Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata

Kunamata

Ndiani chete watinofanira kunamata?

Eks 34:14; Dhe 5:​8-10; Isa 42:8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 4:​8-10—Satani akati aizopa Jesu umambo hwese huri panyika kana akangomunamata kamwe chete; Jesu akaramba uye akati Jehovha chete ndiye anofanira kunamatwa

    • Zva 19:​9, 10—Ngirozi yakaramba kunamatwa naJohani

Jehovha anoda kuti timunamate sei?

Joh 4:24; Jak 1:​26, 27

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Isa 1:​10-17—Jehovha haagamuchiri manamatiro evanhu vasingadi kurarama zvinoenderana nemitemo yake

    • Mt 15:​1-11—Jesu akaratidza kuti Jehovha haagamuchiri kunamata kwedu kana tichikoshesa tsika dzedu kupfuura mitemo yaMwari

Kana zvichiita, tinofanira kunamata tiina vanaani nguva dzese?

VaH 10:​24, 25

Onawo Pis 133:​1-3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 2:​40-42—Makore akatanga chiKristu, vaKristu vaiungana kuti vanyengetere, vawadzane, uye vadzidze magwaro akafemerwa nemweya mutsvene

    • 1VaK 14:​26-40—Pauro akati misangano yeungano inofanira kuitwa zvakarongeka uye ichikurudzira kuitira kuti wese anenge aripo abatsirike

Tinofanira kuita sei kana tichida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu?

Mt 7:​21-24; 1Jo 2:17; 5:3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • VaH 11:6—Pauro akati tinofanira kuva nekutenda kana tichida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu

    • Jak 2:​14-17, 24-26—Jakobho munin’ina waJesu akati kutenda kwedu kunofanira kuva nemabasa; kutenda kwedu kunoita kuti tiite chimwe chinhu