Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

CHIDZIDZO 2

Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese

Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!”—Zvir. 15:23.

Firipi Akazviita Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 8:​30, 31, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Firipi akatanga sei kukurukura nemunhu?

  2.   Nei matangiro aakaita nyaya kuti audze mumwe munhu chinhu chitsva ari iwo matauriro anongoita vanhu nguva dzese?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naFiripi?

2. Kana tikatanga kukurukura nemunhu sezvatinongoita patinenge tichikurukura dzimwe nyaya zvinoita kuti asununguke tokwanisa kuzopinza shoko ratinenge tiinaro.

Tevedzera Firipi

3. Cherechedza. Tinogona kuziva zvakawanda nezvemunhu nekungotarisa chiso chake nezvaanenge achiita. Ari kuda zvekutaura here? Unogona kupinza shoko raMwari nekungobvunza kuti, “Maimboziva here kuti . . . ?” Usamanikidze munhu asiri kuda zvekutaura.

4. Iva nemwoyo murefu. Usazvinetsa kana ukasakurumidza kuwana mukana wekupinza nyaya yeBhaibheri. Mirira mukana wakanyatsonaka. Pamwe pacho ungatozopinza nyaya yacho paunozotaura nemunhu wacho pane imwe nguva.

5. Gara wakagadzirira kuchinja. Munhu wauri kukurukura naye anogona kutopinza imwe nyaya yawanga usiri kutarisira. Saka gara wakagadzirira kumuudza chimwe chinhu chinobva muBhaibheri chinoenderana naye, kunyange kana nyaya yacho yakatosiyana neyawanga uchifunga nezvayo.