Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

CHIDZIDZO 1

Kufarira Vanhu

Kufarira Vanhu

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo . . . harutsvagi zvakarunakira.”—1 VaK. 13:​4, 5.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 4:6-9, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Jesu akacherechedza chii asati atanga kutaura nemukadzi uyu?

  2.   Jesu akati: “Ndipeiwo mvura yekunwa.” Nei nzira yaakashandisa kutanga kutaura nemukadzi uyu yakabudirira?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Kazhinji tinobudirira kukurukura nemunhu kana tikatanga nenyaya yatiri kuona kuti ndiyo yaari kufunga nezvayo.

Tevedzera Jesu

3. Gara wakagadzirira kuchinja. Usarambirira pamharidzo yawauya wakaronga iwewe. Tanga kukurukura nevanhu uchishandisa nyaya yavari kufunga nezvayo musi iwoyo. Zvibvunze kuti:

  1.    ‘Inyaya dzipi dziri munhau?’

  2.   ‘Vavakidzani vangu, vanhu vandinoshanda navo, kana kuti vandinodzidza navo kuchikoro, vari kutaura nezvei?’

4. Cherechedza. Zvibvunze kuti:

  1.    ‘Munhu wacho ari kuitei iye zvino? Anogona kunge ari kufunga nezvei?’

  2.   ‘Mapfekero aakaita kana kuti zvakaita pamba pake zvinoratidza chimwe chinhu nezvechechi yake kana kuti zvaanotenda here?’

  3.   ‘Wamusvikira panguva yakanaka here?’

5. Teerera.

  1.    Usataurisa.

  2.   Batsira munhu kuti asununguke kutaura zvaari kufunga. Pazvinenge zvakakodzera, bvunza mibvunzo.