Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uchenjeri

Uchenjeri

Tinofanira kuita sei kana tichida kuwana uchenjeri hwechokwadi?

Ndekupi kwatingawana uchenjeri hwechokwadi?

Zvinoita here kuti tinyengetere kuna Mwari tichikumbira uchenjeri?

VaK 1:9; Jak 1:5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 1:​8-12—Mambo Soromoni akanyengetera achikumbira uchenjeri hwekuti ave mutongi akanaka, uye Jehovha amupa zvaakakumbira

    • Zvi 2:​1-5—Uchenjeri, kunzwisisa, neungwaru zvinofananidzwa nepfuma yakavanzwa yatinofanira kutsvaga, kana tikazvitsvaga Jehovha achatibatsira kuti tizviwane

Jehovha anotipa sei uchenjeri?

Isa 11:2; 1VaK 1:​24, 30; 2:13; VaE 1:17; VaK 2:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Zvi 8:​1-3, 22-31—Mavhesi aya anotaura nezveuchenjeri achihufananidza nemunhu uye izvi zvinobva zvatiyeuchidza nezvaJesu uyo akatanga kusikwa naMwari

    • Mt 13:​51-54—Vanhu vakawanda vaiteerera Jesu vaitadza kunzwisisa kuti mwana wavakaona achikura akanga awana kupi uchenjeri hwakadaro

Tinoratidza sei kuti tine uchenjeri hunobva kuna Mwari?

Uchenjeri hunotibatsira uye hunotidzivirira sei?

Uchenjeri hunobva kuna Mwari hwakakosha zvakadii?

Zvi 3:​13, 14; 8:11

Onawo Job 28:18

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 28:​12, 15-19—Jobho akaonga uchenjeri hwaMwari kunyange paakanga afirwa uye ari kurwadziwa

    • Pis 19:​7-9—Mambo Dhavhidhi akati mutemo nezviyeuchidzo zvaJehovha zvinogona kuchenjedza asina ruzivo

Zvakaipirei kuteerera uchenjeri hwenyika?