Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO EKUWEDZERA A

Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu

Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu

Jesu akataura kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vanobva vaziva chokwadi pavanongochinzwa. (Joh. 10:​4, 27) Saka pese patinotaura nevanhu, ngativaudzei chokwadi cheBhaibheri nenzira iri nyore kunzwisisa. Edza kuparidzira munhu nekumubvunza mubvunzo wakadai sekuti: “Waizviziva here kuti . . . ?” kana kuti, “Wakambonzwa here kuti . . . ?” Wobva washandisa rugwaro runoenderana nechokwadi chacho chauri kumuudza. Kungoudza munhu chokwadi cheBhaibheri chisina kumbooma kunogona kutodyara mbeu yechokwadi mumwoyo make uye Jehovha anogona kutoita kuti chokwadi ichocho chikure!—1 VaK. 3:​6, 7.

 RAMANGWANA

  1. 1. Zvinhu zviri kuitika mazuva ano neunhu hwava nevanhu zviri kuratidza kuti zvinhu zvava pedyo kuchinja.—Mat. 24:​3, 7, 8; Ruka 21:​10, 11; 2 Tim. 3:​1-5.

  2. 2. Pasi rino harisi kuzombofa rakaparadzwa.—Pis. 104:5; Mup. 1:4.

  3. 3. Zvinhu zvese zvakakanganisika pasi rino zvichagadziriswa.—Isa. 35:​1, 2; Zvak. 11:18.

  4. 4. Pachange pasisina munhu anorwara.—Isa. 33:24; 35:​5, 6.

  5. 5. Unogona kurarama nekusingaperi pasi pano.—Pis. 37:29; Mat. 5:5.

 MHURI

  1. 6. Murume “anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita.”—VaEf. 5:33; VaK. 3:19

  2. 7. Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.—VaEf. 5:33; VaK. 3:18.

  3. 8. Murume nemudzimai vanofanira kuvimbika muwanano.—Mar. 2:16; Mat. 19:​4-6, 9; VaH. 13:4.

  4. 9. Vana vanoremekedza uye vanoteerera vabereki vavo vachakura kuva vanhu kwavo.—Zvir. 1:​8, 9; VaEf. 6:​1-3.

NASA, ESA and the Hubble Heritage Team (STScI/AURA)-ESA/Hubble Collaboration. Licensed under CC BY 4.0. Source.

 MWARI

  1. 10. Mwari ane zita.—Pis. 83:18; Jer. 10:10.

  2. 11. Mwari akatitumira mashoko anokosha.—2 Tim. 3:​16, 17; 2 Pet. 1:​20, 21.

  3. 12. Mwari haasarure.—Dheut. 10:17; Mab. 10:​34, 35.

  4. 13. Mwari anoda kutibatsira. —Pis. 46:1; 145:​18, 19.

 MUNYENGETERO

  1. 14. Mwari anoda kuti tinyengetere kwaari.—Pis. 62:8; 65:2; 1 Pet. 5:7.

  2. 15. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tinganyengetera sei.—Mat. 6:​7-13; Ruka 11:​1-4.

  3. 16. Tinofanira kugara tichinyengetera.—Mat. 7:​7, 8; 1 VaT. 5:17.

 JESU

  1. 17. Jesu aiva mudzidzisi anoshamisa uye mazano aakapa achiri kushanda nanhasi.—Mat. 6:​14, 15, 34; 7:12.

  2. 18. Jesu akataura zvinhu zvatiri kuona zvichiitika mazuva ano.—Mat. 24:​3, 7, 8, 14; Ruka 21:​10, 11.

  3. 19. Jesu Mwanakomana waMwari.—Mat. 16:16; Joh. 3:16; 1 Joh. 4:15.

  4. 20. Jesu haasi iye Mwari Wemasimbaose.—Joh. 14:28; 1 VaK. 11:3.

Based on NASA/Visible Earth imagery

 UMAMBO HWAMWARI

  1. 21. Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo iri kudenga.—Dhan. 2:44; 7:​13, 14; Mat. 6:​9, 10; Zvak. 11:15.

  2. 22. Umambo hwaMwari huchabvisa hurumende dzese dzevanhu, hwotonga pasi rese.—Pis. 2:​7-9; Dhan. 2:44.

  3. 23. Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa matambudziko ese evanhu.—Pis. 37:​10, 11; 46:9; Isa. 65:​21-23.

 KUTAMBURA

  1. 24. Mwari handiye anokonzera matambudziko evanhu.—Dheut. 32:4; Jak. 1:13.

  2. 25. Satani ndiye ari kutonga nyika ino.—Ruka 4:​5, 6; 1 Joh. 5:19.

  3. 26. Mwari anorwadziwa kana tichitambura.—Pis. 34:​17-19; Isa. 41:​10, 13.

  4. 27. Mwari achabvisa matambudziko ese.—Isa. 65:17; Zvak. 21:​3, 4.

 RUFU

  1. 28. Vanhu vakafa havana chavanoziva; havasi kutambura.—Mup. 9:5; Joh. 11:​11-14.

  2. 29. Vakafa havakwanisi kutibatsira kana kutiitira zvakaipa.—Pis. 146:4; Mup. 9:​6, 10.

  3. 30. Hama neshamwari dzedu dzakafa dzichamutswa.—Job. 14:​13-15; Joh. 5:​28, 29; Mab. 24:15.

  4. 31. “Hapazovi nerufu.”—Zvak. 21:​3, 4; Isa. 25:8.

 NYAYA DZEKUNAMATA

  1. 32. Hazvisi zvitendero zvese zvinofadza Mwari.—Jer. 7:11; Mat. 7:​13, 14, 21-23.

  2. 33. Mwari anovenga unyengeri.—Isa. 29:13; Mika 3:11; Mako 7:​6-8.

  3. 34. VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekudanana.—Mika 4:3; Joh. 13:​34, 35.