Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

CHIDZIDZO 11

Taura Zviri Nyore Kunzwisisa

Taura Zviri Nyore Kunzwisisa

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Kana imiwo mukataura zvisinganzwisiswi nyore, munhu angaziva sei zviri kutaurwa?”—1 VaK. 14:9.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mateu 6:​25-27, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Jesu akaratidza sei kuti Jehovha ane hanya nesu?

  2.   Kunyange zvazvo Jesu aiziva zvakawanda nezveshiri, akangoisa pfungwa dzevanhu pazvinhu zvipi zviri nyore kunzwisisa? Nei madzidzisiro iwayo achibatsira?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Kana tichidzidzisa zviri nyore, vanhu vachayeuka zvatinenge tavadzidzisa uye vachabva vazvishandisa.

Tevedzera Jesu

3. Usataura zvakawandisa. Pane kuti utaure zvese zvaunoziva nezvenyaya yamunenge muchikurukura, ingotaura zviri mubhuku ramuri kushandisa. Kana wabvunza mubvunzo, nyatsomirira kuti munhu wauri kudzidzisa apindure. Kana akasapindura kana kuti akapindura zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri, wedzera mumwe mubvunzo kuti umubatsire kufunga nezvenyaya yacho. Kana wangoona kuti anzwisisa pfungwa huru, endai mberi.

4. Shandisa zvinotozivikanwa nemudzidzi kumubatsira kunzwisisa zvinhu zvitsva. Ngatitii muri kuda kudzidza nezverumuko; unogona kutanga wadzokorora zvava kuzivikanwa nemudzidzi nezvekuti kana munhu afa chii chinenge chaitika kwaari.

5. Ngwarira pakushandisa mienzaniso. Usati washandisa muenzaniso zvibvunze kuti:

  1.    ‘Muenzaniso wacho uri nyore kunzwisisa here?’

  2.   ‘Munhu wandiri kudzidzisa achakurumidza kuubata here?’

  3.   ‘Mufananidzo wacho uchamubatsira kuyeuka zvauri kuda kuti adzidze zvacho here kana kuti achangoyeuka mufananidzo wacho chete?’