Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati


Zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nezvidzidzo zveBhaibheri zviri mubhuku rino

Zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nezvidzidzo zveBhaibheri zviri mubhuku rino

Ita zvekudzidziswa: Kumbira munhu akupa bhuku rino kuti akudzidzise kana kuti tumira chikumbiro chako pajw.org.

CHIKAMU CHEKUTANGA

Verenga ndima, nemibvunzo inenge iri nechepamusoro pendima dzacho (A) nemavhesi (B) anobudisa pfungwa dzinokosha. Mamwe mavhesi akatonyorwa kunzi “verengai.”

CHIKAMU CHECHIPIRI

Mashoko ari pakanzi Wedzera Kuongorora (C) anotaura zvimwe zvamuchadzidza. Misoro yenyaya midiki (D) inoratidza pfungwa dzinokosha dzichadzidzwa. Verengai mavhesi, mopindura mibvunzo, uye moona mavhidhiyo anenge aripo (E).

Nyatsotarisa mifananidzo nemashoko anenge akanyorwa pedyo nemifananidzo yacho (F), wofunga kuti ungapindura sei mibvunzo iri pakanzi Vamwe Vanoti (G).

CHIKAMU CHEKUPEDZISIRA

Zvese zvamunenge madzidza muchidzidzo chacho zvinodzokororwa muchidimbu pazvikamu zvakanzi Pfupiso uye Kudzokorora (H). Nyora musi wamunenge mapedza chidzidzo chacho. Pakanzi Edza Izvi (I) panokuudza zvinhu zvaunofanira kuita zvinoenderana nezvaunenge wadzidza. Pakanzi Wedzera Pane Zvawadzidza (J) panenge paine zvimwe zvaunogona kuverenga kana mamwe mavhidhiyo aunogona kuona.

Ungawana sei vhesi yaunenge uchida muBhaibheri?

Mavhesi emuBhaibheri anonyorwa pachitanga nezita rebhuku racho remuBhaibheri (A), kwozotevera chitsauko (B), kwozotevera nhamba yevhesi kana kuti mavhesi (C). Kana pakanzi, Johani 17:3 zvinenge zvichireva kuti bhuku reBhaibheri raJohani, chitsauko 17, vhesi 3.