Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero

Munyengetero

Tinozviziva sei kuti Jehovha anoteerera uye anopindura minyengetero?

Pis 65:2; 145:18; 1Jo 5:14

Onawo Pis 66:19; Mab 10:31; VaH 5:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 18:​36-38—Eriya akanyengetera kuna Jehovha paGomo reKameri achikumbira kuti Jehovha azviratidze kuti iye ndiye Mwari wechokwadi kwete Bhaari uye Jehovha akapindura munyengetero wake

    • Mt 7:​7-11—Jesu akatidzidzisa kuti tirambe tichinyengetera uye akaratidza kuti Jehovha ndiBaba vanonzwa minyengetero yedu

Ndiani watinofanira kunamata kwaari?

Tinofanira kunyengetera nemuzita raani?

Jehovha anonzwa minyengetero yevanhu vakaita sei?

Jehovha haateereri minyengetero yevanhu vakaita sei?

Zvi 15:29; 28:9; Isa 1:15; Mik 3:4; Jak 4:3; 1Pe 3:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Jos 24:​9, 10—Jehovha haana kuteerera munyengetero waBharami nekuti zvaakakumbira zvaipesana nezvaidiwa naMwari

    • Isa 1:​15-17—Jehovha akaramba kuteerera minyengetero yevashumiri vake nekuti vakanga vava neunyengeri uye vaine mhosva yeropa

Tinoti kudii patinopedza minyengetero yedu uye nemhaka yei tichidaro?

Pane zvatinofanira kunge takaita muviri wedu here patinenge tichinyengetera?

Vashumiri vaJehovha vanogona kunyengetera nezvei pavanoungana vachinamata?

Mab 4:​23, 24; 12:5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mak 29:​10-19—Vanhu pavakaunza zvipo zvekushandisa pakuvaka temberi, Dhavhidhi akanyengetera pamberi pevanhu

    • Mab 1:​12-14—Vaapostora, vanin’ina vaJesu, Mariya amai vaJesu nevamwe vakadzi vakaungana muimba yepamusoro muJerusarema vachinyengetera

Patinenge tichinyengetera, nemhaka yei tisingafaniri kuzvikudza kana kuda kushamisira pane vamwe?

Nei tichifanira kunyengetera tisati tadya?

Nei tichifanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha?

VaR 12:12; VaE 6:18; 1VaT 5:17; 1Pe 4:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 6:​6-10—Dhanieri akaramba achinyengetera kuna Jehovha asingambohwandi kunyange zvazvo zvaigona kumuurayisa

    • Ru 18:​1-8—Jesu akataura nezvemufananidzo wemumwe mukadzi akaramba achienda kune mumwe mutongi akanga asingatyi Mwari achimukumbira kuti agadzirisirwe nyaya yake kusvikira mutongi wacho atozomubatsira. Jesu aida kutidzidzisa kuti Jehovha achatibatsira kana tikaramba tichinyengetera kwaari

Tinofanira kuita sei kana tichida kuti Mwari apindure minyengetero yedu?

2Mak 7:​13, 14

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mad 22:​11-13, 18-20—Jehovha akanzwira Mambo Josiya tsitsi nekuti akazvininipisa achibva aedza kuita zvinhu zvaimufadza

    • 2Mak 33:​10-13—Mambo Manase akazvininipisa achibva akumbira Jehovha kuti amuregerere. Jehovha akamuregerera achibva amudzosera pachigaro cheumambo

Tinofanira kuitei kana tichida kuti Jehovha atiregerere?

Patinonyengetera, nemhaka yei tichifanira kutaura kuti tinoda kuti kuda kwaMwari kuitwe?

Nemhaka yei minyengetero yedu ichifanira kuratidza kuti tine kutenda?

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinogona kutaura patinenge tichinyengetera?

Kuti zita raMwari ritsveneswe

Kuti Umambo hwaMwari huuye uye hutonge pasi rese

Kuti kuda kwaMwari kuitwe

Kukumbira zvatinoda pakurarama

Kuregererwa zvitadzo zvedu

Kukumbira Mwari kuti atibatsire kuti tisakundwa nemiedzo

Kuonga kana kuti kutenda zvatakaitirwa naMwari

Kukumbira kuti tizive zvinodiwa naMwari, tinzwisise Shoko rake uye tive neuchenjeri

Zvi 2:​3-6; VaF 1:9; Jak 1:5

Onawo Pis 119:34

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

Kukumbira mweya mutsvene

Kunyengeterera vamwe kusanganisira vaya vanenge vachitambudzwa

Kurumbidza Mwari

Pis 86:12; Isa 25:1; Dha 2:23

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 10:21—Jesu akatenda Baba vake pamberi pevanhu nemhaka yekuti vakaita kuti vanhu vanozvininipisa vazive chokwadi

    • Zva 4:​9-11—Ngirozi dzinorumbidza Jehovha nekuti akakodzera kukudzwa

Kukumbira Mwari kuti apfavise mwoyo yevanhu vane zvinzvimbo kuti vatibvumire kumunamata uye kuparidza

Pane chakaipa here nekunyengetera patinenge tichibhabhatidzwa?

Tinofanira here kunyengeterera vanhu vari kurwara pakunamata?

Kakawanda kacho nemhaka yei varume vasingapfeki chekufukidza musoro pavanenge vachinyengetera uye nei vakadzi vachifukidza misoro dzimwe nguva pavanenge vachinyengetera?

Chii chinonyanya kukosha kuna Jehovha kupfuura kureba kwakaita minyengetero yedu uye zvatinoita patinenge tichinyengetera?

Mari 3:41; Mt 6:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 18:​25-29, 36-39—Vanhu pavakanga vakaungana paGomo reKameri, vaprofita vaBhaari vakanyengetera vanyengeterazve kuna mwari wavo asi hapana akapindura

    • Mab 19:​32-41—Vanhu vainamata zvidhori muEfeso vakadaidzira kuna mwarikadzi wavo Atemisi kwemaawa maviri vachibva vatozonyararidzwa nemunyori wezvaiitika muguta