Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

CHIDZIDZO 4

Zvininipise

Zvininipise

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri.”—VaF. 2:3.

Pauro Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 26:​2, 3, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Pauro akaratidza sei kuzvininipisa pamatangiro aakaita kutaura naMambo Agripa?

  2.   Pauro akaita sei kuti vanhu vaise pfungwa pana Jehovha uye paMagwaro panzvimbo pekufunga nezvake iye?—Ona Mab. 26:22.

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?

2. Zvatinotaura zvichafarirwa nevanhu kana vachiona kuti tinozvininipisa uye tinovaremekedza.

Tevedzera Pauro

3. Usatarisire vanhu pasi. Usaratidza munhu kuti iwe ndiwe unoziva zvese iye hapana zvaari kuziva. Taura naye neruremekedzo.

4. Budisa pachena kuti chokwadi chauri kutaura chiri kubva muBhaibheri. Shoko raMwari rine pfungwa dziri mariri dzinonyatsobaya mwoyo yevanhu. Patinorishandisa tinoita kuti vanhu vatende mariri iro, kwete zvatinotaura isusu.

5. Iva munyoro. Usade kuita nharo uchida kuratidza kuti zvauri kutaura ndicho chokwadi. Zvininipise nekuramba wakadzikama uye ziva pazvinenge zvakanaka kuti ubvepo. (Zvir. 17:14; Tito 3:2) Kupindura munhu neunyoro kunogona kubatsira kuti pamunozosanganazve pabude chimwe chinhu.