Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakaita Mudzimu Mutsvene Mubatsiri Wangu Here?

Ndakaita Mudzimu Mutsvene Mubatsiri Wangu Here?

Ndakaita Mudzimu Mutsvene Mubatsiri Wangu Here?

NYANZVI dzezvechitendero, tisingatauri nezvevanhuwo zvavo, dzine pfungwa dzakasiyana-siyana nezvokuti mudzimu mutsvene waMwari chii. Asi, kusava nechokwadi kwakadaro hakuna kufanira. Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti mudzimu mutsvene chii. Panzvimbo pokuva munhu, sezvinotaura vamwe, isimba rinoita basa rine simba zvikuru rinoshandiswa naMwari kuita kuda kwake.—Pisarema 104:30; Mabasa 2:33; 4:31; 2 Petro 1:21.

Sezvo mudzimu mutsvene une chokuita zvikuru nokuitwa kwezvinangwa zvaMwari, tinofanira kuita kuti upenyu hwedu hubvumirane nawo. Tinofanira kuda kuti uve mubatsiri wedu.

Mubatsiri—Nei Achidiwa?

Achitarisira kubva kwake pasi pano, Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi.” Akatizve: “Kunyange zvakadaro, ndiri kukuudzai chokwadi, Zvakakunakirai kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndikasaenda, mubetseri haangambouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.”—Johani 14:16, 17; 16:7.

Jesu akapa vadzidzi vake basa guru nokuvarayiridza kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Basa iri haraizova nyore, nokuti raifanira kuitwa mukutarisana nokushorwa.—Mateu 10:22, 23.

Kushora kunobva kunze kwaizobatana nokupesana kwakati mukati meungano. “Zvino ndinokurayirai, hama,” akanyora kudaro Pauro kuvaKristu vomuRoma munenge muna 56 C.E., “kuti mungwarire vanoparira kupesana nezvinhu zvinogumbura zvakasiyana nedzidziso dzamakadzidza, vadzivisei.” (VaRoma 16:17, 18) Mamiriro aya ezvinhu aizowedzera kuipa kana vaapostora vangofa chete. Pauro akanyevera kuti: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu imi pachamuka varume vachataura zvinhu zvakamonyana kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”—Mabasa 20:29, 30.

Kubatsira kwaMwari kwaidiwa kukurira zvibingamupinyi izvi. Akadaro achishandisa Jesu. Pashure pokumuka kwake, pazuva rePendekosti ya33 C.E., vamwe 120 vevateveri vake “vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene.”—Mabasa 1:15; 2:4.

Vadzidzi vacho vakaziva kuti mudzimu mutsvene wakadururwa pachiitiko ichi waiva kubatsira kwakanga kwavimbiswa naJesu. Pasina mubvunzo zvino vakanga vava kunzwisisa zviri nani chiratidzo icho Jesu akanga apa chokuti: “Mubetseri, mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukurangaridzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Johani 14:26) Akaudanawo kuti ‘mubetseri, mudzimu wechokwadi.’—Johani 15:26.

Mudzimu Mubatsiri Sei?

Mudzimu waizoshanda somubatsiri munzira dzinoverengeka. Kutanga, Jesu akavimbisa kuti waizoyeuchidza vadzidzi vake zvinhu zvaakanga avaudza. Neizvi aireva zvinopfuura kungovabatsira kuyeuka mashoko. Mudzimu waizovabatsira kunzwisisa zvakadzama zvinoreva zvaakanga adzidzisa uye kukosha kwazvo. (Johani 16:12-14) Mukupfupikisa, mudzimu waizoita kuti vadzidzi vave nokunzwisisa chokwadi kuri nani. Gare gare muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari akazvizarurira kwatiri nomudzimu wake, nokuti mudzimu unonzvera zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinde 2:10) Kuti vateveri vakazodzwa vaJesu vapfuudze zivo yakarurama kuvamwe, kunzwisisa kwavo pachavo kwaifanira kuva kwakasimba.

Chechipiri, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera uye kuita kudaro kakawanda. Kana pane dzimwe nguva vakanga vasina chokwadi nezvezvavaifanira kunyengeterera, mudzimu waigona kupindira kana kuti kuvabatsira. “Saizvozvowo mudzimu unotibetsera nokuda kwokusava nesimba kwedu; nokuti chinetso chezvatinofanira kunyengeterera sezvatinofanira kuita hatichizivi, asi iwo mudzimu unotikumbirira nokugomera kusina kutaurwa.”—VaRoma 8:26.

Chechitatu, mudzimu waizobatsira vadzidzi vaJesu mukudzivirira chokwadi pachena. Akavanyevera kuti: “Vachakuisai kumatare emunzvimbo imomo, uye vachakuzvamburai mumasinagogi avo. Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, nokuda kwouchapupu kwavari uye nokuna mamwe marudzi. Zvisinei, pavanokuisai kumatare musafunganya pamusoro pemataurire amuchaita kana chamuchataura; nokuti chamuchataura muchachipiwa muawa iyoyo; nokuti vari kutaura havasi imi chete, asi mudzimu waBaba venyu unotaura nemi.”—Mateu 10:17-20.

Mudzimu mutsvene waizobatsirawo kuzivisa ungano yechiKristu uye kuita kuti nhengo dzayo dzizvisarudzire nokuchenjera. Ngatikurukurei izvi zvinhu zviviri zvenhau iyi zvakadzama tione kukosha kwazvakaita kwatiri nhasi.

Kushanda Sechiratidzo Chinozivisa

Kwemazana emakore vaJudha vakashanda vari pasi poMutemo waMosesi sevanhu vaMwari vakasarudzwa. Nemhaka yokuti vakaramba Jesu saMesiya, Iye akafanotaura kuti munguva pfupi ivo pachavo vaizorambwa paakati: “Hamuna kumborava here muMagwaro kuti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki ndiro razova dombo guru repakona. Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’? Ndokusaka ndichiti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mateu 21:42, 43) Pakangoumbwa ungano yechiKristu paPendekosti ya33 C.E., vateveri vaKristu vakava “rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” Kubvira panguva iyoyo, ungano iyi yaiva nzira yaMwari yokukurukurirana. Kuitira kuti vanhu vakwanise kuona uku kuchinjwa kwenyasha dzaMwari, Mwari akapa chiratidzo chinozivisa chakajeka.

PaPendekosti mudzimu mutsvene wakagonesa vadzidzi kutaura mumitauro yavakanga vasina kumbodzidza, zvichiita kuti vacherechedzi vashamisike nokubvunza kuti: “Sei tiri kunzwa, mumwe nomumwe wedu, mutauro wake watakaberekwa nawo?” (Mabasa 2:7, 8) Kukwanisa kutaura mumitauro isingazivikanwi, pamwe ne“manenji nezviratidzo [izvo] zvakatanga kuitika nokuvaapostora,” zvakaita kuti vanhu zviuru zvitatu vaone kuti zvechokwadi mudzimu waMwari wakanga uchishanda.—Mabasa 2:41, 43.

Uyewo, nokuratidza “zvibereko zvomudzimu”—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora—vadzidzi vaKristu vakaziviswa zvakajeka sevashumiri vaMwari. (VaGaratiya 5:22, 23) Chaizvoizvo, rudo rwakazivisa zvakatanhamara ungano yechiKristu yechokwadi. Jesu akafanotaura kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.

Nhengo dzeungano yechiKristu yapakuvamba dzakabvuma kutungamirira kwomudzimu mutsvene waMwari uye dzakashandisa mukana wokubatsira kwawaipa. Nepo vaKristu nhasi vachiziva kuti Mwari haasi kumutsa vakafa zvino uye kuita zvishamiso somuzana remakore rokutanga, vanobvumira zvibereko zvomudzimu waMwari kuvazivisa sevadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu.—1 VaKorinde 13:8.

Mubatsiri Mukuzvisarudzira

Bhaibheri chibereko chomudzimu mutsvene. Nokudaro, patinozvibvumira kunyengetedzwa neBhaibheri, zvinoita sokuti mudzimu mutsvene uri kutirayiridza. (2 Timoti 3:16, 17) Unogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera. Asi tinoubvumira here?

Zvakadini nebasa ratinosarudza? Mudzimu mutsvene uchatigonesa kuona basa ratinotarisira kuita kubva mumaonero anoita Jehovha. Basa redu rinofanira kuenderana nenheyo dzeBhaibheri, uye rinofanira kutibatsira kuti tive nezvinangwa zvokuita basa rinoitirwa Mwari. Mari inotambirwa kana kuti kukurumbira uye chinzvimbo zvine chokuita nebasa zvechokwadi hazvinyanyi kukosha. Chinonyanyokosha ndechokuti rinotipa here zvinodiwa zvoupenyu uye rinotibvumira nguva yakaringana nomukana wokuzadzikisa zvinodiwa zvedu zvechiKristu.

Kuda kunakidzwa noupenyu ndokwomuzvarirwo uye kwakafanira. (Muparidzi 2:24; 11:9) Naizvozvo muKristu ane mwero angaita nhandaro kuti azorore uye kuti anakidzwe. Asi anofanira kusarudza nhandaro inoratidza zvibereko zvomudzimu, kwete yorudzi rwakazara ne“mabasa enyama.” Pauro anotsanangura kuti: “Zvino mabasa enyama anooneka, uye anoti ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, kukakavara, kupesana, mapoka, shanje, nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi.” Kuva “vanozvikudza, tichinyandura makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje” zvinofanirawo kudziviswa.—VaGaratiya 5:16-26.

Zvakadarowo nenhau yokusarudza shamwari. Kuchenjera kudzisarudza maererano nokukura mumudzimu, kwete maererano nechitarisiko chokunze kana kuti zvadzinazvo. Zviri pachena kuti Dhavhidhi akanga ari shamwari yaMwari, nokuti Mwari akamurondedzera so“munhu anodiwa nemwoyo [wake].” (Mabasa 13:22) Asingatarisi chitarisiko chokunze, Mwari akasarudza Dhavhidhi kuva mambo waIsraeri, maererano nenheyo inoti: “Nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Ushamwari hunosvika zviuru zvakawanda hwakakundikana nokuti hwakanga hwakavakirwa pachitarisiko chokunze kana kuti papfuma. Ushamwari hwakavakirwa papfuma isingagoni kuvimbwa nayo hunogona kupera kamwe kamwe. (Zvirevo 14:20) Shoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu rinotikurudzira kuti patinosarudza shamwari, tinofanira kusarudza dziya dzinogona kutibatsira kushumira Jehovha. Rinotiudza kuti tiomerere pakupa pane kugamuchira nokuti kupa kunounza mufaro mukuru. (Mabasa 20:35) Nguva norudo zviri pakati pezvinhu zvinokosha zvikuru zvatingapa shamwari dzedu.

KumuKristu ari kutsvaka wokuroorana naye, Bhaibheri rinopa zano rakafuridzirwa nomudzimu. Neimwe nzira, rinoti: ‘Tarisa zvinopfuura kumeso nemaumbirwo. Tarisa tsoka.’ Tsoka? Hungu, mupfungwa iyi: Dziri kushandiswa kuita basa raJehovha rokuparidza mashoko akanaka uye nokudaro dzakanaka here, sezvakadaro, mukuona kwake? Dzakashongedzerwa nemashoko echokwadi nemashoko akanaka orugare here? Tinoverenga kuti: “Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZioni: Mwari wako unobata ushe!”—Isaya 52:7; VaEfeso 6:15.

Zvatinorarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” tinoda kubatsirwa mukuita kuda kwaMwari. (2 Timoti 3:1) Mubatsiri, mudzimu mutsvene waMwari, wakatsigira zvakasimba kwazvo basa ravaKristu muzana remakore rokutanga, kusanganisira kuva mubatsiri wavo womunhu oga. Kudzidza nokushingairira Shoko raMwari, chibereko chomudzimu mutsvene, inzira yokutanga iyo isuwo tingaita nayo kuti mudzimu mutsvene uve mubatsiri wedu pachedu. Takadaro here?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 23]