Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuongorora Zvimwe Zvitendero Here?

Unofanira Kuongorora Zvimwe Zvitendero Here?

Unofanira Kuongorora Zvimwe Zvitendero Here?

“NDAKANGA ndapinda misangano yechiKristu kwerinenge gore, uye ndainakidzwa nokuudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari,” anodaro Miguel, zvino ava mumwe weZvapupu zvaJehovha muSouth America. “Ipapo ndakatanga kuteerera kumapurogiramu echitendero paredhiyo uye kutarira vaparidzi vezvitendero paterevhizheni. Ndaifunga kuti mapurogiramu akadai aizondibatsira kunzwisisa zviri nani vanhu vezvimwe zvitendero. Ndakaona kuti dzidziso dzavo dzakanga dzisingaenderani neBhaibheri, asi ndaingoda kuziva.”

Munyika iyoyo, Jorge akanga achishingaira mukudzidzisa vamwe nezvokunamata kwechokwadi. Asi pane imwe nguva, iyewo akatanga kuteerera kumapurogiramu echitendero paredhiyo nepaterevhizheni. “Unofanira kuziva zviri kufungwa navamwe,” aigara achidaro. Paaibvunzwa nezvengozi dzinogona kuvapo dzokuteerera kwakadai kudzidziso dzenhema, aipindura kuti: “Hapana chinogona kunetesa kutenda kwomunhu anoziva chokwadi cheBhaibheri.” Zvakaitika izvi zvinomutsa mubvunzo unokosha wokuti, Kuchenjera here kuteerera kune zvinotendwa navamwe?

Kuziva chiKristu Chechokwadi

Vaapostora vafa, kunamata kwechokwadi kwakasvibiswa nokutanga kunopfuurira kwemarudzi akawanda echiKristu chokuedzesera. Achifanoona izvi, Jesu akaratidza imwe nzira yokusiyanisa aya marudzi echiKristu chokunyepedzera nechiKristu chechokwadi. Kutanga, akanyevera kuti: “Ngwarirai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati imhumhi dzinoparadza.” Ipapo akawedzera kuti: “Muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateu 7:15-23) Vateveri vaJesu vechokwadi vanoita zvaakadzidzisa, uye vanozivikanwa nyore nyore nezvibereko zvavo zvakanaka kwazvo. Sezvakangoita Jesu pachake, vanoshanyira vanhu kuti vatsanangure Umambo hwaMwari kubva muMagwaro. Vachitevera muenzaniso waJesu, vanosiyana nezvematongerwe enyika uye makakatanwa omunzanga. Vanobvuma Bhaibheri seShoko raMwari nokuriremekedza sechokwadi. Vanoita kuti zita raMwari rizivikanwe. Uye sezvo vachivavarira kuratidza rudo urwo Mwari anodzidzisa, havapindi muhondo. Asi vanobatana sehama.—Ruka 4:43; 10:1-9; Johani 13:34, 35; 17:16, 17, 26.

Maererano neMagwaro, zvinokwanisika ku“onazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.” (Maraki 3:18) Vanamati vechokwadi nhasi vakabatana mukufunga nomukuita, sezvakanga zvakaita vaKristu vomuzana remakore rokutanga. (VaEfeso 4:4-6) Kana wangoziva boka rakadaro revaKristu vechokwadi, nei uchifanira kuongorora kana kuti kuda kuziva nezvezvinotenda vamwe?

Ngwarira Vadzidzisi Venhema

Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange pashure pokudzidza chokwadi cheBhaibheri, pane ngozi yokusvibiswa mumudzimu nedzidziso dzenhema. Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu, maererano nezvinhu zvepakutanga zvenyika uye kwete maererano naKristu.” (VaKorose 2:8) Kuratidzwa kwakajeka zvakadini kunoitwa nemashoko aya! Sezvikara zviri kuda kuenda newe kunokudya, vadzidzisi venhema vanogona kukuisa pangozi chaiyo.

Chokwadi, Pauro aicherechedza zvaitendwa navamwe. Akambotanga hurukuro achiti: “Vanhu veAtene, ndinoona kuti muzvinhu zvose munoita semunotya vanamwari zvikuru kupfuura zvinoita vamwe. Somuenzaniso, pandakanga ndichipfuura ndichinyatsocherechedza zvinhu zvamunonamata ndakawana atari yakanga yakanyorwa kuti ‘Kuna Mwari Asingazivikanwi.’” (Mabasa 17:22, 23) Zvisinei, Pauro haana kudyisa pfungwa dzake nguva dzose pauzivi hwenyanzvi dzokukurukura dzechiGiriki.

Kuzvizivisa pachako nezvemavambo uye zvinotendwa nezvitendero zvenhema chimwewo chinhu asi kudya pazviri chimwe chakatosiyana. * Jehovha akagadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape dzidziso yakavakirwa paShoko Rake. (Mateu 4:4; 24:45) Pauro pachake akanyora kuti: “Hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ nepatafura yemadhimoni. Kana kuti ‘tiri kunyandura Jehovha kuti ave negodo here’?”—1 VaKorinde 10:20-22.

Vamwe vadzidzisi venhema vangava vaimbova vaKristu vechokwadi, asi pane imwe nguva vakasiya chokwadi kuenda kukutadza. (Judha 4, 11) Izvi hazvifaniri kutishamisa. Ataura nezvo“muranda akatendeka akangwara,” anomirira boka revaKristu vakazodzwa, Jesu akataura nezvo“muranda akaipa,” boka rinogunun’una kuti, “tenzi wangu ari kunonoka,” uye rinotanga kurova vamwe varanda. (Mateu 24:48, 49) Kazhinji kacho, vanhu ava nevateveri vavo havana dzidziso dzakajeka dzavo pachavo; vanongofarira kuparadza kutenda kwavamwe chete. Nezvavo, muapostora Johani akanyora kuti: “Kana munhu akauya kwamuri akasaunza dzidziso iyi, musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa.”—2 Johani 10; 2 VaKorinde 11:3, 4, 13-15.

Vanhu vapachokwadi vari kutsvaka chokwadi vanoita zvakanaka kunyatsofunga zvavanonzwa muzvitendero zvakasiyana-siyana. Nokufamba kwenguva, Mwari achakomborera vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanotsvaka chokwadi. Bhaibheri rinoti nezvouchenjeri hwaMwari: “Kana ukahutsvaka sesirivheri, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo . . . [ucha]wana zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:4, 5) Vawana iyi zivo yaMwari vachishandisa Bhaibheri neungano yechiKristu uye vaona kuti Jehovha anokomborera sei avo vanotungamirirwa nezivo iyoyo, vaKristu vechokwadi havarambi vachiteerera kudzidziso dzechitendero dzenhema.—2 Timoti 3:14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., rinopa mashoko anokosha nezvekwakabva zvitendero zvakawanda zvenyika uye dzidziso dzazvo.