Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

CHIDZIDZO 12

Iva Neushingi

Iva Neushingi

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Mafuta nerusenzi zvinofadza mwoyo; ndizvo zvinoitawo ushamwari hwakanaka hunobva pakupiwa zano nemwoyo wese.”—Zvir. 27:9.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mako 10:​17-22, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvinogona kunge zvakaonekwa naJesu pamurume wechidiki uyu?

  2.   Nei zvaida kuti Jesu ave nerudo uye ushingi kuti audze murume uyu zvaaifanira kugadzirisa?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Tinoda kutaura nevanhu vatinodzidza navo nerudo asi tichivabudira pachena kuti vafambire mberi panyaya dzekunamata.

Tevedzera Jesu

3. Batsira munhu waunodzidza naye kuti ave nezvinangwa uye kuti azvizadzise.

  1.    Shandisa bhokisi rakanzi “Edza Izvi” riri muchidzidzo chimwe nechimwe chebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

  2.   Mubatsire kuziva kuti anofanira kuita sei kuti azadzise zvinangwa zvenguva pfupi uye zvenguva refu.

  3.   Gara uchimutenda pane zvaanenge ava kukwanisa kuita.

4. Ziva kuti zvinhu zvipi zviri kutadzisa munhu wauri kudzidzisa kufambira mberi uye mubatsire kuzvikurira.

  1.    Zvibvunze kuti:

    • ‘Kana munhu wandiri kudzidza naye asiri kufambira mberi kuti abhabhatidzwe, chii chiri kumutadzisa?’

    • ‘Ndingamubatsira sei?’

  2.   Nyengetera kuti uve neushingi hwekunyatsomubudira pachena uchimuratidza zvaari kufanira kuita, asi uchizviita nerudo.

5. Usaramba uchidzidza nemunhu asiri kuda kuchinja.

  1.    Kuti uone kana munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri ari kufambira mberi, zvibvunze kuti:

    • ‘Ari kushandisa zvaari kudzidza here?’

    • ‘Anopinda misangano uye anoudzawo vamwe chokwadi chaari kudzidza here?’

    • ‘Nenguva yamava nayo muchidzidza, ari kuda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha here?’

  2.   Kana munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri asiri kuda kufambira mberi:

    • Mubvunze kuti chii chiri kumutadzisa kufambira mberi.

    • Nyatsomutsanangurira kuti nei wava kumbomira kudzidza naye.

    • Muudze zvaari kufanira kugadzirisa kuti muzoenderera mberi nekudzidza.