MASHOKO EKUWEDZERA A
Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu
Jesu akataura kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vanobva vaziva chokwadi pavanongochinzwa. (Joh. 10:4, 27) Saka pese patinotaura nevanhu, ngativaudzei chokwadi cheBhaibheri nenzira iri nyore kunzwisisa. Edza kuparidzira munhu nekumubvunza mubvunzo wakadai sekuti: “Waizviziva here kuti . . . ?” kana kuti, “Wakambonzwa here kuti . . . ?” Wobva washandisa rugwaro runoenderana nechokwadi chacho chauri kumuudza. Kungoudza munhu chokwadi cheBhaibheri chisina kumbooma kunogona kutodyara mbeu yechokwadi mumwoyo make uye Jehovha anogona kutoita kuti chokwadi ichocho chikure!—1 VaK. 3:6, 7.
RAMANGWANA
-
1. Zvinhu zviri kuitika mazuva ano neunhu hwava nevanhu zviri kuratidza kuti zvinhu zvava pedyo kuchinja.—Mat. 24:3, 7, 8; Ruka 21:10, 11; 2 Tim. 3:1-5.
-
2. Pasi rino harisi kuzombofa rakaparadzwa.—Pis. 104:5; Mup. 1:4.
-
3. Zvinhu zvese zvakakanganisika pasi rino zvichagadziriswa.—Isa. 35:1, 2; Zvak. 11:18.
-
4. Pachange pasisina munhu anorwara.—Isa. 33:24; 35:5, 6.
-
5. Unogona kurarama nekusingaperi pasi pano.—Pis. 37:29; Mat. 5:5.
MHURI
-
6. Murume “anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita.”—VaEf. 5:33; VaK. 3:19
-
7. Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.—VaEf. 5:33; VaK. 3:18.
-
8. Murume nemudzimai vanofanira kuvimbika muwanano.—Mar. 2:16; Mat. 19:4-6, 9; VaH. 13:4.
-
9. Vana vanoremekedza uye vanoteerera vabereki vavo vachakura kuva vanhu kwavo.—Zvir. 1:8, 9; VaEf. 6:1-3.
NASA, ESA and the Hubble Heritage Team (STScI/AURA)-ESA/Hubble Collaboration. Licensed under CC BY 4.0. Source.
MWARI
-
10. Mwari ane zita.—Pis. 83:18; Jer. 10:10.
-
11. Mwari akatitumira mashoko anokosha.—2 Tim. 3:16, 17; 2 Pet. 1:20, 21.
-
12. Mwari haasarure.—Dheut. 10:17; Mab. 10:34, 35.
-
13. Mwari anoda kutibatsira. —Pis. 46:1; 145:18, 19.
MUNYENGETERO
-
14. Mwari anoda kuti tinyengetere kwaari.—Pis. 62:8; 65:2; 1 Pet. 5:7.
-
15. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tinganyengetera sei.—Mat. 6:7-13; Ruka 11:1-4.
-
16. Tinofanira kugara tichinyengetera.—Mat. 7:7, 8; 1 VaT. 5:17.
JESU
-
17. Jesu aiva mudzidzisi anoshamisa uye mazano aakapa achiri kushanda nanhasi.—Mat. 6:14, 15, 34; 7:12.
-
18. Jesu akataura zvinhu zvatiri kuona zvichiitika mazuva ano.—Mat. 24:3, 7, 8, 14; Ruka 21:10, 11.
-
19. Jesu Mwanakomana waMwari.—Mat. 16:16; Joh. 3:16; 1 Joh. 4:15.
-
20. Jesu haasi iye Mwari Wemasimbaose.—Joh. 14:28; 1 VaK. 11:3.
Based on NASA/Visible Earth imagery
UMAMBO HWAMWARI
-
21. Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo iri kudenga.—Dhan. 2:44; 7:13, 14; Mat. 6:9, 10; Zvak. 11:15.
-
22. Umambo hwaMwari huchabvisa hurumende dzese dzevanhu, hwotonga pasi rese.—Pis. 2:7-9; Dhan. 2:44.
-
23. Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa matambudziko ese evanhu.—Pis. 37:10, 11; 46:9; Isa. 65:21-23.
KUTAMBURA
-
24. Mwari handiye anokonzera matambudziko evanhu.—Dheut. 32:4; Jak. 1:13.
-
25. Satani ndiye ari kutonga nyika ino.—Ruka 4:5, 6; 1 Joh. 5:19.
-
26. Mwari anorwadziwa kana tichitambura.—Pis. 34:17-19; Isa. 41:10, 13.
-
27. Mwari achabvisa matambudziko ese.—Isa. 65:17; Zvak. 21:3, 4.
RUFU
-
28. Vanhu vakafa havana chavanoziva; havasi kutambura.—Mup. 9:5; Joh. 11:11-14.
-
29. Vakafa havakwanisi kutibatsira kana kutiitira zvakaipa.—Pis. 146:4; Mup. 9:6, 10.
-
30. Hama neshamwari dzedu dzakafa dzichamutswa.—Job. 14:13-15; Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15.
-
31. “Hapazovi nerufu.”—Zvak. 21:3, 4; Isa. 25:8.
NYAYA DZEKUNAMATA
-
32. Hazvisi zvitendero zvese zvinofadza Mwari.—Jer. 7:11; Mat. 7:13, 14, 21-23.
-
33. Mwari anovenga unyengeri.—Isa. 29:13; Mika 3:11; Mako 7:6-8.
-
34. VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekudanana.—Mika 4:3; Joh. 13:34, 35.