Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Vanhu

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Vanhu

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Vanhu

KUNYANGE zvazvo zvitendero zvakawanda zvichiita kunge zvinokamura vanhu, kunamatwa kwaMwari mumwe bedzi wechokwadi kune simba rokubatanidza vanhu. VaIsraeri pavaiva rudzi rwaMwari rwakasarudzwa, vakawanda Vemamwe Marudzi vakanga vakazvipira nomwoyo wose vakakweverwa kukunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, Rute akasiya vanamwari vokunyika yake yeMoabhi akati kuna Naomi: “Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Pakazosvika zana remakore rokutanga C.E., Vemamwe Marudzi vakawanda vakanga vava vanamati vaMwari wechokwadi. (Mabasa 13:48; 17:4) Gare gare vaapostora vaJesu pavakatanga kuenda nemashoko akanaka kunzvimbo dzaiva kure, vamwe vanhu vakanga vakazvipira nomwoyo wose vakabatanidzwa mukunamatwa kwaMwari wechokwadi. “[Maka]tendeukira kuna Mwari . . . muchibva kuzvidhori zvenyu kuti mushandire Mwari mupenyu uye wechokwadi,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (1 VaTesaronika 1:9) Kunamatwa kwaMwari wechokwadi kune simba rinobatanidza zvakadaro nhasi here?

Vaya vasina chokwadi vanosimbirira kuti hazvina kururama kutaura nezve“vanamati vechokwadi,” kana kuti nezva“Mwari wechokwadi.” Vangafunga nenzira iyoyo nokuti havazivi kuti chokwadi chingadzidzwa kupi. Asi vanhu vanotsvaka chokwadi vanobva mumamiriro ezvinhu akawanda vakaona kuti munhu haaiti zvokusarudza manamatiro aanoda. Akakodzera bedzi kunamatwa nesu Musiki wezvinhu zvose—Jehovha Mwari. (Zvakazarurwa 4:11) Ndiye Mwari wechokwadi, uye ane kodzero yokusarudza manamatirwo aanofanira kuitwa.

Kuti atibatsire kuziva zvaanoda, Jehovha akataura nesu achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. Anenge munhu wose pasi pano nhasi anogona kuwana Bhaibheri rose kana kuti zvikamu zvaro. Uyezve, Mwanakomana waMwari akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, . . . muchaziva chokwadi.” (Johani 8:31, 32) Saka chokwadi chinogona kuzivikanwa. Uye mamiriyoni evanhu vane mwoyo yakatendeseka vanobva muzvitendero zvakasiyana-siyana vari kushinga kugamuchira chokwadi ichi uye vari kubatanidzwa mukunamata kwechokwadi.—Mateu 28:19, 20; Zvakazarurwa 7:9, 10.

Kubatana Munyika Yose Munguva Yedu!

Uprofita hunoshamisa huri mubhuku reBhaibheri raZefania hunotaura nezvokuuya pamwe chete kwevanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Hunoti: “Nenguva iyo [ini Jehovha] ndichavigira vanhu [“mutauro wakachena,” NW] kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.” (Zefania 3:9) Uku kuratidzwa kwakazonaka kwevanhu vakachinjwa vari kushumira Mwari vakabatana!

Izvi zvaizoitika rini? Zefania 3:8 inoti: “Ndimirirei—ndizvo zvinotaura Jehovha—kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rangu.” Hungu, munguva ichaunganidza Jehovha marudzi asi asati adira pamusoro pawo hasha dzake, anopa vanyoro venyika mutauro wakachena. Ino ndiyo nguva yacho, nokuti marudzi ose ava kutounganidzirwa kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose paAmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16.

Kuti abatanidze vanhu vake, Jehovha anovapa mutauro wakachena. Mutauro mutsva uyu unosanganisira kunzwisiswa zvakarurama kwechokwadi chomuBhaibheri pamusoro paMwari nezvinangwa zvake. Kutaura mutauro wakachena kunosanganisira kutenda chokwadi, kuchidzidzisa vamwe, uye kurarama maererano nemitemo nenheyo dzaMwari. Kunoda kuti tirege kuita zvematongerwe enyika zvinoita kuti vanhu vakamurane uye tibvise mumwoyo mafungiro oudyire, akadai sokusarudza madzinza kana kuita urudzi zvinoratidzwa munyika ino. (Johani 17:14; Mabasa 10:34, 35) Vose vane mwoyo yakatendeseka vanoda chokwadi vanogona kudzidza mutauro uyu. Ona kuti vanhu vashanu vadudzwa munyaya iri kwokutanga—vaimbodavira zvakasiyana zvachose—iye zvino vabatana sei mukunamatwa kwaMwari mumwe uye wechokwadi bedzi, Jehovha.

Vakabatana Mukunamata Kwechokwadi

Apo Fidelia, muRoma Katurike uya akanga akazvipira, akatenga Bhaibheri rokuti mwanasikana wake ashandise pabasa rokuchikoro, akakumbira mupristi wake kuti atsanangure kubva mariri zvakanga zvaitika kuvana vake vashanu vakafa. “Zvakandigumbura kwazvo!” anodaro. Saka Zvapupu zvaJehovha pazvakamushanyira, akazvibvunza mubvunzo iwoyo. Paakaverenga muBhaibheri rake chokwadi pamusoro pevakafa, akaona kunyengedzwa kwaakanga aitwa nechechi. Akaziva kuti vakafa havana chavanoziva saka havasi kutambura muNyikadzimu kana kuti kune imwewo nzvimbo. (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5) Fidelia akarasa mifananidzo yake yose yechitendero, akabuda muchechi yacho, uye akatanga kudzidza Bhaibheri. (1 Johani 5:21) Kwemakore gumi apfuura, akafara kudzidzisa vamwe chokwadi chomuMagwaro.

Tara wokuKathmandu akatamira kunyika kune temberi shoma dzevaHindu. Naizvozvo akashanyira imwe chechi yeMethodist achitarisira kupedza nzara yake yokunamata. Asi haana kuwana mhinduro kumibvunzo yake pamusoro pokutambura kwevanhu. Zvapupu zvaJehovha zvakabva zvataura naye ndokuti zvaida kudzidza naye Bhaibheri. Tara anoti: “Ndakasvika pakuziva kuti Mwari ane rudo haangambovi iye anokonzera kutambura kwose kuri munyika . . . Ndakafadzwa netarisiro yenyika itsva ine rugare nokupindirana.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Tara akarasa mifananidzo yake yechiHindu, akarega kutevera tsika dzechitendero dzenyika yake, ndokuwana mufaro wechokwadi mukubatsira kupedza nzara yokunamata yevamwe ari mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Panya, muBuddha uya, aiva mufemberi paakatanga kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha kuBangkok, akanakidzwa nouprofita huri muBhaibheri. Panya akarondedzera kuti: “Pandakadzidza kuti chikonzero nei mamiriro ezvinhu aripo akasiyana neakanga achidiwa noMusiki pakutanga uye marongero aakaita kuti agadzirise kukanganisa kwakakonzerwa nevaya vakaramba uchangamire hwake, zvakaita sokuti ndakanga ndapengenutswa. Zvinhu zvose zvine chokuita neshoko reBhaibheri zvaipindirana zvokuti. Ndakasvika pakuda Jehovha sezvaari; izvi zvakandikurudzira kuti ndiite zvandaiziva kuti zvakarurama. Ndaida kwazvo kubatsira vamwe kuona musiyano wouchenjeri hwevanhu nouchenjeri hwaMwari. Uchenjeri hwechokwadi hwakachinja upenyu hwangu chaizvo.”

Nokufamba kwenguva, Virgil akatanga kusava nechokwadi zvikuru nezvaaidavira. Pane kunyengetera kuti Mwari amuratidze nzira yokubatsira vanhu vatema uye nokuda kweraaiona sesangano rinosarudza mamwe madzinza rinenge rinovenga vachena, akanyengetera kuti awaniswe chokwadi, pasinei nokuti ndechipi uye kuti chaiwanikwa kupi. “Pandakamuka zuva rakatevera racho pashure pokunyengetera kwandakaita nomwoyo wose kuna Mwari,” anoyeuka kudaro Virgil, “ndakawana magazini yeNharireyomurindi iri mumba. . . . Inofanira kuve yakaiswa nepasi pomusuo.” Pasina nguva refu akanga ava kudzidza Bhaibheri zvakasimba neZvapupu zvaJehovha. Anoenderera mberi achiti: “Kokutanga muupenyu hwangu, ndakagutsikana. . . . Ndakatanga kuva nekatariro.” Nenguva isipi Virgil akanga abatana nevaya vanopa vanhu tariro yechokwadi semaratidzirwo ainoitwa muShoko raMwari, Bhaibheri.

Charo wokuLatin America akaororwa apo chimwe Chapupu chinonzi Gladys chakaona kuti akanga achishupika nevana vake vaduku chikatanga kumubatsira nokumuperekedza kumusika. Nokufamba kwenguva, Charo akabvuma kuita zvaakakumbirwa naGladys—kudzidza Bhaibheri pamusha pasina muripo. Charo paakadzidza muBhaibheri rake kuti havasi vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga asi kuti Jehovha achakomborerawo vanhu pasi pano noupenyu husingaperi, akashamiswa. (Pisarema 37:11, 29) Kwemakore 15 apfuura Charo pachake ave achitaurira vamwe tariro iyi.

Fungidzira pasi pose pakazara nevanhu vakazvipira nomwoyo wose vakabatana mukunamatwa kwaJehovha, Mwari bedzi wechokwadi! Uku hakusi kurota. Ndizvo zvakapikirwa naJehovha. Achishandisa muprofita wake Zefania, Mwari akazivisa kuti: “Ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha. . . . Havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; . . . hakuna ungavatyisa.” (Zefania 3:12, 13) Kana chipikirwa ichi chichikufadza, fungisisa zvinokurudzirwa neBhaibheri, zvokuti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:3.