Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Kune Vachapinda Gungano

Mashoko Kune Vachapinda Gungano

VARINDIRI Varindiri varipo kuti vakubatsirei. Nyatsotevedzerai zvavanokuudzai panyaya yepekupaka mota, mafambiro anofanira kuita vanhu pakupinda nekubuda, kuchengetera vamwe pekugara, nezvimwewo.

KUBHABHATIDZWA Nzvimbo yekugara yakachengeterwa vachabhabhatidzwa ichava munhandare pakatarisana nechikuva, asi kana pakaita zvachinja muchaziviswa nguva ichiripo. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kunge vagara munzvimbo yavakachengeterwa hurukuro yekubhabhatidzwa isati yatanga musi weMugovera mangwanani. Mumwe nemumwe anofanira kuuya netauro nehembe dzekubhabhatidzwa nadzo dzine mutsigo.

MARI YEZVIPO Pakashandiswa mari yakawanda kuti pave neurongwa hwekuti pave nepekugara pakakwana, gudzanzwi, michina yekuonesa mavhidhiyo nezvimwe zvakawanda zvinoita kuti tinakidzwe nekupinda gungano uye tibatsirwe kuswedera pedyo naJehovha. Mari yezvipo yamunopa inobatsira kubhadhara zvinhu izvi uyewo kutsigira basa remunyika yese. Kuti zvikuitirei nyore, mabhokisi emari yezvipo akanyorwa zvakajeka anowanikwa kwese kwese panzvimbo yegungano. Mari yese yezvipo inoongwa chaizvo. Dare Rinotungamirira rinoda kukuongai nekupa kwamunoita muchitsigira zvinhu zvine chekuita neUmambo.

FIRST AID Yeukai kuti ndeyekurapa zvinenge zvangomukira ipapo chete.

ZVAKARASIKA NEZVAKAWANIKWA Kana mukanhonga chinhu chamusiri kuziva kuti ndechaani, chiendesei kuDhipatimendi Rezvakarasika Nezvakawanikwa. Kana paine chamunenge marasa, endai kudhipatimendi iri munoona kana chiriko. Vana vanenge varasika vanofanira kuendeswa kudhipatimendi iri. Asi kuti musazotambudzika nekuvatsvaga uye vamwe vasazonetsekawo, zvakanaka kuti mugare muine vana venyu uye muchiona kuti vari kuitei.

PEKUGARA Fungaiwo vamwe. Yeukai kuti munogona kuchengetera pekugara vaya vamungave muchifamba navo, vamunogara navo kumba kana kuti vamuri kudzidza navo Bhaibheri chete. Musaisa zvinhu pazvigaro kana pasina wamuri kubatira.

BASA REKUZVIPIRA Kana muchida kuzvipira kubatsira pabasa rine chekuita negungano, tinokukumbirai kuti muende kuDhipatimendi reMashoko Nerevanoda Kuzvipira.

Rakarongwa neDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha

© 2024 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania