Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi

Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi

Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi

“Ushe . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—DHANIERI 2:44.

1. Tinogona kuva nechivimbo chei muBhaibheri?

BHAIBHERI rinozivisa Mwari kuvanhu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) Bhaibheri rine zvatinoda kuziva pamusoro paMwari: mashoko ezvounhu hwake, zvinangwa zvake, uye zvaanoda kwatiri. Rine zano rakanakisisa paupenyu hwemhuri nomufambiro wezuva nezuva. Rinotaura zvakajeka uprofita hwakazadzika kare, huri kuzadzika zvino, uye huchazadzika munguva yemberi. Hungu, “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.”—2 Timoti 3:16, 17.

2. Jesu akasimbisa sei musoro weBhaibheri?

2 Chinonyanya kukosha muBhaibheri musoro waro: kurevererwa kwouchangamire hwaMwari (kodzero yake yokutonga) pachishandiswa Umambo hwake hwokudenga. Jesu akavakira ushumiri hwake pane izvozvo. “Jesu akatanga kuparidza achiti: ‘Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 4:17) Akaratidza nzvimbo yahunofanira kuva nayo muupenyu hwedu, achikurudzira kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mateu 6:33) Akaratidzawo kukosha kwahwo nokudzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:10.

Utongi Hutsva Hwepasi

3. Nei Umambo hwaMwari huchikosha zvikuru kwatiri?

3 Nei Umambo hwaMwari huchikosha zvikuru zvakadaro kuvanhu? Nokuti nokukurumidza huchaita chiito chichachinja utongi hwepasi rino nokusingaperi. Uprofita huri pana Dhanieri 2:44 hunoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [ari kutonga pasi iye zvino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, [hurumende iri mudenga] husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, [hurumende dzepasi] ihwo huchamira nokusingaperi.” Apo Umambo hwaMwari hwokudenga hunotonga zvakazara, vanhu havazombodzori pasi zvakare. Kutonga kwavanhu kunoparadzanisa uye kusingagutsi kuchava chinhu chomunguva yakapfuura nokusingaperi.

4, 5. (a) Nei Jesu ariye anonyatsokwanisa kuva Mambo woUmambo? (b) Jesu achava nebasai munguva pfupi iri mberi?

4 Mutongi Mukuru muUmambo hwokudenga, ari kutungamirirwa zvakananga naJehovha, ndiye anonyatsokwanisa—Kristu Jesu. Asati auya pasi, aiva kudenga se“mhizha” yaMwari, ari wokutanga pazvisikwa zvose zvaMwari. (Zvirevo 8:22-31) “Ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti naye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri pasi pano.” (VaKorose 1:15, 16) Uye Jesu paakatumwa pasi naMwari, nguva dzose aiita zvaidiwa naMwari. Akatsungirira miedzo yakaomesesa akafa akavimbika kuna Baba vake.—Johani 4:34; 15:10.

5 Jesu akapiwa mubayiro nokuda kwokuramba kwake akavimbika kuna Mwari kunyange kusvikira pakufa. Mwari akamumutsira kudenga uye akamupa kodzero yokuva Mambo woUmambo hwokudenga. (Mabasa 2:32-36) Zvaari Mambo woUmambo, Kristu Jesu achava nebasa rinotyisa rinobva kuna Mwari rokutungamirira makumi ezviuru ezvisikwa zvomudzimu zvine simba mukubvisa kutonga kwavanhu pasi pano uye kubvisira denderedzwa redu repasi uipi hwose. (Zvirevo 2:21, 22; 2 VaTesaronika 1:6-9; Zvakazarurwa 19:11-21; 20:1-3) Ipapo Umambo hwaMwari hwokudenga huchitungamirirwa naKristu ndihwo huchava simba idzva rinotonga, hurumende yoga ichadzora pasi pose.—Zvakazarurwa 11:15.

6. Kutonga kworudzii kwatingatarisira kubva kuna Mambo woUmambo?

6 Shoko raMwari rinoti nezvoMutongi mutsva wepasi: “Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.” (Dhanieri 7:14) Nemhaka yokuti Jesu achatevedzera rudo rwaMwari, rugare nomufaro zvichava zvikuru mukutonga kwake. (Mateu 5:5; Johani 3:16; 1 Johani 4:7-10) “Kuwedzera kwehurumende yake norugare hakuna mugumo, . . . kuti ahutsigire nokururamisira uye nokururama.” (Isaya 9:7, Revised Standard Version) Chichava chikomborero chakadini chokuva noMutongi anotonga norudo, kururamisira, uye kururama! Saka, 2 Petro 3:13 ichifanotaura kuti: “Kune matenga matsva [Umambo hwaMwari hwokudenga] nepasi idzva [nzanga itsva yepasi] zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.”

7. Mateu 24:14 iri kuzadzikwa sei nhasi?

7 Chokwadi Umambo hwaMwari ndiwo mashoko chaiwo akanakisisa avose vanoda zvakarurama. Ndochikonzero nei, sechimwe chechiratidzo chokuti zvino tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu yakaipa, Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (2 Timoti 3:1-5; Mateu 24:14) Uprofita ihwohwo huri kuzadzika zvino, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinenge mamiriyoni matanhatu munyika 234 zvinopedza maawa anopfuura bhiriyoni pagore zvichiudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari. Nenzira yakakodzera, nzvimbo imwe neimwe yokunamatira yeungano dzinenge 90 000 pasi pose inonzi Horo yoUmambo. Ikoko, vanhu vanouya kuzodzidza nezvehurumende iri kuuya.

Vanotonga Pamwe Naye

8, 9. (a) Vanotonga pamwe naKristu vanobva kupi? (b) Tinogona kuva nechivimbo chei mukutonga kwaMambo nevaanotonga navo?

8 Pachava nevanotonga pamwe naKristu Jesu muUmambo hwaMwari hwokudenga. Zvakazarurwa 14:1-4 yakafanotaura kuti vanhu 144 000 vaizo“tengwa pakati pevanhu” vomutsirwa kuupenyu hwokudenga. Ava vanosanganisira varume navakadzi avo, panzvimbo pokushumirwa, vakashumira Mwari navamwe vanhu nokuzvininipisa. “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye samadzimambo kwemakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:6) Nhamba yavo iduku zvikuru pane “boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” vachapukunyuka kuguma kwegadziriro ino. Avawo vanoitira Mwari “basa dzvene masikati nousiku,” asi havaendi kudenga. (Zvakazarurwa 7:9, 15) Vanoumba musimboti wenyika itsva sevanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari hwokudenga.—Pisarema 37:29; Johani 10:16.

9 Pakusarudza avo vachatonga naKristu mudenga, Jehovha akasarudza vanhu vakatendeka vakanga vararama upenyu hune zvinetso zvahwo zvose. Hapana zvachose zvinhu zvakaitika kune vanhu zvisina kuitikawo kune aya madzishe uye vapristi. Saka upenyu hwavo pasi huchawedzera kugona kwavo kutonga vanhu. Kunyange Jesu pachake “akadzidza kuteerera muzvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8) Muapostora Pauro akati nezvake: “Tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose sesu, asi asina chivi.” (VaHebheru 4:15) Zvinonyaradza sei kuziva kuti munyika itsva yaMwari, vanhu vachatongwa namadzimambo navapristi vane rudo, vanonzwira tsitsi!

Umambo Hwaiva Muchinangwa chaMwari Here?

10. Nei Umambo hwokudenga hwaisava muchinangwa chaMwari chokutanga?

10 Umambo hwokudenga hwaiva muchinangwa chaMwari chokutanga paakasika Adhamu naEvha here? Munhau yokusika yaGenesi, hapana panodudzwa nezvoUmambo hwaizotonga vanhu. Jehovha pachake ndiye aiva Mutongi wavo, uye chero vaimuteerera bedzi, pakanga pasingadiwi humwezve utongi. Genesi chitsauko chokutanga inoratidza kuti Jehovha, zvichida achishandisa Mwanakomana wake wedangwe wokudenga, aikurukura naAdhamu naEvha. Nhau yacho inoshandisa mashoko akaita sookuti “Mwari akati kwavari” uye “Mwari akati” kwavari.—Genesi 1:28, 29; Johani 1:1.

11. Vanhu vakava nemavambo akadini akakwana?

11 Bhaibheri rinoti: “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Zvose zvaiva mubindu reEdheni zvakanga zvakakwana chose. Adhamu naEvha vaigara muparadhiso. Vakanga vane pfungwa dzakakwana nemiviri yakakwana. Vaigona kukurukura noMuiti wavo uye iyewo navo. Uye nokuramba vakatendeka, vaizobereka vana vakakwana. Hapaizodiwa hurumende itsva yokudenga.

12, 13. Vanhu vakakwana zvavaizowanda, nei Mwari aizongoramba achikwanisa kukurukura navo?

12 Mhuri yavanhu zvayaizokura, Mwari aizokurukura navo vose sei? Funga nezvenyeredzi dzokudenga. Dzakaungana pamwe mumapoka omuchadenga anonzi mapoka enyeredzi. Mamwe mapoka enyeredzi ane nyeredzi bhiriyoni. Mamwe ane dzinenge tiririyoni. Uye masayendisiti anofungidzira kuti pane mapoka enyeredzi anenge mabhiriyoni 100 muchadenga chinokwanisa kuoneka! Asi, Musiki anoti: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshayikwa.”—Isaya 40:26.

13 Sezvo Mwari achigona kuziva zvinhu zvose izvi zvokudenga, chokwadi hachaizova chinetso kwaari kuti azive nhamba duku zvikuru yavanhu. Kunyange zvino, mamiriyoni evashumiri vake vanonyengetera kwaari zuva nezuva. Minyengetero iyoyo inosvika kuna Mwari pakarepo. Saka kukurukurirana navanhu vose vakakwana hakwaizova chinetso kwaari. Angadai asina kuda Umambo hwokudenga kuti arambe achivaziva. Igadziriro yakaisvonaka zvakadini—kuti Jehovha ave Mutongi, kukwanisa kutaura naye zvakananga, uye kuva netarisiro yokusambofa, tichirarama nokusingaperi muparadhiso yepasi!

“Nzira Yomunhu Haisi Yake”

14. Nei vanhu vacharamba vachingoda kutonga kwaJehovha?

14 Zvisinei, vanhu—kunyange vakakwana—vaizoramba vachida kutonga kwaJehovha. Nei? Nokuti Jehovha haana kuvasika vane mano okubudirira kurarama vasingatongwi naye. Iwoyo mutemo wavanhu, sokubvuma kwakaita muprofita Jeremia kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.” (Jeremia 10:23, 24) Kwaizova kushaya uchenjeri kuti vanhu vafunge kuti vaizobudirira kudzora nzanga Jehovha asingavatongi. Zvaizopesana nenzira yavakasikwa nayo. Kusununguka pakutonga kwaJehovha zvechokwadi kwaizoguma noudyire, ruvengo, utsinye, chisimba, hondo, uye rufu. ‘Munhu aizodzvinyirira mumwe achimuitira zvakaipa.’—Muparidzi 8:9.

15. Kusarudza kwakaipa kwakaitwa navabereki vedu vokutanga kwakaguma nei?

15 Zvinosuruvarisa kuti, vabereki vedu vokutanga vakasarudza kuti vakanga vasingadi Mwari kuti ave Mutongi wavo, uye vakasarudza kuzviraramira pasina iye. Somugumisiro, Mwari haana kuzovachengeta vakakwana. Zvino vakanga vafanana nomudziyo unoshandisa magetsi wabviswa tambo inoenda paunowana moto. Saka nokufamba kwenguva, vaizonanaira ndokumira—murufu. Vakava seforoma isina kunaka, uye izvozvo ndizvo zvavaingokwanisa kupfuudzira kuvana vavo. (VaRoma 5:12) “Iye [Jehovha] ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. . . . Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo.” (Dheuteronomio 32:4, 5) Chokwadi, Adhamu naEvha vakanyengerwa nechisikwa chomudzimu chakapanduka chakava Satani, asi vakanga vane pfungwa dzakakwana uye vangadai vakaramba zvaakataura zvakanga zvisina kururama.—Genesi 3:1-19; Jakobho 4:7.

16. Nhau inopupurira sei mugumisiro wokusununguka kubva kuna Mwari?

16 Nhau inopupurira zvakazara nezvomugumisiro wokusununguka pana Mwari. Kwezviuru zvamakore, vanhu vakaedza rudzi rwose rwehurumende dzavanhu, gadziriro dzose dzoupfumi nemagariro evanhu. Asi, uipi hunopfuurira ku“bva pakuipa [ku]enda pakuipisisa.” (2 Timoti 3:13) Zana remakore rechi20 rakaratidza izvozvo. Rakanga rakazara noruvengo rwakaipa zvikuru uye chisimba chakanyanyisa, kurwisana, nzara, urombo, uye kutambura kusina kunoenzana nakwo munhau. Uye pasinei nokuti kufambira mberi kupi kwakaitwa mune zvokurapa, pakupedzisira munhu anototi afe chete. (Muparidzi 9:5, 10) Nokuedza kururamisa nhano dzavo pachavo, vanhu vakazvibvumira kuva zvinhu zvinovhimwa naSatani nemadhimoni ake, zvokuti Bhaibheri rinodana Satani kuti “mwari wegadziriro ino yezvinhu.”—2 VaKorinde 4:4.

Chipo Chokuzvisarudzira

17. Chipo chaMwari chokuzvisarudzira chaifanira kushandiswa sei?

17 Nei Jehovha aizorega vanhu vachizviitira zvinhu zvavo? Nokuti akavasika vane chipo chinoshamisa chokuzvisarudzira, simba rorusununguko rwokusarudza. “Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko,” akadaro muapostora Pauro. (2 VaKorinde 3:17) Hapana anoda kuva robhoti, kuva nomumwe munhu anosarudza zvaanofanira kutaura nokuita pasekondi yoga yoga yepazuva. Asi Jehovha aida kuti vanhu vashandise zvakanaka chipo ichocho chokuzvisarudzira, kuona uchenjeri hwokuita kuda kwake uye kuramba vari pasi pake. (VaGaratiya 5:13) Saka rusununguko rwaisafanira kuva rwakazara, sezvo izvozvo zvaizoguma nokuita mazvake mazvake. Rwaifanira kudzorwa rwuri mukati memitemo yaMwari inobatsira.

18. Mwari akaratidzei nokurega vanhu vachizvisarudzira?

18 Nokurega mhuri yavanhu ichiita zvainoda, kamwe uye kokupedzisira, Mwari akaratidza kuti tinoda kutonga kwake. Matongero ake, uchangamire hwake, ndiyo nzira yakarurama chete. Inoguma nomufaro mukuru kwazvo, kugutsikana, uye kubudirira. Izvi imhaka yokuti pfungwa dzedu nemiviri yedu zvakagadzirwa naJehovha kuti zvishande zvakanaka kana zvichiita maererano nemitemo yake. “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Kusarudza kuita zvatinoda tichidzorwa nemitemo yaMwari hakwaizova mutoro asi kwaizoguma nezvokudya zvakasiyana-siyana, misha, unyanzvi, nenziyo zvinofadza. Kudai kwakashandiswa zvakanaka, kuzvisarudzira kungadai kwakaguma noupenyu hwakanaka kwazvo, hunonakidza nokusingaperi muparadhiso yepasi.

19. Mwari anoshandisa chii kuti ayananise vanhu kwaari?

19 Asi nemhaka yechisarudzo chavo chisina kururama, vanhu vakazviparadzanisa naJehovha, vachiva vasina kukwana, kupera basa, uye kufa. Saka vaizoda kudzikinurwa kubva mumamiriro iwayo ezvinhu anosuruvarisa uye kudzoserwa kuukama hwakarurama naMwari sevanakomana vake nevanasikana. Chinhu chakasarudzwa kushandiswa naMwari pakuita izvi Umambo, uye Mudzikinuri ndiJesu Kristu. (Johani 3:16) Negadziriro iyi, vanopfidza zvechokwadi—kufanana nemwanakonana anopambadza womumuenzaniso waJesu—vachayananiswa naMwari uye kubvumwa naye sevana vake.—Ruka 15:11-24; VaRoma 8:21; 2 VaKorinde 6:18.

20. Chinangwa chaMwari chichazadzikwa sei noUmambo?

20 Zvinodiwa naJehovha zviri kuzoitika pasi pano pasina kukundikana. (Isaya 14:24, 27; 55:11) Achishandisa Umambo hwake hunotungamirirwa naKristu, Mwari achareverera (kururamisira kana kuti kuratidza) zvizere kodzero yake yokuva Changamire wedu. Umambo hwacho huchapedza kutonga kwevanhu nemadhimoni pasi pano, uye ihwo hwoga huchatonga huri kudenga kwemakore ane chiuru. (VaRoma 16:20; Zvakazarurwa 20:1-6) Asi munguva iyoyo, kukwirira kwokutonga kwaMwari kucharatidzwa sei? Uye makore ane chiuru apera, Umambo huchava nebasa rei? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

Pfungwa Dzokudzokorora

• Musoro weBhaibheri chii?

• Ndivanaani vanoumba utongi hutsva hwapasi?

• Nei kutonga kwavanhu kusina Mwari mukati kusingabudiriri kana zvodini?

• Kuzvisarudzira kunofanira kushandiswa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Zvaidzidziswa naJesu zvakasimbisa kutonga kwaMwari achishandisa Umambo

[Mifananidzo iri papeji 12]

Munyika dzose Zvapupu zvaJehovha zvinoita Umambo dzidziso yazvo huru

[Mifananidzo iri papeji 14]

Nhau inopupurira migumisiro yakaipa yokusununguka kwavanhu kuna Mwari

[Kwazvakatorwa]

Mauto eWWI: Mufananidzo weU.S. National Archives; musasa wevasungwa: Oświęcim Museum; mwana: UN PHOTO 186156/J. Isaac