Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA

CHIDZIDZO 8

Iva Nemwoyo Murefu

Iva Nemwoyo Murefu

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo rune mwoyo murefu.”—1 VaK. 13:4.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 7:​3-5 uye 1 VaKorinde 15:​3, 4, 7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Munin’ina waJesu akatanga achiona sei zvaiparidzwa naJesu?

  2.   Chii chinoratidza kuti Jesu haana kurasa tariro pamunin’ina wake Jakobho?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Tinofanira kuva nemwoyo murefu nekuti vamwe vanhu vanotora nguva vasati vagamuchira mashoko akanaka.

Tevedzera Jesu

3. Dzimwe nzira dzikaramba, edza kushandisa dzimwe. Kana munhu akasabvuma kudzidza Bhaibheri pakare ipapo usamumanikidza. Kana uchiona zvichiita, shandisa mavhidhiyo kana kuti dzimwe nyaya kumubatsira kunzwisisa kuti chii chinenge chichiitwa pachidzidzo cheBhaibheri uye kuti chichamubatsira sei.

4. Ziva kuti vanhu havafanani. Funga nezvemunhu mumwe nemumwe sezvaari. Kana mumwe munhu wemumba menyu kana wawakaparidzira achiramba chidzidzo cheBhaibheri kana kuti imwe dzidziso yeBhaibheri, funga kuti chii chinogona kunge chichikonzera kuti adaro. Pane imwe dzidziso yezvitendero zvenhema yakamuomera kusiya here? Ari kupikiswa neveukama kana kuti vavakidzani here? Mupe nguva yekumbonyatsofunga zvauri kutaura uye yekuona kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinokosha zvakadii.

5. Nyengetera nezvemunhu wacho anofarira. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti urambe uine tariro uye kuti ungwarire matauriro ako. Nyengetera kuti uzive kuti ndepapi paungaregedza kuramba uchishanyira munhu asiri kunyatsofarira.—1 VaK. 9:26.