KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA
CHIDZIDZO 9
Edza Kunzwisisa Kuti Vanhu Vari Kunzwa Sei
Rugwaro rwuri kutungamirira: “Farai nevanofara; chemai nevanochema.”—VaR. 12:15.
Jesu Akazviratidza Sei?
1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mako 6:30-34, woedza kupindura mibvunzo inotevera:
Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
2. Kana tikaedza kunzwisisa zviri kunetsa vanhu tichavaratidza kuti tine hanya navo, pane kungofunga nezvezvatiri kuda kutaura chete.
Tevedzera Jesu
3. Nyatsoteerera. Siya munhu anyatsotaura zvaari kufunga. Usataura iye achiri kutaura uye usakurumidza kumuratidza kuti maonero aari kuita nyaya yacho kana kuti zvaari kufunga handizvo. Kumuteerera kunomuratidza kuti une hanya naye uye nezvaanofunga.
4. Funga nezvemunhu aratidza kufarira. Uchishandisa zvawakurukura naye, zvibvunze kuti:
5. Taura nezvezvinhu zvinogona kumubatsira. Paunongowana mukana, muratidze kuti chidzidzo cheBhaibheri chinogona kupindura sei mibvunzo yake uye kumubatsira muupenyu hwake.