Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparidza Mashoko Akanaka

Kuparidza Mashoko Akanaka

Nei vaKristu vechokwadi vachiudza vamwe zvavanotenda?

Jesu aikoshesa zvakadii basa rekuparidza?

Ru 8:1; Joh 18:37

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 4:​42-44—Jesu akataura kuti akatumwa panyika kuzoparidza

    • Joh 4:​31-34—Jesu akataura kuti basa rekuparidza mashoko akanaka rakafanana nezvekudya kwaari

Varume vanotungamirira muungano ndivo vega vanofanira kuparidza mashoko akanaka here?

Pis 68:11; 148:​12, 13; Mab 2:​17, 18

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mad 5:​1-4, 13, 14, 17—Musikana wechidiki wechiIsraeri akaudza mudzimai waNaamani nezvemuprofita waJehovha ainzi Erisha

    • Mt 21:​15, 16—Jesu akatsiura vatungamiriri vevapristi nevanyori nemhaka yekuti vakatsamwa pavakaona vamwe vakomana vachirumbidza Jesu

Vatariri vechiKristu vanoita basa rei pakuparidza mashoko akanaka nekudzidzisa vamwe?

Jehovha naJesu vanotibatsira sei kuita basa redu rekuparidza?

2VaK 4:7; VaF 4:13; 2Ti 4:17

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 16:​12, 22-24; 1VaT 2:​1, 2—Muapostora Pauro neshamwari dzake vakaitirwa utsinye asi vakaramba vachiparidza neushingi vachibatsirwa naJehovha

    • 2VaK 12:​7-9—Muapostora Pauro aiita basa rekuparidza neushingi asi aiva ‘nemunzwa munyama’ kureva kuti zvimwe aiva nechirwere chaimunetsa; asi Jehovha akamupa simba rekuramba achiparidza

Chii chinoita kuti muKristu anzi ava kukwanisa kuparidza?

1VaK 1:​26-28; 2VaK 3:5; 4:13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Joh 7:15—Vanhu vaishamiswa neruzivo rwaiva naJesu nekuti akanga asina kumboenda kuzvikoro zvavanarabhi

    • Mab 4:13—Vadzidzi vaJesu vaionekwa sevanhuwo zvavo vasina kudzidza asi vaiparidza neushingi vasingatyi

Tinozviziva sei kuti Jehovha anoda kuti tidzidzisewo vamwe basa rekuparidza nekudzidzisa?

Mk 1:17; Ru 8:1; VaE 4:​11, 12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Isa 50:​4, 5—Jesu aidzidziswa naJehovha Mwari asati auya pasi pano

    • Mt 10:​5-7—Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuita basa rekuparidza paaiva panyika

Tinofanira kuona sei basa redu rekuparidza mashoko akanaka?

Kuparidza mashoko akanaka kunoita kuti tinzwe sei?

Ndezvipi zvatinotaura nezvazvo patinenge tichiparidza mashoko akanaka?

Nei tichifumura dzidziso dzenhema?

2VaK 10:​4, 5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mk 12:​18-27—Jesu akashandisa Magwaro kuti aratidze vaSadhusi kuti dzidziso yavo yekuti hakuna rumuko yaiva yenhema

    • Mab 17:​16, 17, 29, 30—Muapostora Pauro akaratidza vanhu vekuAtene kuti kunamata zvidhori hakuna kunaka

Tinoita sei basa rekuparidza?

Nei tichiparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda?

Nei tichifanira kuramba tiine mwoyo murefu uye tisingaregi kuparidza mashoko akanaka?

Ndezvipi zvakanaka zvinobva pakuparidza kwatinoita mashoko akanaka?

Nei tichifanira kuparidza pese patinowana mukana?

1VaK 9:23; 1Ti 2:4; 1Pe 3:15

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Joh 4:​6, 7, 13, 14—Kunyange zvazvo Jesu akanga aneta, akaparidzira mumwe mukadzi muSamariya waakasangana naye patsime

    • VaF 1:​12-14—Pauro akaramba achishandisa mikana yese yaaiwana kuti aparidze uye akurudzire vamwe kunyange paakanga akasungwa

Nei zvisingatishamisi kana vamwe vakaramba kuteerera mashoko atinoparidza?

Joh 10:​25, 26; 15:​18-20; Mab 28:​23-28

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Jer 7:​23-26—Jehovha akafemera muprofita Jeremiya kuti ataure nezvevanhu vake vairamba kuteerera vaprofita

    • Mt 13:​10-16—Jesu akataura kuti vakawanda vaizonzwa mashoko ake asi voramba kuteerera sezvakaitika mumazuva aIsaya

Vanhu vakawanda mazuva ano vakabatikana neupenyu zvekuti havana nguva yekuteerera mashoko edu. Nei izvi zvisingatishamisi?

Tinoziva sei kuti vamwe vanogona kumbotanga vachibvuma kunzwa mashoko edu asi vozoramba?

Inyaya dzipi dzemuBhaibheri dzinotibatsira kuti tisashamiswe vanhu pavanopikisa basa redu rekuparidza?

Tinoita sei kana vanhu vakatipikisa patinenge tichiita basa redu rekuparidza?

Nei tiine chokwadi chekuti vamwe vachagamuchira mashoko akanaka atinoparidza?

Jehovha anoda kuti vaya vanoziva mashoko akanaka vaite sei?

Nei tichifanira kuparidzira vanhu vese pasinei nekuti vanopinda chechi ipi, ndeverudzi rupi kana kuti ndevekunyika ipi?

Pavhiki pane zuva here ratinonzi hatifaniri kuparidza?

Chii chinoratidza kuti hazvina kuipa kuparidzira vanhu kunyange vaine maBhaibheri avo uye vaine chechi yavanotopinda nechekare?