Uchenjeri
Tinofanira kuita sei kana tichida kuwana uchenjeri hwechokwadi?
Ndekupi kwatingawana uchenjeri hwechokwadi?
Zvinoita here kuti tinyengetere kuna Mwari tichikumbira uchenjeri?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mak 1:8-12—Mambo Soromoni akanyengetera achikumbira uchenjeri hwekuti ave mutongi akanaka, uye Jehovha amupa zvaakakumbira
-
Zvi 2:1-5—Uchenjeri, kunzwisisa, neungwaru zvinofananidzwa nepfuma yakavanzwa yatinofanira kutsvaga, kana tikazvitsvaga Jehovha achatibatsira kuti tizviwane
-
Jehovha anotipa sei uchenjeri?
Isa 11:2; 1VaK 1:24, 30; 2:13; VaE 1:17; VaK 2:2, 3
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Zvi 8:1-3, 22-31—Mavhesi aya anotaura nezveuchenjeri achihufananidza nemunhu uye izvi zvinobva zvatiyeuchidza nezvaJesu uyo akatanga kusikwa naMwari
-
Mt 13:51-54—Vanhu vakawanda vaiteerera Jesu vaitadza kunzwisisa kuti mwana wavakaona achikura akanga awana kupi uchenjeri hwakadaro
-
Tinoratidza sei kuti tine uchenjeri hunobva kuna Mwari?
Uchenjeri hunotibatsira uye hunotidzivirira sei?
Uchenjeri hunobva kuna Mwari hwakakosha zvakadii?
Onawo Job 28:18
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Job 28:12, 15-19—Jobho akaonga uchenjeri hwaMwari kunyange paakanga afirwa uye ari kurwadziwa
-
Pis 19:7-9—Mambo Dhavhidhi akati mutemo nezviyeuchidzo zvaJehovha zvinogona kuchenjedza asina ruzivo
-
Zvakaipirei kuteerera uchenjeri hwenyika?