Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinokosha Zvechokwadi?

Chii Chinokosha Zvechokwadi?

Chii Chinokosha Zvechokwadi?

Kuva nechinhu chinokosha zvechokwadi kungazorodza. Asi ichocho chingava chii? Kuti angava mazakwatira emari here? Chishongo chinodhura kana kuti chinoshamisira here? Izita nomukurumbira here? Vanhu vakawanda vanokoshesa kwazvo zvinhu izvi. Kuva nazvo kungaita kuti tiwane zvokurarama nazvo, kuita kuti upenyu huve nezvahunoreva, kana kugutsa pfungwa yokuda kuyemurwa uye yokupedza chimwe chinhu. Tiri kuedza kuwana zvinhu zvakadaro here, tichitarisira kuti zvichaita kuti vavariro dzedu nezvishuvo zvedu zveramangwana zvizadzike?

VANHU vanowanzokoshesa chinhu zvichitsamira pakuti chinovapei kana kuti chinovagutsa sei. Tinoda zvinhu zvinoita kuti tinzwe kufara uye zvinopa tariro yeramangwana rakachengeteka. Tinokoshesa zvinhu zvinotiyamura, zvinotinyaradza, kana kuti zvinoita kuti tizivikanwe nokukurumidza. Asika, kana tichikoshesa chinhu maererano nezvatinoda kana kuti zvatinofarira zvinochinja-chinja, tinenge tisingafungisisi uye tisingafanooni zvichaitika. Chaizvoizvo, ukoshi hwechokwadi hunooneka nechatinofunga kuti ndicho chatinonyanya kuda.

Chii chatinonyanya kuda? Hapana chinhu chinokosha kana pasina chinhu chimwe chete chikuru—upenyu. Dai pasina upenyu, tingadai tisipo. Mambo Soromoni weIsraeri yekare akanyora kuti: “Vakafa havana chavanoziva . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva revanhu vose].” (Muparidzi 9:5, 10) Kana tikafa, tinomanikidzwa kusiya zvose zvatinazvo. Saka chatinonyanya kuda, kuwana chimwe chinhu chinochengetedza upenyu hwedu. Chii chichahuchengetedza?

Chii Chichachengetedza Upenyu Hwedu?

“Mari chitaviridzo,” akataura kudaro Mambo Soromoni. (Muparidzi 7:12) Kana tiine mari yakakwana, tinokwanisa kuwana zvokudya uye musha wakanaka. Mari ingaita kuti tinakidzwe nokushanyira nzvimbo dziri kure. Ingatiwanisa zvatinoda patinenge tisingachagoni kushanda nemhaka yokukwegura kana chirwere. Kuva nemari kwakanakira zvakawanda. Asi, mari haigoni kuchengetedza upenyu hwedu. Muapostora Pauro akarayira Timoti kuti: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari.” (1 Timoti 6:17) Mari yose iri munyika haikwanisi kutitengera upenyu.

Chimbofunga nezvechiitiko chomumwe murume anonzi Hitoshi. Arererwa muurombo, Hitoshi aida kwazvo kupfuma. Aidavira kuti mari ine simba kwazvo zvokuti aifunga kuti unotogona kuita kuti vanhu vakude nayo. Zvadaro mumwe murume akasvika pasuo raHitoshi ndokumubvunza kana aiziva kuti Jesu Kristu akanga amufira. Mubvunzo uyu wakaita kuti Hitoshi ade kuziva nokuti aifunga kuti hapana munhu aizofira munhu akaita saiye. Akapinda hurukuro yavose yeBhaibheri uye akashamiswa kunzwa zano roku‘chengeta ziso rakanaka.’ Mukurukuri wacho akatsanangura kuti ziso “rakanaka” nderiya rinoona zviri mberi uye rinoramba rakatarisa zvinhu zvomudzimu. (Ruka 11:34) Pane kutamburira kutsvaka mari, Hitoshi akatanga kuisa pakutanga zvinhu zvomudzimu zvinokosha muupenyu hwake.

Kuva nezvinhu kunoita kuti tinzwe kugadzikana uye kuchengeteka kwakati. Kuva nezvakawanda kunogona kuita kuti tisafunganye pamusoro pezvinhu zvatinoda zuva nezuva. Musha wakanaka munharaunda yakanaka ungaita kuti tinzwe kuti tapedza chimwe chinhu. Zvipfeko zvakanaka uye motokari yakaisvonaka zvingaita kuti tiyemurwe nevamwe.

Chikomborero ‘kuona zvinhu zvakanaka pakubata kwedu kwose.’ (Muparidzi 3:13) Uye kuva nezvakawanda kungaita kuti vadiwa vedu ‘vagadzikane, vadye, vanwe uye vafare.’ Zvisinei, zvinhu zvine ukoshi husingagari. Achinyevera nezvokuchochora, Jesu Kristu akati: “Kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15-21) Zvinhu, pasinei nokuti zvakawanda sei kana kuti zvinokosha zvakadii, hazvigoni kutipa upenyu.

Somuenzaniso, Liz akanga akaroorwa nomurume aiva nemari yakawanda. Anoti: “Taiva nomusha wakazonaka nemotokari mbiri, uye mari yedu yaitigonesa kuwana chinhu chose chataida pazvinhu zviri munyika . . . Asi zvingaita sezvinoshamisa kuti ndaingonetseka pamusoro pemari.” Anotsanangura kuti: “Yaishanda zvakawanda. Zvinoita sokuti paunova nezvakawanda, ndipo paunonyanya kunzwa usina kuchengeteka.”

Zita nomukurumbira zvinokosheswa kwazvo nevakawanda nokuti zvinogona kuunza rumbidzo uye kukudzwa. Munyika yanhasi vanhu vanochiva basa rakanaka. Kuva nezvipo kana unyanzvi husina vakawanda kungabatsira kuti tizviitire zita. Vamwe vangatirumbidza, vangaremekedza chaizvo pfungwa dzedu, uye vangada kuti tivadewo. Zvose izvi zvingatifadza nokutigutsa. Zvisinei, pakupedzisira zvinopera. Soromoni akanga aine mbiri yose nesimba zvingava namambo, asi akati: “Munhu wakachenjera wakafanana nebenzi pakusarangarirwa . . . ; nokuti zvinozokanganwikwa.” (Muparidzi 2:16) Zita kana mukurumbira hazvipi munhu upenyu.

Mumwe muvezi wematombo anonzi Celo akasvika pakukoshesa chimwe chinhu chinokosha kwazvo kupfuura zita. Zvaakanga aine chipo, akakwanisa kupinda chikoro chakavandudza unyanzvi hwake. Nenguva isipi basa rake rakarumbidzwa mumapepa uye nevaongorori vezvigadzirwa. Zvivezwa zvake zvakawanda zvakaratidzwa mumaguta makuru omuEurope. Celo anoti: “Ndinofanira kubvuma kuti kuveza kwaikosha kwazvo muupenyu hwangu. Zvisinei, ndakasvika pakuziva kuti, kupfuurira nebasa rangu kwaizofanana nokushumira vanatenzi vaviri. (Mateu 6:24) Ndakanzwisisa kuti chinhu chinokosha chandaigona kuita kwaiva kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Saka ndakasarudza kusiya basa rangu rokuveza.”

Chii Chinonyanya Kukosha?

Sezvo kusina chinhu chinokosha pasina upenyu, chii chatingawana chichaita kuti tirambe tichirarama? Upenyu hwose hunobva kuna Jehovha Mwari. (Pisarema 36:9) Zvechokwadi, “naye tine upenyu uye tinofamba uye tiripo.” (Mabasa 17:28) Anopa upenyu husingaperi sechipo kune vaya vaanoda. (VaRoma 6:23) Tinofanira kuitei kuti tiwane chipo ichi?

Kuwana chipo choupenyu husingaperi kunotsamira pakuva noukama hwepedyo naJehovha. Kana zvakadaro, nyasha dzake ndidzo dzinonyanya kukosha kupfuura chinhu chipi nechipi chatingava nacho. Kana tikadziwana, tinotarisira kufara zvechokwadi nokusingaperi. Zvisinei, pasina nyasha dzaMwari tingasavapo zvachose. Saka zviri pachena kuti chinhu chose chingatibatsira kuva noukama hwakanaka naJehovha ndicho chinonyanya kukosha.

Zvatinofanira Kuita

Kubudirira kwedu kunotsamira pakuwana kwedu zivo. Bhaibheri, Shoko raJehovha, ndiro rinopa zivo yakarurama. Ndiro chete rinotiudza zvatinofanira kuita kuti tifadze Mwari. Saka tinofanira kunyatsodzidza Magwaro. Kudzidza nokushingaira kwose kwatingaita nezvaJehovha Mwari naJesu Kristu kunoguma ‘nezivo inoreva upenyu husingaperi.’ (Johani 17:3) Zivo yakadaro ipfuma inofanira kukosheswa!—Zvirevo 2:1-5.

Zivo yatinowana muShoko raMwari inoita kuti titore danho rinotevera—kutenda muna Jesu Kristu. Jehovha akataura kuti vose vanouya kwaari vanofanira kudaro nokuna Jesu. (Johani 14:6) Chaizvoizvo, “hapana mumwe angaponesa vanhu.” (Mabasa 4:12) Kupona kwatichazoita kunotsamira, kwete ‘pasirivha kana pandarama . . . , asi paropa rinokosha raKristu.’ (1 Petro 1:18, 19) Tinofanira kuratidza kutenda kwedu nokudavira dzidziso dzaJesu nokutevedzera muenzaniso wake. (VaHebheru 12:1-3; 1 Petro 2:21) Chibayiro chake chinokosha zvechokwadi! Kana zvachinobatsira zvikashandiswa, zvingaratidza zvichava zvakaita nguva yemberi isingagumi yevanhu vose. Kana chashandiswa zvizere kwatiri, tinopiwa chipo chinokosha zvechokwadi choupenyu husingaperi.—Johani 3:16.

Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Kuda Jehovha zvinoreva ku“chenget[a] mirayiro yake.” (1 Johani 5:3) Mirayiro yake inoda kuti tirambe takaparadzana nenyika, tirambe tiine mufambiro wakanaka, uye titsigire nokuvimbika Umambo hwake. Ndiyo nzira yatino‘sarudza nayo upenyu’ panzvimbo porufu. (Dheuteronomio 30:19) Kana ‘tikaswedera pedyo naMwari, achaswedera pedyo nesu.’—Jakobho 4:8.

Kuvimbiswa nyasha dzaMwari ndiko kunonyanya kukosha kupfuura pfuma yose yenyika. Vane nyasha dzaMwari ndivo vanhu vakapfuma kwazvo panyika! Saka, ngatiedzei kuwana pfuma inokosha zvechokwadi—kutenderwa naJehovha. Nepatinogona napo, ngatiteererei zano romuapostora Pauro rinoti: “Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda, batisisa upenyu husingaperi.”—1 Timoti 6:11, 12.

[Mifananidzo iri papeji 21]

Chii chaunonyanya kukoshesa? Mari, zvinhu, zita, kana kuti chimwewo chinhu here?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tinofanira kunyatsodzidza Magwaro