Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa

Basa

Basa nemufaro zvakabatana papi?

Kuita basa nemazvo kwakanakirei?

Zvi 22:29

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 16:​16-23—Dhavhidhi aiva neunyanzvi hwekuridza rudimbwa. Akashandisa unyanzvi hwake kuzorodza mambo weIsraeri aiva nemweya wakaipa

    • 2Mak 2:​13, 14—Hiramu-abhi aiva neunyanzvi hwekugadzira zvinhu. Akashandisa unyanzvi hwake kubatsira Mambo Soromoni kuvaka temberi

Nemhaka yei vashumiri vaMwari vachida kuzivikanwa sevanhu vanoshanda nesimba?

VaE 4:28; VaK 3:23

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 24:​10-21—Ribheka aishanda nesimba chaizvo, uye akaita zvinopfuura zvaakakumbirwa kuti aite nemuranda waAbrahamu

    • VaF 2:​19-23—Timoti akapiwa basa rakakura naPauro nekuti aizvininipisa uye aida kushanda nesimba

Nemhaka yei vashumiri vaMwari vasingafaniri kuva neusimbe?

Zvi 13:4; 18:9; 21:​25, 26; Mup 10:18

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Zvi 6:​6-11—Mambo Soromoni akataura nezvemasvosve achida kudzidzisa nezvekushanda nesimba uye kusava neusimbe

Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tiwane zvekurarama nazvo?

Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tichengete mhuri?

1Ti 5:8

Nei vaKristu vachifanira kupawo vamwe zvavainazvo?

Tinofanira kuva nemaonero akaita sei panyaya yemari yatinotambira?

Tinozviziva sei kuti Jehovha anotibatsira kuti tishande nesimba uye tiwane zvatinoda pakurarama?

Mt 6:​25, 30-32; Ru 11:​2, 3; 2VaK 9:10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 31:​3-13—Rabhani haana kubata Jakobho zvakanaka asi Jehovha akaona kuti Jakobho aishanda nesimba uye akamukomborera

    • Ge 39:​1-6, 20-23—Jehovha akakomborera Josefa nekuti aishanda nesimba paaiva mumba maPotifari uye paakanga ava mujeri

Nemhaka yei tisingafaniri kukoshesa basa kupfuura kushumira Jehovha?

Pis 39:​5-7; Mt 6:33; Joh 6:27

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 12:​15-21—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti hakusi kuchenjera kukoshesa pfuma kupfuura kushumira Jehovha

    • 1Ti 6:​17-19—Muapostora Pauro akayambira vaKristu vakanga vakapfuma kuti varege kuzvikudza uye akavakurudzira kuti “vapfume pamabasa akanaka”

Magwaro api angatibatsira pakusarudza basa ratichaita?

Kushandira Jehovha

Ibasa ripi rinokosha rinofanira kuitwa nevaKristu?

Nei tichida kuita zvese zvatinogona pakushumira Jehovha?

Nei tisingafaniri kuenzanisa zvatinoita nezvinoitwa nevamwe pabasa ratinoitira Jehovha?

VaG 6:​3-5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 25:​14, 15—Mufananidzo wakataurwa naJesu unoratidza kuti haatarisiri vateveri vake kuti vaite zvakafanana pakumushumira

    • Ru 21:​2-4—Jesu akataura kuti mari shoma yakakandwa neimwe chirikadzi yaishayiwa yaikosha chaizvo

Tinowanepi simba rekuita basa ratinopiwa naJehovha?

2VaK 4:7; VaE 3:​20, 21; VaF 4:13

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • 2Ti 4:17—Muapostora Pauro akataura kuti Ishe aimupa simba

Nemhaka yei kushumira Jehovha kuchiita kuti tifare?