Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA

CHIDZIDZO 9

Edza Kunzwisisa Kuti Vanhu Vari Kunzwa Sei

Edza Kunzwisisa Kuti Vanhu Vari Kunzwa Sei

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Farai nevanofara; chemai nevanochema.”—VaR. 12:15.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mako 6:​30-34, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Nei Jesu nevaapostora vake vaida kumbova “kwavo vega kunzvimbo isina vanhu”?

  2.   Chii chakaita kuti Jesu ade kudzidzisa vanhu?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Kana tikaedza kunzwisisa zviri kunetsa vanhu tichavaratidza kuti tine hanya navo, pane kungofunga nezvezvatiri kuda kutaura chete.

Tevedzera Jesu

3. Nyatsoteerera. Siya munhu anyatsotaura zvaari kufunga. Usataura iye achiri kutaura uye usakurumidza kumuratidza kuti maonero aari kuita nyaya yacho kana kuti zvaari kufunga handizvo. Kumuteerera kunomuratidza kuti une hanya naye uye nezvaanofunga.

4. Funga nezvemunhu aratidza kufarira. Uchishandisa zvawakurukura naye, zvibvunze kuti:

  1.    ‘Nei zvichikosha kuti anzwe chokwadi?’

  2.   ‘Kana akadzidza Bhaibheri upenyu hwake uye ramangwana rake zvingavandudzika zvakadii?’

5. Taura nezvezvinhu zvinogona kumubatsira. Paunongowana mukana, muratidze kuti chidzidzo cheBhaibheri chinogona kupindura sei mibvunzo yake uye kumubatsira muupenyu hwake.