Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuropafadza kwaJehovha Kunotipfumisa

Kuropafadza kwaJehovha Kunotipfumisa

Kuropafadza kwaJehovha Kunotipfumisa

“Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; [“uye haawedzeri kutambura nakwo,” NW].”—ZVIREVO 10:22.

1, 2. Nei mufaro usina chokuita noupfumi?

KUTSVAKA zvinhu kunodzora upenyu hwemamiriyoni evanhu nhasi. Asi zvinhu zvinoita kuti vafare here? “Handiyeuki nguva apo vanhu vakambova vasina tariro zvakadai pamusoro poupenyu hwavo,” inodaro magazini inonzi The Australian Women’s Weekly. Inowedzera kuti: “Hazvitsananguriki. Tinoudzwa kuti Australia ine upfumi hwakanakisisa, zvokuti upenyu hauna kumbobvira hwava nani kupfuura apa. . . . Asi, vanhu vasina tariro munyika yacho yose vakawanda. Varume nevakadzi nenzira yakafanana vanofunga kuti pane chimwe chinhu chavasina muupenyu hwavo asi havasi kukwanisa kutsanangura kuti chii?” Magwaro akarurama zvikuru paanotaura kuti mufaro kana upenyu hazvibvi pazvinhu zvatinazvo!—Muparidzi 5:10; Ruka 12:15.

2 Bhaibheri rinodzidzisa kuti mufaro mukuru kwazvo unobva pakuropafadzwa naMwari. Maererano neizvi, Zvirevo 10:22 inoti: “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; [“uye haawedzeri kutambura nakwo,” NW]” Kutambura kunowanzobva pakuwana zvinhu nenzira yemakaro. Nenzira yakakodzera muapostora Pauro akanyevera kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:9, 10.

3. Nei vashumiri vaMwari vachiedzwa?

3 Ukuwo, zvikomborero zvisingarwadzi zvinowanwa nevose vanoramba va“chiteerera inzwi raJehovha.” (Dheuteronomio 28:2) Asi, vamwe vangabvunza kuti, ‘Kana kutambura kusingawedzerwi pakuropafadza kwaJehovha, nei vakawanda vevashumiri vaMwari vachitambura?’ Bhaibheri rinobudisa pachena kuti miedzo yedu inotenderwa naMwari asi kwainobva chaiko ndokuna Satani, nyika yake yakaipa, uye kusakwana kwedu pachedu. (Genesi 6:5; Dheuteronomio 32:4, 5; Johani 15:19; Jakobho 1:14, 15) Kuna Jehovha ndiko kunobva “zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Naizvozvo, kuropafadza kwake hakumbokonzeri kutambura. Saka ngatimbokurukurai zvimwe zvezvinopiwa naMwari zvakakwana.

Shoko raMwari—Chipo Chinokosha

4. Iropafadzo yei nechipo chinokosha zviri kuwanwa nevanhu vaJehovha ‘munguva ino yokupedzisira’?

4 Nezve“nguva yokupedzisira,” uprofita hwaDhanieri hunoti: “Zivo [yechokwadi] ichawanda.” Zvisinei, pakazowedzerwa mashoko anoti: “Hakuna pakati pavakaipa uchanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.” (Dhanieri 12:4, 10) Imbofunga hako! Shoko raMwari—zvikurukuru uprofita—hunotaurwa nouchenjeri hwaMwari zvokuti vakaipa havagoni kuhunzwisisa, kunyange vanhu vaJehovha vachinzwisisa. “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nepasi,” akanyengetera achidaro Mwanakomana waMwari, “nokuti makanyatsovanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.” (Ruka 10:21) Iropafadzo inoshamisa chaizvo kuva nechipo chinokosha cheShoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri, uye kuva pakati pevaya vakapiwa nzwisiso yomudzimu naJehovha.—1 VaKorinde 1:21, 27, 28; 2:14, 15.

5. Uchenjeri chii, uye tingahuwana sei?

5 Taizodai tisinganzwisisi zvinhu zvokumudzimu dai pasina “uchenjeri hunobva kumusoro.” (Jakobho 3:17) Uchenjeri mano okushandisa zivo nokunzwisisa kugadzirisa zvinetso, kunzvenga kana kunyenyeredza ngozi, kuita zvaunovavarira, uye kupa zano rakanaka. Tinowana sei uchenjeri hwaMwari? Zvirevo 2:6 inoti: “Jehovha ndiye unopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenjere.” Chokwadi, Jehovha achatikomborera nouchenjeri kana tikaramba tichihunyengeterera, kunyange sokupa kwaakaita Mambo Soromoni “mwoyo wakangwara, unonzwisisa.” (1 Madzimambo 3:11, 12; Jakobho 1:5-8) Kuti tiwane uchenjeri, tinofanirawo kuramba tichiteerera Jehovha nokugara tichidzidza nokushandisa Shoko rake.

6. Nei kuri kuchenjera kushandisa mitemo nenheyo dzaMwari muupenyu hwedu?

6 Mienzaniso mikuru youchenjeri hwaMwari inowanika mumutemo nenheyo dzeBhaibheri. Iyoyi inotibatsira munzira dzose—mumuviri, mupfungwa, mumanzwiro, uye mumudzimu. Munyori wepisarema akaimba zvakakodzera kuti: “Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorayirwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo. Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka.”—Pisarema 19:7-10; 119:72.

7. Kusateerera zvinodiwa naMwari zvakarurama kunoguma nei?

7 Ukuwo, vaya vasingateereri zvinodiwa naMwari zvakarurama havawani mufaro norusununguko zvavanotsvaka. Pane imwe nguva vachaziva kuti Mwari haafaniri kusekwa, nokuti munhu achakohwa chaanodyara. (VaGaratiya 6:7) Mamiriyoni asingateereri nheyo dzeBhaibheri ari kukohwa migumisiro yakaipa yakadai sepamuviri pasingadiwi, chirwere chinosemesa, kana kuti kupindwa muropa kwakanyanyisa. Kutoti vakapfidza vochinja mararamiro avo, nzira yavo ichapedzisira yavatungamirira kurufu uye zvichida kuparadzwa naMwari.—Mateu 7:13, 14.

8. Nei vanoda Shoko raMwari vachifara?

8 Zvisinei, vaya vanoda Shoko raMwari vorishandisa vacharopafadzwa zvikuru iye zvino nomunguva yemberi. Vane chikonzero chakanaka chokunzwa vasunungurwa nomutemo waMwari, vanofara zvechokwadi, uye vanomirira nokudisisa nguva yavachasunungurwa pachivi nemigumisiro yacho inouraya. (VaRoma 8:20, 21; Jakobho 1:25) Tariro iyi ndeyechokwadi nokuti inobva pachipo chikuru chaMwari chorudo kuvanhu—chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu. (Mateu 20:28; Johani 3:16; VaRoma 6:23) Chipo chikuru chakadaro chinosimbisa madire anoita Mwari vanhu uye chinosimbisa kuti zvikomborero zvisingagumi zvichawanikwa nevose vanoramba vachiteerera Jehovha.—VaRoma 8:32.

Tinoonga Chipo choMudzimu Mutsvene

9, 10. Tinobatsirwa sei nechipo chaJehovha chomudzimu mutsvene? Ipa muenzaniso.

9 Chimwe chipo chaMwari chorudo chatinofanira kuonga mudzimu wake mutsvene. Pazuva rePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akakurudzira boka rakanga riripo muJerusarema kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chapachena chomudzimu mutsvene.” (Mabasa 2:38) Nhasi, Jehovha anopa mudzimu mutsvene kuvashumiri vake vakazvitsaurira vanounyengeterera uye vanoda kuita kuda kwake. (Ruka 11:9-13) Munguva dzekare, iri simba guru pane zvose—mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinoita basa—rakapa simba varume nevakadzi vaiva nokutenda, kusanganisira vaKristu vokutanga. (Zekaria 4:6; Mabasa 4:31) Rinogona kuita izvozvo kwatiri, kunyange zvazvo tingatarisana nezvinetso zvakaoma sevanhu vaJehovha.—Joere 2:28, 29.

10 Funga nezvomuenzaniso waLaurel, uyo akaita poriyo uye airarama mumuchina wesimbi waishanda sebapu kwemakore 37. * Pasinei nemamiriro ake ezvinhu aiedza zvikuru, akashumira Mwari achishingaira kusvikira pakufa kwake. Mumakore ose aya, Laurel akaropafadzwa naJehovha zvikuru. Somuenzaniso akakwanisa kubatsira vanhu 17 kuti vave nezivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri, kunyange zvazvo airarama ari mumuchina wake iwoyo kwemaawa 24 pazuva. Mamiriro ake ezvinhu anotifungisa mashoko aPauro anoti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.” (2 VaKorinde 12:10) Hungu, chero kubudirira kwatingaita mukuparidza mashoko akanaka kunovapo nokuti tinobatsirwa naMwari achishandisa mudzimu wake mutsvene waanopa kune vaya vanoramba vachiteerera inzwi rake, kwete nemano edu nesimba redu.—Isaya 40:29-31.

11. Mudzimu waMwari unobereka zvinhu zvipi mune vaya vanopfeka “unhu hutsva”?

11 Kana tikateerera Mwari, mudzimu wake unobereka matiri zvinhu zvakadai sorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) “Zvibereko zvomudzimu” izvi zviri mu“unhu hutsva” hunopfekwa nevaKristu panzvimbo pohuya hwakaita sohwemhuka hwavangadaro vairatidza kare. (VaEfeso 4:20-24; Isaya 11:6-9) Chinonyanya kukosha pazvibereko izvi rudo, “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:14.

Rudo rwechiKristu—Chipo Chokukoshesa

12. Tabhita nevamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaratidza sei rudo?

12 Rudo rwechiKristu chimwe chipo chakaropafadzwa chinobva kuna Jehovha—chiya chatinoita zvakanaka kukoshesa. Chinodzorwa nenheyo, asi chakazara nechidakadaka zvokuti chinokwevera vatendi pamwe chete kupfuura zvingaitwa noukama hwokunyama. (Johani 15:12, 13; 1 Petro 1:22) Somuenzaniso, funga nezvaTabhita, mukadzi wechiKristu akanaka kwazvo womuzana remakore rokutanga. “Aiva nemabasa akawanda akanaka nezvipo zvengoni,” zvaainyanya kuitira chirikadzi dzaiva muungano. (Mabasa 9:36) Vakadzi ava vangadaro vaiva nehama dzokunyama, asi Tabhita aida kuita zvaaigona kuti avabatsire nokuvakurudzira. (1 Johani 3:18) Tabhita akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo! Rudo rwehama rwakaita kuti Priska naAkwira ‘vaise mitsipa yavo mungozi’ nokuda kwaPauro. Rudo rwakaitawo kuti Epafurasi, Ruka, Onesiforo, nevamwewo vabatsire muapostora wacho paakanga ari mujeri kuRoma. (VaRoma 16:3, 4; 2 Timoti 1:16; 4:11; Firimoni 23, 24) Hungu, vaKristu vakadaro nhasi ‘vane rudo pakati pavo,’ chipo chakaropafadzwa chinobva kuna Mwari chinovazivisa kuti vadzidzi vechokwadi vaJesu.—Johani 13:34, 35.

13. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa zvikuru ukama hwedu hwechiKristu?

13 Unokoshesa rudo runoonekwa muungano yechiKristu here? Unofara noukama hwedu hwokumudzimu, huri pasi pose here? Izviwo zvipo zvinofadza uye zvinopfumisa zvinobva kumusoro. Tingaratidza sei kuti tinozvikoshesa? Nokuitira Mwari basa dzvene, nokubatanidzwa mumisangano yechiKristu, uye nokuratidza rudo nezvimwe zvibereko zvomudzimu waMwari.—VaFiripi 1:9; VaHebheru 10:24, 25.

“Zvipo Zviri Varume”

14. Kuti muKristu ashumire somukuru kana kuti mushumiri anoshumira chii chinodiwa?

14 Varume vechiKristu vanoshuva kuva vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira kuti vashumire vavanonamata navo vane vavariro yakanaka. (1 Timoti 3:1, 8) Kuti ikwanise kuwana ropafadzo idzi, hama inofanira kuva munhu akasimba mumudzimu, anonzwisisa Magwaro uye anoshingaira muushumiri. (Mabasa 18:24; 1 Timoti 4:15; 2 Timoti 4:5) Anofanira kuratidza kuzvininipisa, kuva nomwero, uye kushivirira, nokuti kuropafadza kwaMwari hakuwanwi nevanhu vanozvikudza, vanozvitutumadza, uye vanoda zvinzvimbo. (Zvirevo 11:2; VaHebheru 6:15; 3 Johani 9, 10) Kana akaroora, achafanira kuva musoro wemhuri ane rudo anokwanisa kutarisira imba yake yose zvakanaka. (1 Timoti 3:4, 5, 12) Nokuti anokoshesa pfuma yokumudzimu, munhu akadaro acharopafadzwa naJehovha.—Mateu 6:19-21.

15, 16. Ndivanaani vanoratidza kuti “zvipo zviri varume”? Ipa mienzaniso.

15 Apo vaya vanoshumira sevakuru muungano vanozvishandisa nesimba sevaevhangeri, vafudzi, uye vadzidzisi, vanotipa zvikonzero zvakanaka zvokukoshesa zvikuru “zvipo zviri varume” zvakadaro. (VaEfeso 4:8, 11) Vaya vanobatsirwa nokushumira kwavo kworudo vangasataura nguva dzose kuonga kwavo, asi Jehovha anoona zvose zvinoitwa nevakuru vakatendeka. Haazokanganwi rudo rwavanoratidza nokuda kwezita rake nokushumira vanhu vake.—1 Timoti 5:17; VaHebheru 6:10.

16 Funga chiitiko chomumwe mukuru anoshanda nesimba akashanyira mumwe musikana wechiKristu akanga ava kuda kuvhiyiwa uropi. “Aiva nomutsa kwazvo, aitsigira, uye aiva nehanya zvikuru,” yakanyora kudaro shamwari yemhuri yacho. “Akatikumbira kuti anyengetere nesu kuna Jehovha. Sezvaainyengetera, baba vacho [vasiri mumwe weZvapupu zvaJehovha] vakapfikura, uye munhu wose aiva muchipatara akasvimha misodzi. Munyengetero womukuru iyeye waiva worudo zvikuru, uye Jehovha akaratidza rudo rukuru nokumutumira panguva iyoyo chaiyo!” Chimwe Chapupu chakanga chichirwara chakati nezvevakuru vakachishanyira: “Pavakananga pamubhedha wangu muimba yevanenge vachirwara zvikuru, ndakaziva kuti chero zvaizoitika kubvira ipapo, ndaigona kuzvitsungirira. Ndakasimba ndikanzwa kugadzikana.” Pane angatenga tsitsi dzakadaro here? Kana! Chipo chinobva kuna Mwari, chinowanikwa muungano yechiKristu.—Isaya 32:1, 2.

Chipo Choushumiri Hwomumunda

17, 18. (a) Jehovha akaita kuti vanhu vake vose vawane ropafadzo dzipi dzebasa? (b) Mwari akatipa rubatsiroi kuti tigone kuita ushumiri hwedu?

17 Hapana rukudzo runogona kupiwa munhu upi noupi kupfuura rwuya rwokushumira Jehovha, Wokumusoro-soro. (Isaya 43:10; 2 VaKorinde 4:7; 1 Petro 2:9) Zvisinei, vanhu vose vanogona kuwana ropafadzo yokuita ushumiri hwepachena—vaduku nevakuru, varume nevakadzi—vane chido chechokwadi chokushumira Mwari. Unoshandisa chipo ichi chinokosha here? Vamwe vangarega nokuti vanofunga kuti havanyatsokwanisi, asi yeuka kuti Mwari anopa mudzimu mutsvene kune vanomushumira, uye unozadzisa patinenge tisingakwanisi.—Jeremia 1:6-8; 20:11.

18 Jehovha akapa basa rokuparidza Umambo kuvashumiri vake vanozvininipisa, kwete kune vanhu vanenge vanodada vachivimba nemano avo pachavo. (1 VaKorinde 1:20, 26-29) Vanhu vanozvininipisa, vane mwero vanobvuma kuti havakwanisi zvimwe zvinhu uye vanovimba nokubatsira kwaMwari pavanoita ushumiri hwomumunda. Vanoongawo rubatsiro rwomudzimu rwaanopa achishandisa “mutariri akatendeka.”—Ruka 12:42-44; Zvirevo 22:4.

Upenyu Hwemhuri Hunofadza—Chipo Chakaisvonaka

19. Zvinhu zvipi zvinoita kuti kurera vana kubudirire?

19 Kuroora uye upenyu hwemhuri hunofadza zvipo zvinobva kuna Mwari. (Rute 1:9; VaEfeso 3:14, 15) Vanawo “inhaka [inokosha] inobva kuna Jehovha,” inounza mufaro kuvabereki vanobudirira kupinza unhu hwaMwari zvishoma nezvishoma mavari. (Pisarema 127:3) Kana uri mubereki, ramba uchiteerera inzwi raJehovha nokurovedza vana vako maererano neShoko rake. Vaya vanoita kudaro vachatsigirwa naJehovha uye vacharopafadzwa zvikuru.—Zvirevo 3:5, 6; 22:6; VaEfeso 6:1-4.

20. Chii chingabatsira vabereki vane vana vanotsauka pakunamata kwechokwadi?

20 Pasinei nezvingaitwa nevabereki vanotya Mwari nokungwarira, zvichida vamwe vevana vavo vanosarudza kutsauka pakunamata kwechokwadi pavanokura. (Genesi 26:34, 35) Izvi zvinogona kuodza mwoyo vabereki. (Zvirevo 17:21, 25) Zvisinei, pane kukanda mapfumo pasi, zvingabatsira kuti vayeuke muenzaniso waJesu womwanakomana mupambadzi. Kunyange zvazvo mwanakomana iyeye akabva pamba akambotetereka, akazodzoka kumba kwababa vake, avo vakamugamuchira nomufaro uye norudo. (Ruka 15:11-32) Chero zvinenge zvaitika, vabereki vechiKristu vakatendeka vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achavanzwisisa, achavanzwira tsitsi, uye achavatsigira.—Pisarema 145:14.

21. Tinofanira kuteerera ani, uye nei?

21 Saka, ngatizivei chinonyatsokosha muupenyu hwedu. Tiri kutsvakisisa zvinhu zvakawanda, zvingaita kuti titambure isu nemhuri dzedu here? Kana kuti tiri kutsvaka ‘zvipo zvakanaka nezvinopiwa zvakakwana’ zvinobva kuna “Baba vezviedza zvokudenga” here? (Jakobho 1:17) Satani, “baba venhema,” anoda kuti titamburire kutsvaka pfuma yokunyama totadza kuwana mufaro uye upenyu. (Johani 8:44; Ruka 12:15) Zvisinei, Jehovha anoda kutiitira zvakatinakira. (Isaya 48:17, 18) Saka, naizvozvo, ngatirambei tichiteerera Baba vedu vokudenga to‘nakidzwa zvikuru’ navo nguva dzose. (Pisarema 37:4) Kana tikatevera nzira yakadaro, zvipo zvaJehovha zvinokosha nokuropafadza kwake kukuru zvichatipfumisa—uye pasina kana kutambura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona Mukai! yechiRungu yaJanuary 22, 1993, mapeji 18-21.

Unoyeuka Here?

• Mufaro mukuru kupfuura mimwe yose ungawanika kupi?

• Ndezvipi zvimwe zvezvipo zvinopiwa naJehovha kuvanhu vake?

• Nei ushumiri hwomumunda chiri chipo?

• Vabereki vangaitei kuti varopafadzwe naMwari sezvavanorera vana vavo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Unoonga chipo chaMwari cheShoko rake rakanyorwa here?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma zvikuru, Laurel Nisbet akashumira Mwari achishingaira

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kufanana naTabhita, vaKristu vemazuva ano vanozivikanwa zvikuru nemabasa avo orudo

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vakuru vechiKristu vane tsitsi nevavanonamata navo