Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushanda “Mumunda”—Kukohwa Kusati Kwasvika

Kushanda “Mumunda”—Kukohwa Kusati Kwasvika

Kushanda “Mumunda”—Kukohwa Kusati Kwasvika

VADZIDZI voMudzidzisi Mukuru vakashamiswa. Jesu akanga achangobva kutaura kanyaya kapfupi nezvegorosi nemasora. Wakanga uri mumwe wemifananidzo inoverengeka yaakataura zuva iroro. Apedza, vakawanda vavateereri vake vakaenda. Asi vateveri vake vaiziva kuti paifanira kuva nezvinorehwa chaizvo nemifananidzo yake—zvikurukuru waitaura nezvegorosi nemasora. Vaiziva kuti Jesu aisangova mutauri wenyaya dzinofadza.

Mateu anoshuma kuti vakabvunza kuti: “Titsanangurirei mufananidzo wemasora ari mumunda.” Achipindura, Jesu akadudzira mufananidzo wacho, achifanotaura kuramba kutenda kukuru kwaizotanga pakati pevanozviti vadzidzi vake. (Mateu 13:24-30, 36-38, 43) Izvi zvakaitika, uye kuramba kutenda kwakapararira nokukurumidza muapostora Johani afa. (Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:6-12) Migumisiro yakwo yaiva yakapararira zvokuti mubvunzo wakabvunzwa naJesu, sezvakanyorwa pana Ruka 18:8, wakaratidzika kuva wakakodzera zvikuru wokuti: “Panosvika Mwanakomana womunhu, chaizvoizvo achawana kutenda pasi pano here?”

Kusvika kwaJesu kwaizoratidza kutanga kwo“kukohwa” vaKristu vakaita segorosi. Kwaizova chiratidzo cho‘kuguma kwegadziriro yezvinhu,’ kwakatanga muna 1914. Saka hazvifaniri kutishamisa kuti vamwe vakatanga kufarira chokwadi cheBhaibheri munguva yakatungamirira kukutanga kwokukohwa kwacho.—Mateu 13:39.

Kuongorora nhau dzakanyorwa kunoratidza pachena kuti zvikurukuru kubvira muzana remakore rechi15, pfungwa dzakatanga kuchinjwa, kunyange pakati pevanhuwo zvavo muchiKristudhomu vakanga vakaita se“masora,” kana kuti vaKristu vokuedzesera. Bhaibheri zvarakatanga kuwanikwa zviri nyore uye makonikodhenzi eBhaibheri akagadzirwa, vanhu vane mwoyo yakatendeseka vakatanga kunyatsotsvakurudza Magwaro.

Chiedza Chinojeka

Pakati pevarume vakadaro pakutanga kwezana remakore rechi19 paiva naHenry Grew (1781-1862), aibva kuBirmingham, muEngland. Pazera remakore 13, akafamba nechikepe pamwe nevemhuri yake vachiyambuka Atlantic kuenda kuUnited States, vachisvika musi waJuly 8, 1795. Vakagara muProvidence, muRhode Island. Vabereki vake vakaroverera maari kuda Bhaibheri. Muna 1807, pazera remakore 25, Grew akakumbirwa kushanda somufundisi weChechi yeBaptist muHartford, Connecticut.

Aikoshesa mitoro yake yokudzidzisa uye akaedza kubatsira vaaitarisira kuti vararame maererano neMagwaro. Zvisinei, aitenda mukuchengeta ungano yakachena nokusava nechero munhu upi aiita chivi nemaune. Dzimwe nguva, iye pamwe nevamwe varume vaiva nomutoro muchechi, vaifanira kubvisa (kudzinga) vakaita ufeve kana kuti vaiita mimwe miitiro isina kuchena.

Pane zvimwe zvinetso zvaiva muchechi zvaimuvhiringidza. Vaiva nevarume vakanga vasiri nhengo dzechechi vaitarisira nhau dzebhizimisi dzechechi uye vaitungamirira kuimba paminamato. Varume ava vaikwanisawo kuvhota panhau dzine chokuita neungano saka vaikwanisa kudzora dzimwe nhau dzayo. Achitorera panheyo yokuparadzana nenyika, Grew aitenda zvakasimba kuti varume vakatendeka chete ndivo vaifanira kuita mabasa iwayo. (2 VaKorinde 6:14-18; Jakobho 1:27) Mukuona kwake, kuva nevasingatendi vanoimba nziyo dzokurumbidza Mwari kwaiva kumhura. Nemhaka yokutsunga uku, Henry Grew akarambwa nechechi muna 1811. Dzimwe nhengo dzaiona nenzira yakafanana nezvaaiita dzakaparadzana nechechi panguva iyoyowo.

Kuparadzana nechiKristudhomu

Boka iri, kusanganisira Henry Grew, rakatanga kudzidza Bhaibheri nechinangwa chokuita kuti upenyu hwavo nezvavaiita zvienderane nezano raro. Kudzidza kwavo kwakakurumidza kuvaita kuti vanzwisise zvakakura chokwadi cheBhaibheri uye kuvaita kuti vafumure zvikanganiso zvechiKristudhomu. Somuenzaniso, muna 1824, Grew akanyora zvinonzwisisika achinyatsoramba Utatu. Ona kuva nomusoro kwendima iyi kubva mune zvaakanyora: “‘Nezvezuva iroro, kana awa yacho hapana munhu anoziva, kana ngirozi dziri mudenga, kana Mwanakomana, asi BABA.’ [Mako 13:32] Ona pano kutevedzana kwokuvapo kwavo. Munhu, Ngirozi, Mwanakomana, Baba. . . . Ishe wedu anotidzidzisa kuti Baba chete vaiziva zuva iroro. Asi izvi hazvisi zvechokwadi, sezvinofunga vamwe, kuti Baba, Shoko, noMudzimu Mutsvene vanhu vatatu muna Mwari mumwe; nokuti maererano nouku [kudzidzisa, dzidziso yoUtatu,] . . . Mwanakomana airiziva zvakaenzana naBaba.”

Grew akafumura unyengeri hwevafundisi nevatungamiriri vemauto vainyepedzera kushandira Kristu. Muna 1828 akazivisa kuti: “Tingafungidzira here kusaenderana kukuru, pane kuti muKristu abve mumba yake yomukati, maanga achinyengeterera vavengi vake, uye orayira mauto ake kukanda zvombo zvokuurayisa noukasha hunotyisa, mumwoyo yevavengi ivavo chaivo? Kune rimwe divi, anofananidzira Tenzi wake ari kufa achifara; asi kune rimwe divi anofananidzira ani? Jesu akanyengeterera vakamuponda. VaKristu vanoponda vavanonyengeterera.”

Zvinotova nesimba zvikuru, Grew akanyora kuti: “Ndirini patichatenda Wemasimba Ose anotipikira kuti ‘haasekwi?’ Ndirini patichanzwisisa mamiriro, nokusiyana kwechitendero chitsvene chinoda kuti tirege kunyange ‘zvinhu zvinoita sezvakaipa?’ . . . Hakusi kutaura nhema pamusoro peMwanakomana weakakomborerwa here, kufunga kuti chitendero chake chinoda kuti munhu aite sengirozi mune mamwe mamiriro ezvinhu, uye chomubvumira kuita sedhimoni mune mamwe?”

Upenyu Husingaperi Hahusi Hwomuzvarirwo

Mumakore akwakanga kusati kwava neredhiyo neterevhizheni, nzira yakakurumbira yaishandiswa kuratidza zvaifungwa nomunhu yaiva yokunyora nokuparadzira tubhuku. Munenge muna 1835, Grew akanyora kabhuku kanokosha kaifumura dzidziso dzokusafa kwomweya uye hero yomoto kuti hadzisi dzomumagwaro. Ainzwa kuti dzidziso idzi dzaimhura Mwari.

Kabhuku aka kaizova nemigumisiro yakakura zvikuru. Muna 1837, George Storrs aive namakore 40 akawana kopi yako muchitima. Storrs akaberekerwa kuLebanon, muNew Hampshire, panguva iyi aigara muUtica, kuNew York.

Akanga ari mushumiri anoremekedzwa zvikuru muChechi yeMethodist-Episcopal. Paakaverenga kabhuku kacho, akaororwa nokuti kupikisa kwakasimba kwakadaro kwaigona kuitwa paidzi dzidziso huru dzechiKristudhomu, dzaakanga asina kumbobvira apokana nadzo. Haana kuziva kuti munyori wacho aiva ani, uye akazoziva paakasangana naHenry Grew makore akati gare gare, munenge muna 1844, vose pavaigara muPhiladelphia, iri muPennsylvania. Zvisinei, Storrs akadzidza nhau yacho ari oga kwemakore matatu, achitaura nevamwe vashumiri chete nezvazvo.

Pakupedzisira, sezvo pakanga pasina aikwanisa kuramba zvinhu zvaakanga achidzidza, George Storrs akaona kuti haaizova akatendeka kuna Mwari kana dai akaramba ari muChechi yeMethodist. Akasiya muna 1840 uye akatamira kuAlbany, muNew York.

Mukutanga-tanga kwechirimo cha1842, Storrs akapa hurukuro nhanhatu dzakatevedzana muvhiki nhanhatu panhau yaiti “Kutsvakisisa—Vakaipa Havafi Here?” Kufarirwa kwacho kwaiva kukuru zvokuti akaidzokorora kuti ibudiswe, uye mumakore 40 akatevera, yakaparadzirwa kusvika ku200 000 muUnited States nomuGreat Britain. Storrs naGrew vakatsigirana mumagakava okuramba dzidziso yokusafa kwomweya. Grew akaramba achiparidza nokushingaira kusvikira parufu rwake musi waAugust 8, 1862, muPhiladelphia.

Munguva pfupi Storrs apa hurukuro nhanhatu dzabva kududzwa, akatanga kufarira kuparidza kwaWilliam Miller, aitarisira kudzoka kwaKristu kunooneka muna 1843. Kweanenge makore maviri, Storrs akanga achishingaira mukuparidza mashoko aya kumusoro kwakadziva kumabvazuva kweUnited States kwose. Pashure pa1844, akanga asisagoni kupfuurira kutara zuva ripi neripi rokudzoka kwaKristu, asi haana kuramba kana vamwe vaida kuongorora kuverengwa kwenguva. Storrs aitenda kuti kudzoka kwaKristu kwakanga kwava pedyo uye kuti zvaikosha kuti vaKristu varambe vakamuka uye vakangwarira mumudzimu, vakagadzirira zuva rokuongororwa. Asi akaparadzana neboka raMiller nokuti raibvuma dzidziso dzisiri mumagwaro, dzakadai sokusafa kwomweya, kupiswa kwenyika, uye kusavapo kwetariro ipi neipi youpenyu husingaperi kune avo vanofira mukusaziva.

Kuda Mwari Kwaizotungamirira Kuchii?

Storrs akaramba zvaifungwa navaAdventist kuti Mwari aizomutsa vanhu vakaipa nechinangwa chokungoti avauraye chete. Aisaona muMagwaro uchapupu hwokuti Mwari angaite chiito chisina chinangwa uye chokutsiva chakadaro. Storrs nevamwe vake vakatonyanyisa kuenda kune rimwe divi uye vakagumisa kuti vakaipa vakanga vasingazomutswi zvachose. Kunyange zvazvo vakanga vachinetseka nokutsanangura mamwe magwaro anotaura nezvokumuka kwevasina kururama, kugumisa kwavo kwakaratidzika kwavari kuti ndiko kwaienderana zvikuru norudo rwaMwari. Rimwe danho mukunzwisisa chinangwa chaMwari rakanga richizouya munguva pfupi.

Muna 1870, Storrs akarwara zvikuru uye haana kukwanisa kushanda kwemwedzi yakati. Panguva iyi, akakwanisa kunzverazve zvose zvaakanga adzidza mumakore ake 74. Akagumisa kuti akanga apotsa chikamu chinokosha chechinangwa chaMwari kuvanhu sezvinoratidzwa musungano yaAbrahamu—kuti ‘ndudzi dzose dzenyika dzaizoropafadzwa nokuti Abrahamu akateerera inzwi raMwari.’—Genesi 22:18; Mabasa 3:25.

Izvi zvakaita kuti ave nepfungwa itsva. Kana “ndudzi dzose” dzaizofanira kuropafadzwa, vose vaisazofanira kunzwa mashoko akanaka here? Vaizoanzwa sei? Handiti mamiriyoni nemamiriyoni akanga atofa? Pakunzverazve Magwaro, akasvika pamhedziso yokuti kwaiva nemapoka maviri evanhu “vasina kururama” vakafa: vaya vakasvika pakuramba voga rudo rwaMwari uye vaya vakafira mukusaziva.

Storrs akagumisa kuti vokupedzisira vacho vaizofanira kumutswa kubva kuvakafa kuti vapiwe mukana wokubatsirwa nechibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu. Vaya vaizochibvuma vaizorarama nokusingaperi pasi pano. Vaizochiramba vaizoparadzwa. Hungu, Storrs aitenda kuti hapana aizomutswa naMwari asina tariro mberi kwake. Pakupedzisira, hapana anenge akafa nemhaka yechivi chaAdhamu kunze kwaAdhamu! Asi zvakadini nezveavo vanenge vachirarama panguva yokudzoka kwaIshe Jesu Kristu? Pakupedzisira Storrs akaona kuti basa rokuparidza munyika yose raizofanira kuitwa kuitira kuti vataurwe navo. Akanga asina kana kapfungwa zvakwo kokuti chinhu chakadai chaizoitwa sei, asi mukutenda akanyora kuti: “Kunyange vakawanda, kana vasingaoni kuti chinhu chinokwanisa kuitwa sei vanochiramba, sokunge zvisingabviri kuti Mwari achiite nokuti havagoni kuona maitirwo acho.”

George Storrs akafa muna December 1879, pamba pake muBrooklyn, kuNew York, midhadhadha mishomanana chete kubva paizova pamuzinda webasa rokuparidza munyika yose raakanga atarisira nomwoyo wose.

Chimwe Chiedza Chaidiwa

Varume vakaita saHenry Grew naGeorge Storrs vainzwisisa chokwadi zvakajeka sezvatinoita nhasi here? Aiwa. Vaiziva chavaiedza kupedza, sezvakataurwa naStorrs muna 1847 kuti: “Tinofanira kuyeuka kuti tichangobva kubuda munguva yerima rechechi; uye hazvizoshamisi zvachose kana tikazowana ‘zvipfeko zvechiBhabhironi’ zvichakapfekwa nesu sechokwadi.” Somuenzaniso, Grew akaziva rudzikinuro rwakapiwa naJesu, asi haana kunzwisisa kuti rwaiva “rudzikinuro runoenzanirana,” ndiko kuti, upenyu hwomunhu akakwana Jesu hwakapiwa mukutsinhana noupenyu hwakarasika hwomunhu akakwana Adhamu. (1 Timoti 2:6) Henry Grew akatendawo zvisizvo kuti Jesu aizodzoka ndokutonga pasi zvinoonekwa. Zvisinei, Grew aiva nehanya nokucheneswa kwezita raJehovha, nhau yave ichifarirwa nevanhu vashoma zvikuru kubvira muzana remakore rechipiri C.E.

George Storrs akanga asinganzwisisiwo zvakarurama dzimwe nhau dzinokosha. Aikwanisa kuona manyepo aisimudzirwa nevafundisi, asi dzimwe nguva aienda kune rimwe divi zvakanyanyisa. Somuenzaniso, sezviri pachena achipesana zvikuru nemaonero akanga agara achiitwa Satani nevafundisi, Storrs akaramba pfungwa yokuti Dhiyabhorosi munhu chaiyeiye. Akaramba Utatu; asi, akanga asina chokwadi kana mudzimu mutsvene waiva munhu kutozosvikira ava kuda kutofa. Nepo George Storrs aitarisira kuti kudzoka kwaKristu kwaizotanga kusingaoneki, aifunga kuti pakupedzisira kwaizova nokuvapo kunooneka. Kunyange zvakadaro, zvinoratidzika kuti varume vacho vari vaviri vaiva nemwoyo yakatendeseka uye vaiva vapachokwadi, uye vakasvika pedyo zvikuru nechokwadi kupfuura vakawanda.

“Munda” uyo Jesu akarondedzera mumufananidzo wegorosi nemasora wakanga usati wanyatsosvika panguva yokukohwewa. (Mateu 13:38) Grew, Storrs, nevamwe vakanga vachishanda “mumunda” mukugadzirira kukohwa.

Charles Taze Russell, akatanga kubudisa magazini ino muna 1879, akanyora nezvemakore ake apakuvamba kuti: “Ishe akatipa vanobatsira vakawanda mukudzidza shoko Rake, pakati pavo pane akatanhamara zvikuru, hama yedu inodiwa zvikuru uye yakura, George Storrs, uyo, zvose mushoko nomukunyora akatibatsira zvikuru; asi hatina kumbotsvaka kuva vateveri vavanhu, vangave vakanaka nokuchenjera sei, asi ‘Vateveri vaMwari sevana vanodiwa.’” Hungu, vadzidzi veBhaibheri vapachokwadi vaikwanisa kubatsirwa nemabasa evarume vakaita saGrew naStorrs, asi zvakanga zvichakakosha kuongorora Shoko raMwari, Bhaibheri, sechairo rine chokwadi.—Johani 17:17.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]

Zvaitendwa naHenry Grew

Zita raJehovha rave richizvidzwa, uye rinoda kutsveneswa.

Utatu, kusafa kwomweya, uye hero yomoto idzidziso dzokunyepera.

Ungano yechiKristu inofanira kuparadzana nenyika.

VaKristu havafaniri kuva nechokuita muhondo dzamarudzi.

VaKristu havasi pasi pomutemo weSabata roMugovera kana Svondo.

VaKristu havafaniri kuva nhengo dzemasangano epachivande, akadai seFreemasons.

Hapafaniri kuva nemapoka evafundisi neevanhuwo zvavo pakati pevaKristu.

Zvinzvimbo zvechitendero zvinobva kune anorwisana naKristu.

Ungano dzose dzinofanira kuve nedare revakuru.

Vakuru vanofanira kuva vatsvene mumaitiro avo ose, vasina chavanopomerwa.

VaKristu vose vanofanira kuparidza mashoko akanaka.

Pachava nevanhu vachararama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.

Nziyo yechiKristu inofanira kuva rumbidzo kuna Mwari naKristu.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo: Zvakaunganidzwa neThe New-York Historical Society/69288

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

Zvaitendwa naGeorge Storrs

Jesu akabhadhara upenyu hwake kuti ruve rudzikinuro rwevanhu.

Kuparidzirwa kwemashoko akanaka hakusati kwaitwa (muna 1871).

Nemhaka yaizvozvo, mugumo waisakwanisa kuva pedyo panguva iyoyo (muna 1871). Paifanira kuva nenguva yemberi umo kuparidza kwaizoitwa.

Pachava nevanhu vachagara nhaka upenyu husingaperi pasi pano.

Pachava nokumuka kwevose vakafira mukusaziva. Vaya vachabvuma chibayiro chorudzikinuro chaKristu vachawana upenyu husingaperi pasi pano. Vaya vacharamba vachaparadzwa.

Kusafa kwomweya uye hero yemoto idzidziso dzenhema dzinozvidza Mwari.

Kudya kwaShe Kwamanheru kuchengetwa kwegore negore kunoitwa pana Nisani 14.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo: SIX SERMONS, naGeorge Storrs (1855)

[Mifananidzo iri papeji 29]

Muna 1909, C. T. Russell, mupepeti we“Zion’s Watch Tower,” akatamira kuBrooklyn, muNew York, muU.S.A.