonzera kuti vashumiri vaJehovha vatambudzwe?