Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndokupi Kwaungawana Rugare Rwomumwoyo?

Ndokupi Kwaungawana Rugare Rwomumwoyo?

Ndokupi Kwaungawana Rugare Rwomumwoyo?

Pane zvizhinji zvakasiyana pakati penguva yedu neyaThoreau, adudzwa munyaya yatangira ino. Chinhu chikuru chakasiyana ndechokuti nhasi hapana kuperevedza kwezano rokuti tingawana sei rugare rwepfungwa. Nyanzvi dzezvokushanda kwepfungwa nevanyori vemabhuku okuzvibatsira—kunyange vanyori vezvikamu zvomupepanhau—vanopa pfungwa dzavo. Mazano avo angabatsira kwenguva duku; asi nokuda kwokupedza zvinetso kwenguva refu, panodiwa chimwe chinhu chinobatsira zviri nani kupfuura iwaya. Izvi ndizvo zvakawanika nevanhu vadudzwa munyaya yatangira ino.

ANTÔNIO, Marcos, Gerson, Vania, naMarcelo vaibva mumararamiro akasiyana-siyana uye vakanga vane zvinetso zvakasiyana-siyana. Asi vakanga vane zvinenge zvinhu zvitatu zvakafanana. Chokutanga, pakanga pane nguva apo vakanga va“sina tariro uye [v]akanga [va]sina Mwari munyika.” (VaEfeso 2:12) Chechipiri, vaishuva rugare rwepfungwa. Uye chechitatu, vose zvavo vakawana rugare rwomumwoyo rwavakanga vachida pashure pokunge vabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pavakafambira mberi, vakasvika pakuziva kuti Mwari anovafarira. Zvechokwadi, sokutaura kwakaita Pauro kuvaAtene vomuzuva rake, Mwari “[haasi] kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Kubvuma izvi chinhu chikuru mukuwana rugare rwomumwoyo.

Nei Kune Rugare Rushoma Zvikuru?

Bhaibheri rinopa zvikonzero zviviri zvikuru zvokushayikwa kworugare munyika—rungava rugare rwomumwoyo kana rugare pakati pevanhu. Chokutanga chinotsanangurwa pana Jeremia 10:23, panoti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhanho dzake.” Munhu haana uchenjeri kana simba rokufanoona zviri mberi kuti azvitonge pasina rubatsiro, uye rubatsiro rwunokosha bedzi chaizvoizvo runobva kuna Mwari. Vanhu vasingatsvaki kutungamirirwa naMwari havambofi vakawana rugare rusingaperi. Chikonzero chechipiri chokushayika kworugare chinooneka mumashoko omuapostora Johani okuti: “Nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Pasina kutungamirirwa naMwari, zvose zvinoitwa nomunhu kuti awane rugare zvichangovhiringidzwa nguva dzose nezviito zveasingaoneki asi aripo—uye ane simba zvikuru—“wakaipa,” Satani.

Nokuda kwezvikonzero izvi zviviri—zvokuti vanhu vakawanda havatsvaki kutungamirirwa naMwari uye kuti Satani ari kubishaira zvikuru munyika—rudzi rwomunhu rwose zvarwo rwuri mumamiriro ezvinhu anosuruvarisa. Muapostora Pauro akaatsanangura zvakanaka kuti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Ndiani angaramba kuongorora ikoko? Munyika dzakapfuma uyewo dzine urombo, zvinetso zvemhuri, utsotsi, kusaruramisira, kusiyana kwounhu, kusava nechokwadi mune zvoupfumi, kuvengana kwemarudzi nemadzinza, udzvinyiriri, kurwara, uye nezvimwe zvakawanda, zvinotorera vanhu rugare rwavo rwepfungwa.

Kwokuwana Rugare Rwomumwoyo

Apo Antônio, Marcos, Gerson, Vania, naMarcelo vakadzidza Shoko raMwari, Bhaibheri, vakadzidza zvinhu zvakachinja upenyu hwavo. Chokutanga, vakadzidza kuti mamiriro ezvinhu omunyika achange akasiyana rimwe zuva. Iyi haisi tarirowo zvayo isina kujeka kuti zvinhu zvose zvichaita zvakanaka pakupedzisira. Chivimbo chaichoicho, chine pachakavakirwa chokuti Mwari ane chinangwa nokuda kwavanhu uye kuti kunyange zvino tinogona kubatsirwa nechinangwa ichocho kana tikaita kuda kwake. Vakashandisa zvavakadzidza muBhaibheri muupenyu hwavo, uye zvinhu zvakavandudzika kwavari. Vakawana mufaro norugare zvakawanda kupfuura zvavakanga vachifunga kuti zvaizobvira.

Antônio haachaiti zvokutsutsumwa uye kukakavadzana nezvebasa zvekare. Anoziva kuti kuchinja kunounzwa nenzira iyoyo kushoma uye ndekwenguva pfupi chete. Uyu aichimbova mutungamiriri webasa akadzidza nezvoUmambo hwaMwari. Umambo uhwu ndihwo hunonyengetererwa nemamiriyoni evanhu paanodzokorora Munyengetero waShe (kana kuti, Baba Vedu) achiti kuna Mwari: “Umambo hwenyu . . . huuye.” (Mateu 6:10a, Bhaibheri Dzvene, Testamende Itsva) Antônio akadzidza kuti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyoiyo yokudenga ichaunza rugare chairwo kuvanhu.

Marcos akadzidza kushandisa zano reBhaibheri rokuchenjera panhau yokuroora. Somugumisiro, aichimbova wezvematongerwe enyika uyu zvino akadzokeranazve nomudzimai wake nomufaro. Iyewo ari kutarira mberi kunguva ichakurumidza kuuya, apo Umambo hwaMwari huchatsiva gadziriro ino yenyika ine makaro noudyire neimwe iri nani. Iye anonzwisisa zvakadzama mutsara wemashoko uri muMunyengetero waShe unorava kuti: “Kuda kwenyu kuitwe panyika sezvakwakaita kudenga.” (Mateu 6:10b, Bhaibheri Dzvene, Testamende Itsva) Kuda kwaMwari pakunoitwa panyika, vanhu vachava norudzi rwoupenyu rwusati rwamboonekwa kubva pakutanga.

Zvakadini naGerson? Haachasweromberereka nenyika uye haachisiri mbavha. Upenyu hwemwana aimbogara mumugwagwa uyu zvino hwava nechahunoreva nokuti anoshandisa simba rake achibatsira vamwe kuti vawane rugare rwomumwoyo. Sezvinoratidzwa nezviitiko izvi, kudzidza Bhaibheri nokushandisa zvarinotaura kunogona kuchinja upenyu hwomunhu zvikuru kuti huve nani.

Rugare Rwomumwoyo Munyika Yatambudzika

Munhu mukuru wenhau mukuitwa kwezvinodiwa naMwari ndiJesu Kristu, uye apo vanhu vanodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, vanodzidza zvakawanda nezvake. Usiku hwaakaberekwa, ngirozi dzakaimba rumbidzo kuna Mwari dzichiti: “Mbiri kumusorosoro kuna Mwari, uye pasi pano rugare pakati pevanhu vaanotendera.” (Ruka 2:14) Jesu paakanga akura, aiva nehanya nokuvandudza upenyu hwevanhu. Ainzwisisa manzwiro avo uye akaratidza tsitsi huru kwazvo kune vaitambura navairwara. Uye, maererano nemashoko engirozi, akaunza rugare rwomumwoyo rwakati kuvanyoro. Pakupera kwoushumiri hwake, akati kuvadzidzi vake: “Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. Handirupe kwamuri sokurupa kunoita nyika. Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuirega ichipera nokutya.”—Johani 14:27.

Jesu aiva zvinopfuura munhu anobatsira vanhu. Akazvienzanisa nomufudzi, uye akafananidza vateveri vake vanyoro nemakwai paakati: “Ndakauya kuti ave noupenyu uye kuti ave nahwo hwakawanda. Ndini mufudzi akanaka kwazvo; mufudzi akanaka kwazvo anopa mweya wake nokuda kwemakwai.” (Johani 10:10, 11) Hungu, kusiyana nevatungamiriri vakawanda nhasi vanotanga kuzvitarisira ivo pakutanga, Jesu akapa upenyu hwake nokuda kwamakwai ake.

Tingabatsirwa sei nezvakaitwa naJesu? Vakawanda vanoziva mashoko okuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Kutenda muna Jesu kunoda, chokutanga, kumuziva nokuziva Baba vake, Jehovha. Kuziva Mwari naJesu Kristu kunogona kutungamirira kuukama hwapedyo naJehovha Mwari huchatibatsira kuwana rugare rwepfungwa.

Jesu akati: “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ndinoaziva, uye anonditevera. Uye ndinoapa upenyu husingaperi, uye haazomboparadzwi, uye hapana achaabvuta muruoko rwangu.” (Johani 10:27, 28) Mashoko oushamwari, anonyaradza zvakadini! Chokwadi, Jesu akaataura makore anoda kusvika zviuru zviviri apfuura, asi achine simba guru sezvaaiva akaita kare ikoko. Usambokanganwa kuti Jesu Kristu achiri mupenyu uye achiri kushingaira, achitonga zvino saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga. Kungofanana neapo akafamba panyika makore akawanda iwayo akapfuura, achiri kufunga nezvevanyoro vanoshuva rugare rwepfungwa. Uyezve, achiri Mufudzi wemakwai ake. Kana tikamutevera, achatibatsira kuwana rugare rwomumwoyo, runosanganisira kutarisira kuona rugare rwakakwana munguva yemberi tine chivimbo—ruchareva kusavapo kwechisimba, hondo, noutsotsi.

Rubatsiro chairwoirwo runobva pakuziva nokutenda kuti Jehovha, achishandisa Jesu, achatibatsira. Yeuka Vania, akasiyiwa nemitoro inorema paaiva musikana muduku uye akafunga kuti Mwari akanga amukanganwa? Vania zvino anoziva kuti Mwari haana kumusiya. Anoti: “Ndakadzidza kuti Mwari munhu chaiyeiye ane unhu hunoyemurika. Rudo rwake rwakamuita kuti atumire mwanakomana wake pasi kuti atipe upenyu. Zvinokosha zvikuru kuziva izvozvi.”

Marcelo anopupurira kuti ukama hwake naMwari ndehwechokwadi. Aichimboenda kumapati uyu anoti: “Vechiduku kakawanda havazivi zvokuita, uye vanopedzisira vave kuzvikuvadza. Vamwe vanotanga kushandisa zvisina kufanira zvinodhaka, sezvandaiita. Ndinovimba kuti vamwe vakawanda vachakomborerwa, sezvandakaita, nokudzidza chokwadi pamusoro paMwari neMwanakomana wake.”

Nokunyatsodzidza Bhaibheri, Vania naMarcelo vakava nokutenda kwakasimba muna Mwari uye chivimbo mukuda kwake kuvabatsira kupedza zvinetso zvavo. Kana tikaita zvavakaita—tikadzidza Bhaibheri ndokushandisa zvarinotaura—tichawana rugare rwomumwoyo rwakakura, sezvavakaita. Ipapo kukurudzira kwomuapostora Pauro kuchashanda chaizvoizvo kwatiri kunoti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

Kuwana Rugare Chairwo Nhasi

Jesu Kristu ari kufambisa vanhu vane nzara yechokwadi munzira inotungamirira kuupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Sezvaanovatungamirira kukunamatwa kwakachena kwaMwari, vanova norugare rwakafanana norwunodudzwa muBhaibheri: “Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” (Isaya 32:18) Uye ikoko kunongova kufanoravira rugare rwavachava narwo munguva yemberi. Tinorava kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:11, 29.

Saka tingava norugare rwomumwoyo here nhasi? Hungu. Uyezve, tinogona kuva nechokwadi chokuti munguva iri kuuya iri pedyo, Mwari achakomborera vanhu vanoteerera norugare zvaasati amboita. Zvino, wadii kumukumbira mumunyengetero kuti akupe rugare rwake? Kana une zvinetso zvinokubira rugare, nyengetera munzira iyo Mambo Dhavhidhi akanyengetera nayo achiti: “Madambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo; haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu. Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; mundikanganwire zvivi zvangu zvose.” (Pisarema 25:17, 18) Ivai nechokwadi chokuti Mwari anoteerera minyengetero yakadaro. Anotambanudza ruoko rwake ndokupa rugare kune vose vanorutsvaka nomwoyo wose. Tinovimbiswa nenzira yorudo kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi. Uchaitira vanomutya sezvavanoda; uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa.”—Pisarema 145:18, 19.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Munhu haana uchenjeri kana simba rokufanoona zviri mberi kuti azvitonge pasina rubatsiro . . . rubatsiro rwunokosha bedzi chaizvoizvo runobva kuna Mwari

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kuziva Mwari naJesu Kristu kunogona kutungamirira kuukama hwapedyo naJehovha Mwari huchatibatsira kuwana rugare rwepfungwa

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kutevera zano reBhaibheri kunoita kuti pave noupenyu hwemhuri hune rugare