Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvichaitwa noUmambo hwaMwari

Zvichaitwa noUmambo hwaMwari

Zvichaitwa noUmambo hwaMwari

“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—MATEU 6:10.

1. Kuuya kwoUmambo hwaMwari kucharevei?

JESU paakadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere Umambo hwaMwari, aiziva kuti kuuya kwahwo kwaizogumisa kutonga kwavanhu kwezviuru zvamakore kwakasununguka kuna Mwari. Panguva iyoyo yose, zvinodiwa naMwari zvakanga zvisiri kuitwa pasi pose zvapo. (Pisarema 147:19, 20) Asi pashure pokugadzwa kwoUmambo mudenga, zvinodiwa naMwari zvichaitwa kwose kwose. Nguva yokuchinja kunotyisa kubva kukutonga kwavanhu kuenda kukutonga kwoUmambo hwaMwari hwokudenga iri kuswedera pedyo zvikuru.

2. Chii chichatara kuchinja kubva kukutonga kwavanhu kuenda kukutonga kwoUmambo?

2 Chichatara kuchinja uku ichava nguva iyo Jesu akati “kutambudzika kukuru kwakadaro sokusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Bhaibheri haritauri kuti nguva iyoyo ichange yakareba sei, asi nhamo dzichaitika ipapo dzichange dzakakura zvisati zvamboonekwa nenyika. Pakutanga kwokutambudzika kukuru, chimwe chinhu chichavhundutsa zvikuru vanhu vakawanda panyika chichaitika: kuparadzwa kwechitendero chose chenhema. Izvozvo hazvizovhundutsi Zvapupu zvaJehovha, nokuti zvatova nenguva refu zvichimirira kuti zviitike. (Zvakazarurwa 17:1, 15-17; 18:1-24) Kutambudzika kukuru kunogumira paAmagedhoni apo Umambo hwaMwari hunopwanya gadziriro yose yaSatani.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14, 16.

3. Jeremia anorondedzera sei mugumo wevasingateereri?

3 Izvi zvicharevei kuvanhu “vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka” oUmambo hwake hwokudenga mukutonga kwaKristu? (2 VaTesaronika 1:6-9) Uprofita hweBhaibheri hunotiudza kuti: “Tarirai, zvakaipa zvichabuda kunorumwe rudzi zvichienda kunorumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika. Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvika kune mumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.”—Jeremia 25:32, 33.

Kupera Kwouipi

4. Nei Jehovha ane zvikonzero zvakanaka zvokugumisa gadziriro ino yakaipa?

4 Kwezviuru zvemakore, Jehovha Mwari akashivirira uipi, zvakareba zvakakwana kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vaone kuti kutonga kwavanhu kunoguma nengwavaira. Somuenzaniso, maererano nokumwe kwakawanwa mashoko, muzana remakore rechi20 chete, vanhu vanopfuura mamiriyoni 150 vakaurayiwa muhondo, mukuchinja kwezvematongerwo enyika, uye mukumwe kusagadzikana kwemagariro omunyika. Uipi hwavanhu hwakanyatsoonekwa muHondo Yenyika II pakaurawa vane mamiriyoni 50, vakawanda vavo vachifa rufu rwakaipisisa mumisasa yevasungwa yeNazi. Sokufanotaura kwakaita Bhaibheri, munguva yedu ‘vanhu vakaipa nevanyengeri vabva pakuipa kuenda pakuipisisa.’ (2 Timoti 3:1-5, 13) Nhasi, unzenza, utsotsi, chisimba, uori, uye kusaremekedza zvinodiwa naMwari zvakapararira. Saka, Jehovha ane zvikonzero zvakanaka zvokugumisa gadziriro ino yakaipa.

5, 6. Rondedzera uipi hwaiva muKanani yekare.

5 Mamiriro ezvinhu zvino akafanana neaiva muKanani makore anenge 3 500 akapfuura. Bhaibheri rinoti: “Ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyange vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.” (Dheuteronomio 12:31) Jehovha akazivisa rudzi rwaIsraeri kuti: “Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo.” (Dheuteronomio 9:5) Munyori wenhau dzakaitika dziri muBhaibheri Henry H. Halley akati: “Kunamatwa kwaBhaari, Ashitoreti, uye vamwe vamwari veKanani kwaisanganisira mitambo yaiitwa zvinhu zvakaipa kwazvo; temberi dzavo dzaiva nzvimbo dzezvakaipa.”

6 Halley akaratidza kukura kwakanga kwaita uipi hwavo, nokuti pane imwe yenzvimbo dzakawanda dzakadaro, vanochera matongo “vakawana hari dzakawanda dzaiva nezvakanga zvasara pavana vakanga vabayirwa kuna Bhaari.” Akati: “Nzvimbo yacho yose yakaratidzika kuva nzvimbo yemakuva evana vachangoberekwa. . . . VaKanani vainamata pamberi pavanamwari vavo nokunyanyisa muunzenza, setsika yechitendero; uye ipapo, nokuponda matangwe avo, sechibayiro kune vanamwari ivava. Zvinoita sokuti, pamwero mukuru, nyika yeKanani yakanga yaita seSodhoma neGomora pamwero wenyika. . . . Mararamire outsvina anosemesa kudaro uye outsinye akanga ane kodzero yokuramba aripo here? . . . Vacheri vamatongo vanochera muungwanda-ngwanda hwemaguta eKanani vanoshamisika kuti nei Mwari asina kukurumidza kuaparadza kupfuura zvaakaita.”

Kugara Nhaka Pasi

7, 8. Mwari achachenesa sei pasi rino?

7 Kungofanana nokuchenesa kwaakaita Kanani, munguva pfupi iri kutevera Mwari achachenesa pasi rose ndokuripa kune avo vanoita kuda kwake. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.” (Zvirevo 2:21, 22) Uye munyori wepisarema anoti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) Uye Satani achabviswawo, kuitira kuti “arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Hungu,“nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

8 Achitaura nezvetariro huru yeavo vanoda kurarama nokusingaperi pasi pano mumashoko mashoma, Jesu akati: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka yepasi.” (Mateu 5:5) Zvichida aitaura nezvePisarema 37:29, rakafanotaura kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Jesu aiziva kuti chakanga chiri chinangwa chaJehovha kuti vane mwoyo yakarurama vagare muparadhiso yapasi nokusingaperi. Jehovha anoti: “Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuwo zviri pasi pose, nesimba rangu guru . . . , zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.”—Jeremia 27:5.

Nyika Itsva Inoshamisa

9. Umambo hwaMwari huchaunza nyika yakaita sei?

9 Pashure peAmagedhoni, Umambo hwaMwari huchaunza “pasi idzva” rinoshamisa umo “kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Richava zororo rakakura zvakadini kune vachapukunyuka Amagedhoni kubvisirwa gadziriro ino yezvinhu yakaipa inodzvinyirira! Vachafara zvakadini kuti vanenge vapinda munyika itsva yakarurama mukutonga kwehurumende yoUmambo hwokudenga, vane zvikomborero zvinoshamisa uye vachitarisira upenyu husingaperi!—Zvakazarurwa 7:9-17.

10. Zvinhu zvipi zvakaipa zvichange zvisisipo mukutonga kwoUmambo?

10 Vanhu havazombotyisidzirwizve nehondo, utsotsi, nzara, kana kunyange zvikara. “Ndichaita . . . sungano yorugare [nevanhu vangu], ndichapedza zvikara panyika yavo . . . Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo.” “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Ezekieri 34:25-28; Mika 4:3, 4.

11. Nei tingava nechivimbo chokuti zvirwere zvomuviri zvichapera?

11 Kurwara, kusuruvara, uye kunyange rufu zvichabviswa. “Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” (Isaya 33:24) “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura. . . . ‘Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’” (Zvakazarurwa 21:4, 5) Paakanga ari pasi pano, Jesu akaratidza kugona kwake kuita zvinhu izvozvo nesimba raakapiwa naMwari. Achibatsirwa nomudzimu mutsvene, Jesu akafamba munyika yose achirapa vakaremara nokuporesa vanorwara.—Mateu 15:30, 31.

12. Itariroi iripo nokuda kwavakafa?

12 Jesu akatoita zvakawanda. Akamutsa vakafa. Vanhu vanozvininipisa vakaita sei? Paakamutsa musikana aive nemakore 12, vabereki vake “vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Mako 5:42) Uyu wakanga uri mumwe muenzaniso wezvichaitwa naJesu pasi pose mukutonga kwoUmambo, nokuti ipapo “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Fungidzira mufaro mukuru uchavapo pachadzoka mapoka nemapoka evanhu vakafa kuupenyu uye vachisanganiswazve nevadiwa vavo! Zvechokwadi pachava nebasa rokudzidzisa rakakura mukutungamirira kwoUmambo kuitira kuti “nyika yose [izare] nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.

Uchangamire hwaJehovha Hunorevererwa

13. Kukodzera kwokuti Mwari atonge kucharatidzwa sei?

13 Pamugumo wemakore ane chiuru okutonga kwoUmambo, mhuri yavanhu ichange yadzorerwa pakukwana kwepfungwa nomuviri. Pasi richava bindu reEdheni renyika yose, paradhiso. Rugare, mufaro, kuchengeteka, uye nzanga yavanhu ine rudo zvichange zvavapo. Hapana kana munhau yavanhu pakamboonekwa zvinhu zvakadai kutonga kwoUmambo kusati kwavapo. Musiyano wakakura zvakadini uchava waratidzwa ipapo pakati pezviuru zvamakore zvakapfuura zvokutonga kwavanhu kunosiririsa nokutonga kwakanaka kwazvo kwoUmambo hwaMwari hwokudenga kwamakore ane chiuru! Kutonga kwaMwari achishandisa Umambo hwake kuchange kwaratidzwa kuti kukuru muzvinhu zvose. Kodzero yaMwari yokutonga, uchangamire hwake, huchange hwarevererwa zvizere.

14. Chii chichaitika kuvapanduki kana makore ane chiuru apera?

14 Pamugumo wamakore ane chiuru, Jehovha achabvumira vanhu vakakwana kuzvisarudzira kuti ndiani wavanoda kushumira. Bhaibheri rinoratidza kuti “Satani achasunungurwa mujeri rake.” Achaedza zvakare kutsausa vanhu, vamwe vavo vachasarudza kusununguka kuna Mwari. Kuti adzivise ‘nhamo kumukazve kechipiri, Jehovha achaparadza Satani, madhimoni ake, neavo vose vanopandukira uchangamire hwaJehovha. Hapana angazoramba kuti vanhu vose vanoparadzwa nokusingaperi panguva iyoyo vakanga vasina mukana kana kuti nzira yavo isina kururama yakanga iri mhaka yokusakwana. Kwete, vachange vakaita saAdhamu naEvha vakakwana, vakasarudza kupandukira kutonga kwaJehovha kwakarurama vachida havo.—Zvakazarurwa 20:7-10; Nahumi 1:9.

15. Vakavimbika vachava noukamai naJehovha?

15 Kune rimwe divi, zvichida ruzhinji rwevanhu ruchasarudza kutsigira uchangamire hwaJehovha. Vapanduki vose vaparadzwa, vakarurama vachamira pamberi paJehovha, vabudirira pamuedzo wokupedzisira wokuvimbika. Vakavimbika ava vachabva vagamuchirwa naJehovha sevanakomana navanasikana vake. Naizvozvo vachadzokera kuukama uhwo Adhamu naEvha vakanga vanahwo naMwari vasati vapanduka. Nokudaro, VaRoma 8:21 ichazadzika inoti: “Zvisikwa [vanhu] zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” Muprofita Isaya anofanotaura kuti: “[Mwari] wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.

Tariro Youpenyu Husingaperi

16. Nei zvakakodzera kutarisira kuwana mubayiro woupenyu husingaperi?

16 Itarisiro inoshamisa zvakadini yakamirira vakatendeka, kuziva kuti Mwari achadurura pavari nokusingaperi mafashafasha ezvinhu zvomudzimu nezvenyama zvinobatsira! Munyori wepisarema akati nenzira yakarurama: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa [zvakakodzera] zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:16) Jehovha anokurudzira vaya veboka rapasi kuti vave netariro iyi youpenyu muParadhiso sorutivi rwokutenda kwavo maari. Nepo nhau youchangamire hwaJehovha ichikosha zvikuru, haakumbiri vanhu kuti vamushumire pasina tarisiro yomubayiro. MuBhaibheri rose, kuvimbika kuna Mwari netariro youpenyu husingaperi zvakasungwa pamwe chete zvisingaparadzanisiki sezvikamu zvinokosha zvokutenda kwomuKristu muna Mwari. “Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.

17. Jesu akaratidza sei kuti zvakanga zvakakodzera kuti tisimbiswe netariro yedu?

17 Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Pano akabatanidza kuziva Mwari nezvinangwa zvake nomubayiro wakunopa. Somuenzaniso, muiti wezvakaipa paakakumbira kuyeukwa Jesu ava muUmambo hwake, Jesu akati: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Haana kuudza murume wacho kuti ave nokutenda kunyange dai aisawana mubayiro. Aiziva kuti Jehovha anoda kuti vashumiri vake vave netariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi kuti zvibatsire kuvasimbisa sezvavanosangana nemiedzo yakasiyana-siyana munyika ino. Nokudaro, kutarisira mubayiro chinhu chinobatsira mukutsungirira somuKristu.

Nguva Yemberi yoUmambo

18, 19. Chii chichaitika kuna Mambo noUmambo pamugumo weMakore Ane Chiuru?

18 Sezvo Umambo hwakanga huri hurumende inobatsira yakashandiswa naJehovha kuita kuti nyika nevanhu vanogara pairi vasvike pakukwana uye pakuyananiswa naye, Mambo Jesu Kristu nemadzimambo navapristi 144 000 vachaita basa rei kana Makore Ane Chiuru apera? “Ipapo, mugumo, paanogamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba, paanenge aparadza hurumende dzose nechiremera chose nesimba. Nokuti anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.”—1 VaKorinde 15:24, 25.

19 Kristu paachadzorera Umambo kuna Mwari, magwaro anotaura nezvahwo kuti ndehwokusingaperi achanzwisiswa sei? Zvichaitwa noUmambo zvichagara nokusingaperi. Kristu achakudzwa nokusingaperi nemhaka yebasa rake rokushandira kurevererwa kwouchangamire hwaMwari. Asi sezvo chivi norufu zvinenge zvabviswa zvachose, uye vanhu vadzikinurwa, izvi zvinogumisa kudiwa kwake soMudzikinuri. Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwoUmambo kuchange kwaitika zvizere; saka hurumende inobatsira inenge isingachadiwi hayo pakati paJehovha nevanhu vanoteerera. Saka, “Mwari [anenge ava] zvinhu zvose kumunhu wose.”—1 VaKorinde 15:28.

20. Tingaziva sei zvichaitika munguva yemberi yaKristu nevane 144 000?

20 Kristu nevaanotonga navo vachava nebasa rei munguva iri mberi kana Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwapera? Bhaibheri haritauri. Asi, tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha achavapa dzimwe ropafadzo dzebasa dzakawanda mune zvose zvaakasika. Tose zvedu nhasi ngatitsigirei uchangamire hwaJehovha kuti tipiwe upenyu husingagumi, kuitira kuti munguva yemberi, tinge tiri vapenyu kuti tizoziva izvo Jehovha akarongera Mambo nemamwe madzimambo nevapristi pamwe naye, uyewo zvose zvaakasika zvinoshamisa!

Pfungwa Dzokudzokorora

• Tiri kuswedera pedyo nokuchinja kupi kwokutonga?

• Mwari achatonga sei vakaipa nevakarurama?

• Munyika itsva muchange makaita sei?

• Uchangamire hwaJehovha hucharevererwa sei zvizere?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vakavimbika vachavazve noukama hwakakodzera naJehovha