Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukumbira Ruregerero—Kunokosha Kuti Pave Norugare

Kukumbira Ruregerero—Kunokosha Kuti Pave Norugare

Kukumbira Ruregerero—Kunokosha Kuti Pave Norugare

“KUKUMBIRA ruregerero kune simba. Kunogadzirisa kusawirirana pasina kurwa, kunogadzirisa makakatanwa pakati pemarudzi, kunoita kuti hurumende dzibvume kutambura kwevagari vomunyika yadzo, uye kunogadzirisazve ukama hwevanhu.” Akanyora kudaro Deborah Tannen, ane mabhuku anotengwa chaizvo uye nyanzvi yemitauro yokuGeorgetown University muWashington, D.C.

Bhaibheri rinosimbisa kuti kukumbira ruregerero kwechokwadi inzira inowanzoshanda kugadzirisazve ukama hunenge hwakanganisika. Somuenzaniso, mumufananidzo waJesu womwanakomana akarasika, pakadzoka mwanakomana kumusha ndokukumbira ruregerero nomwoyo wose, baba vake vaida kuita zvinopfuura kungomugamuchirazve mumhuri yavo. (Ruka 15:17-24) Chokwadi, munhu haafaniri kudada kusvika pakutadza kuzvininipisa, okumbira ruregerero, uye otsvaka kukanganwirwa. Ichokwadi kuti kuvanhu vanozvininipisa, kukumbira ruregerero hachisi chinhu chakaoma kuita.

Simba Rokukumbira Ruregerero

Tinowana muenzaniso wesimba rokukumbira ruregerero kuna Abhigairi, mumwe mukadzi akachenjera womunguva yevaIsraeri, kunyange zvazvo aikumbirira ruregerero pamusana pokutadza kwainge kwaita murume wake. Pavaigara murenje, Dhavhidhi, uya akazova mambo wevaIsraeri, pamwe chete nevarume vaaiva navo vakadzivirira boka remakwai aNabhari, murume waAbhigairi. Asi, majaya aDhavhidhi paakakumbira chingwa nemvura, Nabhari akaadzosa ari maoko chete nemashoko okutuka. Agumbuka, Dhavhidhi akatungamirira varume vanenge 400 kuti varwise Nabhari neimba yake. Aziva zvakanga zvaitika, Abhigairi akabuda kundosangana naDhavhidhi. Paakamuona, akawira pasi nechiso chake patsoka dzake. Ndokubva ati: “Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.” Abhigairi akabva atsanangura mamiriro acho ezvinhu ndokupa Dhavhidhi chipo chezvokudya nezvokunwa. Nokudaro, akabva ati: “Kwira hako norugare kumba kwako; tarira, ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.”—1 Samueri 25:2-35.

Kuzvininipisa kwaAbhigairi pamwe chete nemashoko ake okukumbira ruregerero nokuda kwounhu hwomurume wake hwokuvirima zvakaponesa imba yake. Dhavhidhi akatomutenda nokuti akaita kuti arege kuva nemhosva yeropa. Kunyange zvazvo akanga asiri Abhigairi akanga abata Dhavhidhi nevarume vake zvisina kunaka, akabvuma mhosva yemhuri yake ndokuita rugare naDhavhidhi.

Mumwe muenzaniso womunhu aiziva nguva yokukumbira ruregerero ndewomuapostora Pauro. Imwe nguva, aifanira kuzvidzivirira pamberi peSanihedrini, dare repamusoro rechiJudha. Atsamwiswa nemashoko echokwadi aPauro, mupristi mukuru Ananiyasi akarayira vainge vakamira naPauro kuti vamurove pamuromo. Paakadaro Pauro akamuti: “Mwari achakurova, iwe chidziro chakadzururwa nevhu jena. Unogara kuti unditonge maererano noMutemo asi, uchidarika Mutemo wacho, unorayira kuti ndirohwe here?” Vacherechedzi pavakapomera Pauro kuti ainge atuka mupristi mukuru, muapostora akabva angobvuma kuti ainge akanganisa, achiti: “Hama, handina kuziva kuti ndiye mupristi mukuru. Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Haufaniri kutaura zvakaipa pamusoro pomutongi wevanhu vako.’”—Mabasa 23:1-5.

Zvakanga zvataura Pauro—zvokuti munhu anenge agadzwa kuva mutongi haafaniri kuita zvechisimba—zvakanga zvakarurama. Kunyange zvakadaro, akakumbira ruregerero nokuda kwokutaura asingazivi kumupristi mukuru nenzira yaigona kuonekwa sokusaremekedza. * Kukumbira ruregerero kwaPauro kwakaita kuti Sanihedrini iteerere zvaaida kutaura. Sezvo Pauro aiziva kusawirirana kwenhengo dzedare, akavaudza kuti akanga ari kutongerwa kudavira kwake rumuko. Zvakaguma nokukakavadzana kukuru, vaFarisi vachitsigira Pauro.—Mabasa 23:6-10.

Tingadzidzei mumienzaniso miviri iyi yomuBhaibheri? Muzviitiko zvacho zvose, kuratidza kuzvidemba kwechokwadi kwakazarurira kumwezve kukurukurirana. Saka mashoko okukumbira ruregerero anogona kutibatsira kuita rugare. Hungu, kubvuma zvikanganiso zvedu uye kukumbira ruregerero nokuda kwokukuvara kunenge kwaitwa kungaita kuti pave nemikana yokukurukurirana kunovaka.

‘Asi Handina Chandatadza’

Kana taona kuti mumwe munhu akagumburwa nezvatakataura kana zvatakaita, tingafunga kuti munhu wacho haanzwisisi kana kuti haatani kugumbuka. Asi, Jesu Kristu akarayira vadzidzi vake kuti: “Zvino, kana uri kuunza chipo chako kuatari wobva wayeuka ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende; tanga waita rugare rwako nehama yako, uye ipapo, paunenge wadzoka, ipa chipo chako.”—Mateu 5:23, 24.

Somuenzaniso, hama ingafunga kuti waitadzira. Mumamiriro ezvinhu akadaro, Jesu anoti unofanira kuenda ‘woita rugare rwako nehama yako,’ pasinei nokuti uri kufunga kuti waitadzira kana kuti kwete. Maererano nemashoko acho echiGiriki, shoko rakashandiswa naJesu pano ‘rinoreva kuwirirana pashure pokuvengana.’ (Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words) Zvechokwadi, kana vanhu vaviri vatadza kuwirirana, vose vangangove nezvevanenge vakanganisa, sezvo vose vasina kukwana, uye vachitadza. Izvi zvinowanzoda kuti vataurirane vowirirana.

Nyaya yacho haisi pakuti ane mhosva ndiani asina ndiani, asi kuti ndiani achatanga kuita kuti pave norugare. Muapostora Pauro paakaona kuti vaKristu vaiva muKorinde vakanga vava kuendesana kumatare enyika pamusana penhau dzakadai sokusabvumirana mune zvemari, akavaruramisa achiti: “Nei musingasvi henyu mazvirega muchiitirwa zvakaipa? Nei musingasvi henyu mazvirega muchibiridzirwa?” (1 VaKorinde 6:7) Kunyange zvazvo Pauro akataura izvi kuti vaKristu vaainamata navo vasazvifumure mumatare enyika pavanenge vatadza kuwirirana, zviri kurehwa zvakajeka: Rugare nevatinonamata navo runokosha kwazvo kudarika kuratidza kuti ane mhosva ndiani uye asina ndiani. Kuramba tichifunga izvi kunoita kuti zvive nyore kukumbira ruregerero kana mumwe munhu afunga kuti tamutadzira.

Iva Wechokwadi

Kunyange zvakadaro, vamwe vanhu vanozonyanyisa pakukumbira ruregerero. Somuenzaniso, muJapan, shoko rokuti sumimasen, shoko rinowanzoshandiswa pakukumbira ruregerero, rinonzwika kakawanda kwazvo. Ringatoshandiswa kuratidza kuonga, mupfungwa yokunzwa usina kugadzikana nemhaka yokutadza kudzorera zvakanaka zvaunenge waitirwa. Zvarinoshandiswa pakawanda, vamwe vangafunga kuti shoko racho rinoshandiswa zvakanyanya uye vangasava nechokwadi kana vaya vanoritaura vari kutaura chokwadi. Nzira dzakasiyana-siyana dzokukumbira ruregero dzingaita sedzinoshandiswa zvisiri izvo mune dzimwewo tsika.

Mumutauro chero upi zvawo, zvinokosha kuva wechokwadi pakukumbira ruregerero. Mataurirwe anoitwa mashoko acho nemabudiro anoita inzwi zvinofanira kuratidza kuzvidemba kwechokwadi. Jesu Kristu akadzidzisa vadzidzi vake muMharidzo yake yepaGomo kuti: “Ingoregai shoko renyu rokuti Hungu rireve Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa; nokuti zvinopfuura izvi zvinobva kune wakaipa.” (Mateu 5:37) Kana uchikumbira ruregerero, ratidza kuti ndizvo zvauri kureva! Kuenzanisira: Mumwe murume akanga akamira pamutsetse unotariswa zvinhu kunhandare yendege akakumbira ruregerero sutukesi yake payakaguma mumwe mukadzi aiva akamira pamberi pake. Maminitsi mashomanana gare gare, mutsetse wati fambe, sutukesi iya yakaguma mukadzi uyu zvakare. Murume wacho akakumbirazve ruregerero zvinyoro-nyoro. Pazvakazoitikazve imwe nguva, shamwari yomukadzi wacho yakaudza murume uyu kuti dai akanga achirevesa, aifanira kuva nechokwadi chokuti sutukesi iyi yaisazogumazve mukadzi wacho. Ndizvo chaizvo, kukumbira ruregerero zvechokwadi kunofanira kuteverwa nokutsunga kusapamha chikanganiso chacho.

Kana tiri pachokwadi, kukumbira kwedu ruregerero kuchasanganisira kubvuma zvipi nezvipi zvatinenge tatadza, kutsvaka kukanganwirwa, uye kuedza nepatinogona napo kugadzirisa zvakanganiswa. Ukuwo, munhu anga agumburwa anofanira kubva akanganwira amutadzira anenge apfidza. (Mateu 18:21, 22; Mako 11:25; VaEfeso 4:32; VaKorose 3:13) Sezvo vose vanobatanidzwa vasina kukwana, kuita kuti pave norugare hakungofambi zvakanaka nguva dzose. Kunyange zvakadaro, mashoko okukumbira ruregerero ane simba pakuita kuti pave norugare.

Pazvinenge Zvisina Kukodzera Kukumbira Ruregerero

Kunyange zvazvo mashoko okuzvidemba nokunzwa urombo achinyaradza uye achibatsira kuti pave norugare, munhu akachenjera anorega kushandisa mashoko akadaro pazvinenge zvisina kukodzera. Somuenzaniso, ngatiti nyaya yacho inosanganisira kutendeka kuna Mwari. Jesu Kristu paaiva pasi pano “akazvininipisa akava anoteerera kusvikira parufu, hungu, rufu padanda rokutambudzikira.” (VaFiripi 2:8) Zvisinei, haana kukumbira ruregerero nokuda kwezvaaitenda kuti asatambure. Uye Jesu haana kukumbira ruregerero kumupristi mukuru paakarayira kuti: “Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari!” Pane kuti akumbire ruregerero achitya, Jesu akapindura akashinga kuti: “Iwe wazvitaura. Asi ndinoti kwamuri imi vanhu, Kubvira zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kuruoko rworudyi rwesimba achiuya ari pamusoro pemakore okudenga.” (Mateu 26:63, 64) Jesu haana kumbobvira afunga kuita rugare nomupristi mukuru achirega kuva akatendeka kuna Baba vake, Jehovha Mwari.

VaKristu vanoremekedza uye vanokudza vanhu vane zviremera. Asi, havafaniri kukumbira ruregerero pamusana pokuteerera kwavo Mwari uye kuda hama dzavo.—Mateu 28:19, 20; VaRoma 13:5-7.

Pakunenge Kusisina Chinovhiringidza Rugare

Nhasi, tinokanganisa nokuti takagara nhaka kusakwana uye chivi kubva kuna tateguru wedu Adhamu. (VaRoma 5:12; 1 Johani 1:10) Adhamu akava nechivi nemhaka yokupandukira kwaakaita Musiki. Zvisinei, pakutanga, Adhamu naEvha vaiva vakakwana uye vasina chivi, uye Mwari akapikira kuti achaita kuti vanhu vavezve vakakwana. Achabvisa chivi uye nezvose zvachinokonzera.—1 VaKorinde 15:56, 57.

Chimbofunga kuti izvozvo zvicharevei! Muzano rake remashandisirwe orurimi, Jakobho munun’una waJesu nokunaamai akati: “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” (Jakobho 3:2) Munhu akakwana anokwanisa kudzora rurimi rwake zvokuti haafaniri kukumbira ruregerero nokusarushandisa zvisiri izvo. Anokwanisa “kudzora muviri wake wose.” Zvichafadza kwazvo patichava vakakwana! Zvadaro, panenge pasisina zvinoita kuti vanhu vasave norugare pakati pavo. Zvisinei, panguva ino, kukumbira ruregerero kwechokwadi uye kwakakodzera nokuda kwechinhu chinenge chakanganiswa kunobatsira kwazvo kuti pave norugare.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Zvichida kutadza kunyatsoona kwaPauro ndiko kwakamutadzisa kuziva mupristi mukuru uyu.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Tingadzidzei mumuenzaniso waPauro?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kana vanhu vose vakwana, panenge pasisina chinovhiringidza rugare