Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

CHIDZIDZO 3

Iva Netsitsi Uye Mutsa

Iva Netsitsi Uye Mutsa

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo rune . . . mutsa.”—1 VaK. 13:4.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 9:​1-7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Ndechipi chakatanga chaitwa naJesu, kuporesa murume uyu kana kuti kumuparidzira?—Ona Joh. 9:​35-38.

  2.   Unofunga kuti nei zvakaitwa naJesu zvingave zvakabatsira kuti murume uyu ade kugamuchira mashoko akanaka?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Munhu anowanzoteerera zvatinenge tichitaura kana aona kuti tine hanya naye.

Tevedzera Jesu

3. Edza kunzwisisa kuti munhu ari kunzwa sei. Funga kuti dai uri iwe wainzwa sei.

  1.    Zvibvunze kuti: ‘Angave aine dambudziko ripi? Ndingamubatsira sei uye ndingaita sei kuti afare?’ Kuita izvozvo kuchaita kuti paunoitira munhu zvakanaka zvinyatsoratidza kuti wazviita nemwoyo wese.

  2.   Ratidza kuti une hanya nemunhu nekuteerera paanenge achitaura. Kana akakutaurira kuti ari kunzwa sei kana kuti ane dambudziko raainaro, usachinja nyaya.

4. Taura naye zvakanaka uye neruremekedzo. Kana uchinzwira munhu tsitsi uye uine chido chekumubatsira zvinooneka pamatauriro ako. Nyatsosarudza mashoko ekushandisa uye ngwarira zvinenge zvakaita inzwi rako.

5. Mubatsire. Tsvaga mikana yekumubatsirawo pane zvaanenge achida. Kubatsira munhu kunovhura mikana yekukurukura.