Kudzidza
Nei tichifanira kugara tichidzidza Shoko raMwari?
Pis 1:1-3; Zvi 18:15; 1Ti 4:6; 2Ti 2:15
Onawo Mab 17:11
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 119:97-101—Munyori wePisarema akanyora kuti aida mutemo waMwari uye aiona kuti kushandisa zvaaidzidza kwaiita kuti ave neupenyu hwakanaka
-
Dha 9:1-3, mashoko emuzasi—Dhanieri aidzidza mabhuku matsvene saka akakwanisa kuziva kuti vaIsraeri vaizosunungurwa muutapwa hweBhabhironi pashure pemakore 70
-
Nei tichifanira kuramba tichidzidza?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Zvi 4:18—Chiedza chemangwanani chinoramba chichijeka zvishoma nezvishoma. Ndizvo zvinoitwawo naJehovha, anoita kuti chokwadi chake chirambe chichijekera vanhu vanomuda
-
Mt 24:45-47—Jesu akataura kuti aizogadza “muranda akatendeka akangwara” mumazuva ekupedzisira kuti ape vateveri vake zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera
-
Nemhaka yei uchenjeri huri muBhaibheri huchikosha kupfuura uchenjeri huri mune mamwe mabhuku akanyorwa nevanhu?
Jehovha anovimbisa kupei vanhu vanodzidza Bhaibheri vachida kumufadza?
Chii chatinofanira kunyengeterera tisati tatanga kudzidza Bhaibheri?
Onawo Pis 119:66
Nei tichifanira kushandisa zvekudya zvekunamata zvatinopiwa ‘nemuranda akatendeka akangwara’?
Nei tichifanira kuziva chokwadi chinotaurwa muBhaibheri?
Nei zvichikosha kuti tinzwisise uye tiwane uchenjeri?
Nei tichifanira kufungisisa zvatinoverenga kwete kuverenga tichimhanya?
Nei tichifanira kufunga nezvekuti Shoko raMwari rinoshanda sei muupenyu hwedu?
Nei tichifanira kutanga tafunga matauriro atingazoita tisati taudza mumwe munhu zvatakadzidza?
Nei tichifanira kugara tichidzidza chokwadi chinokosha?
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Dhe 6:6, 7; 11:18-20—Jehovha akaudza vanhu vake kuti vagare vachidzidzisa vana vavo mashoko ake
-
Kudzidza Bhaibheri semhuri kwakanakirei?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 18:17-19—Jehovha aida kuti Abrahamu adzidzise mhuri yake kuti vateerere Jehovha uye vaite zvakanaka
-
Pis 78:5-7—VaIsraeri vaifanira kuudza chizvarwa chaizotevera nezvaJehovha kuitira kuti vavimbe naye
-
Kudzidza tiri pamwe chete seungano kunotibatsira sei?