Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusaroora; Kusaroorwa

Kusaroora; Kusaroorwa

Nei Bhaibheri richiti kusaroora kana kusaroorwa chipo?

Nei zvisina kunaka kuti timanikidze munhu kuroora kana kuroorwa?

1VaK 7:​28, 32-35; 1VaT 4:11

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • VaR 14:​10-12—Muapostora Pauro akatsanangura kuti zvakaipirei kutonga mumwe munhu

    • 1VaK 9:​3-5—Muapostora Pauro aigona kusarudza kuroora; asi kusaroora kwaiita kuti ave nenguva yakawanda yekuita ushumiri hwake

Kuroora kana kuroorwa ndiko kuchaita kuti munhu afare here?

1VaK 7:8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Vat 11:​30-40—Mwanasikana waJefta haana kuroorwa uye zvakaita kuti akwanise kushumira patebhenekeri kweupenyu hwake hwese

    • Mab 20:35—Jesu haana kumboroora asi aifara. Mashoko aakataura anoratidza kuti mufaro wake waibva pakubatsira vamwe

    • 1VaT 1:​2-9; 2:12—Muapostora Pauro haana kumboroora uye akatsanangura kuti ushumiri hwakaita kuti afare nekuti akakwanisa kubatsira vakawanda kuziva Jehovha

Nemhaka yei vanhu vasiri muwanano vachifanira kuramba vachizvibata sezvinongoita vamwe vashumiri vese vaJehovha?

1VaK 6:18; VaG 5:​19-21; VaE 5:​3, 4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Zvi 7:​7-23—Mambo Soromoni akatsanangura zvakaitika kune rimwe jaya rakabvuma kutsauswa neimwe pfambi

    • Rwi 4:12; 8:​8-10—Musikana wekuShurami akarumbidzwa nekuti akaramba achizvibata uye haana kumboita unzenza

Chii chingaita kuti muKristu asarudze kupinda muwanano?