Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

CHIDZIDZO 5

Ngwarira Matauriro Ako

Ngwarira Matauriro Ako

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa.”—VaK. 4:6.

Pauro Akazviita Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 17:​22, 23, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Pauro akanzwa sei nekunamata kwenhema kwakanga kwakazara muAtene?—Ona Mab. 17:16.

  2.   Pauro akataura sei nekungwarira nezvezvinhu zvavaitenda kuti avaudze mashoko akanaka, panzvimbo pekuvapa mhosva?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?

2. Vanhu vanowanzotiteerera kana tikasarudza nekungwarira mashoko atinoshandisa uye matauriro atinoaita uye tozivawo nguva yatinoataura.

Tevedzera Pauro

3. Sarudza mashoko ako nekungwarira. Kana uchitaura nemunhu asingazivi zvechiKristu, ungafanira kungwarira mapinziro aunoita Bhaibheri uye matauriro aunoita nezvaJesu.

4. Usakurumidza kugadzirisa munhu paanenge ataura zvisiri izvo. Musiye anyatsotaura zvaanofunga. Kana akataura chimwe chinhu chinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri, usamuitisa nharo. (Jak. 1:19) Kumuteerera kuchaita kuti unyatsonzwisisa zvaanofunga.—Zvir. 20:5.

5. Paanenge ataura zvechokwadi ratidzawo kuti unobvumirana naye uye mutende. Pamwe akatonyura muzvinhu zvaanotenda achifungawo kuti ndezvechokwadi. Tanga watsvaga pamwe pamuri kubvumirana, wozoita uchimudzidzisa zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvishoma nezvishoma.