KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU
CHIDZIDZO 1
Kufarira Vanhu
Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo . . . harutsvagi zvakarunakira.”—1 VaK. 13:4, 5.
Jesu Akazviratidza Sei?
1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 4:6-9, woedza kupindura mibvunzo inotevera:
Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
2. Kazhinji tinobudirira kukurukura nemunhu kana tikatanga nenyaya yatiri kuona kuti ndiyo yaari kufunga nezvayo.
Tevedzera Jesu
3. Gara wakagadzirira kuchinja. Usarambirira pamharidzo yawauya wakaronga iwewe. Tanga kukurukura nevanhu uchishandisa nyaya yavari kufunga nezvayo musi iwoyo. Zvibvunze kuti:
-
‘Vavakidzani vangu, vanhu vandinoshanda navo, kana kuti vandinodzidza navo kuchikoro, vari kutaura nezvei?’
4. Cherechedza. Zvibvunze kuti:
-
‘Munhu wacho ari kuitei iye zvino? Anogona kunge ari kufunga nezvei?’
-
‘Mapfekero aakaita kana kuti zvakaita pamba pake zvinoratidza chimwe chinhu nezvechechi yake kana kuti zvaanotenda here?’
5. Teerera.