Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

CHIDZIDZO 6

Usatye Munhu

Usatye Munhu

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari.”—1 VaT. 2:2.

Jesu Akazviita Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Ruka 19:​1-7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Chii chaigona kuita kuti vanhu vazeze kutaura naZakeyo?

  2.   Chii chakaita kuti Jesu amuparidzire pasinei naizvozvo?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Tinofanira kuzvishingisa kuti tiparidzire mashoko eUmambo tisingasarure vanhu.

Tevedzera Jesu

3. Vimba naJehovha. Mweya waMwari wakapa Jesu simba rekuparidza, uye unogona kukupawo iwe simba iroro. (Mat. 10:​19, 20; Ruka 4:18) Kumbira Jehovha kuti akushingise kuparidzira vanhu vaungaona sevanotyisa.—Mab. 4:29.

4. Usafungira munhu usati wataura naye. Tinogona kutya kutaura nemunhu pamusana pezvaakaita, chinzvimbo chaainacho, mari yake, kana kuti zvaanotenda. Asi yeuka kuti:

  1.    Jehovha naJesu vanogona kuziva zviri mumwoyo memunhu; asi isu hatizvikwanisi.

  2.   Hapana munhu anonzi haakwanisi kunzwirwa tsitsi naJehovha.

5. Usatye munhu, asi ngwarira matauriro aunoita. (Mat. 10:16) Usaitisana nharo nemunhu. Misa nyaya yacho zvakanakanaka kana ukaona kuti haasi kuteerera kana kuti ari kukuitira hasha.—Zvir. 17:14.