Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva Kudare Rinotungamirira

Tsamba Inobva Kudare Rinotungamirira

Muparidzi Wemashoko Akanaka Anodiwa:

Kuda Mwari uye kuda vanhu ndizvo zvinoita kuti tiende kunoita “kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,” tovabatsira kuti vabhabhatidzwe. (Mat. 28:​19, 20; Mako 12:​28-31) Rudo rwune simba. Runoita kuti tisvike pamwoyo yevaya vane “chido chekuwana upenyu husingaperi.”—Mab. 13:48.

Kare tainyanya kuisa pfungwa dzedu pakubata mharidzo nemusoro uye kusiya tapa vanhu mabhuku. Iye zvino tava kuda kuedza kuvandudza unyanzvi hwedu hwekukurukura nevanhu. Tinoda kuratidza kuti tinoda vanhu nekutaura navo nyaya dzine chekuita neupenyu hwavo. Saka zvinoreva kuti tinofanira kunge takagadzirira kuchinja mharidzo dzedu kuti dzienderane nezvavanofarira kana kuti zviri kuvanetsa. Kabhuku kano kachatibatsira sei kuita izvozvo?

Kabhuku kano kane zvidzidzo 12 zvichatibatsira kuti tinyatsoratidza rudo rwakadzama patinenge tichibatsira vanhu kuti vave vadzidzi. Muchidzidzo chimwe nechimwe tichawana chimwe chinhu chatinodzidza panyaya yemuBhaibheri yezvakaitwa naJesu kana kuti mumwe muzivisi wemashoko akanaka wepanguva yakatanga chiKristu. Chinangwa chebhuku rino hachisi chekutibatsira kubata mharidzo nemusoro, asi ndechekuti tidzidze nzira dzatingaratidza nadzo rudo kuvanhu. Kunyange zvazvo chimwe nechimwe chezvatichadzidza chichishanda pese patinoita ushumiri, tichada kunyanya kuona kuti ndezvipi zvinonyanya kushanda pakutanga kukurukura nevanhu, pakudzokera kunoona vanenge vafarira, uye pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

Pauchaita chidzidzo chimwe nechimwe, nyatsofungisisa kuti ungachishandisa sei paunenge uchitaura nevanhu vaunosangana navo kwaunogara. Edza kudzamisa kuda kwaunoita Jehovha nevanhu. Rudo irworwo ndirwo ruchakubatsira kuzadzisa chinangwa chako chekuita kuti vanhu vave vadzidzi kupfuura unyanzvi hupi zvahwo hwaungava nahwo.

Tinofara chaizvo kuti tiri kushanda pamwe chete newe. (Zef. 3:9) Jehovha ngaakukomborere paucharatidza rudo rwako nekubatsira vanhu kuti vave vadzidzi!

Hama dzako,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha