Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupfidza

Kupfidza

Nei munhu wese achifanira kupfidza zvivi zvake okumbira kuregererwa naJehovha?

VaR 3:23; 5:12; 1Jo 1:8

Onawo Mab 26:20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 18:​9-14—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti tinofanira kupfidza zvivi zvedu tokumbira kubatsirwa naMwari

    • VaR 7:​15-25—Pauro aiva muapostora uye aiva nekutenda kwakasimba asi aigara achirwisana nechivi chaaiva nacho

Jehovha anonzwa sei munhu paanopfidza?

Eze 33:11; VaR 2:4; 2Pe 3:9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 15:​1-10—Jesu akataura mifananidzo yairatidza kuti Jehovha nengirozi vanofara mutadzi paanopfidza

    • Ru 19:​1-10—Mumwe mukuru wevateresi ainzi Zakeyo aibiridzira vanhu asi akapfidza akachinja mararamiro ake achibva aregererwa naJehovha

Tinoratidza sei kuti tapfidza zvechokwadi?

Kuva neruzivo rwakarurama kunobatsira sei munhu anenge apfidza zvechokwadi?

VaR 12:2; VaK 3:​9, 10; 2Ti 2:25

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 17:​29-31—Muapostora Pauro akaudza vanhu vekuAtene kuti kunamata zvidhori kusaziva uye akavakurudzira kuti vapfidze

    • 1Ti 1:​12-15—Muapostora Pauro akaita zvivi zvakakura asingazivi paakanga asati ava neruzivo rwakarurama nezvaJesu Kristu

Kupfidza kwakakosherei?

Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anotiregerera kana tikapfidza kunyange kana takamboita zvivi zvakawanda?

Jehovha anoona sei vanhu vanopfidza zvivi zvazvo vochinja mararamiro avo?

Tinozviziva sei kuti kupfidza haisi nyaya yekungoti ndine urombo ndakanganisa?

2Mak 7:14; Zvi 28:13; Eze 18:​30, 31; 33:​14-16; Mt 3:8; Mab 3:19; 26:20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 33:​1-6, 10-16—Mambo Manase akaita zvivi zvakakura asi akazvininipisa akaramba achinyengetera uye akachinja mararamiro ake kuratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi

    • Pis 32:​1-6; 51:​1-4, 17—Mambo Dhavhidhi akazvidemba paakatadza uye akareurura akanyengetera kuratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi

Kana munhu anenge atitadzira akapfidza zvechokwadi, nei tichifanira kumuregerera?