Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugadzirisa Kusawirirana

Kugadzirisa Kusawirirana

Nei tisingafaniri kutsamwa kana kutsiva, mumwe munhu paanotigumbura?

Zvi 20:22; 24:29; VaR 12:​17, 18; Jak 1:​19, 20; 1Pe 3:​8, 9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 25:​9-13, 23-35—Nabhari paakatuka Dhavhidhi nevarume vake achibva aramba kuvabatsira, Dhavhidhi akati aida kuuraya Nabhari nevarume vese veimba yake asi zano raakapiwa naAbhigairi rakamubatsira kuti asatsiva

    • Zvi 24:​17-20—Mambo Soromoni akafemerwa kuyambira vanhu vaMwari kuti Jehovha haadi kuti tifare vavengi vedu pavanotambura. Tinovimba kuti Jehovha achatonga zvakarurama

Kana muKristu asiri kuwirirana nemumwe munhu, anofanira kubva aregedza kutaura naye here kana kuramba akamugumbukira?

Re 19:​17, 18; 1VaK 13:​4, 5; VaE 4:26

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mt 5:​23, 24—Jesu akati tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tive rugare nemunhu anenge atitadzira

Tinofanira kuita sei kana mumwe munhu akatigumbura?

Nemhaka yei tichifanira kuramba tichiregerera vamwe nyangwe vakatikanganisira kakawanda?

Kana mumwe munhu akatikanganisira asi zvotiomera kuti tingosiya nyaya yacho yakadaro, zvimwe nemhaka yekuti akatitsotsa kana kutaura zvenhema nezvedu, ndiani anofanira kunotaura nemunhu akatikanganisira, uye nei?

Tinofanira kuita sei kana tikataura nemunhu anenge ambotitsotsa kana kutaura zvenhema nezvedu asi oramba achingozvidzokorora?