Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha—Mwari Akakodzera Kuzivikanwa

Jehovha—Mwari Akakodzera Kuzivikanwa

Jehovha—Mwari Akakodzera Kuzivikanwa

KUNGAVA kuti uri kurasikirwa nechimwe chinhu chinokosha muupenyu here? Kana uchiziva zvishomanana nezvaMwari, zvechokwadi uri kurasikirwa. Nei? Nokuti, sezvakawanikwa nemamiriyoni evanhu, kusvika pakuziva Mwari weBhaibheri kunounza mibayiro mikuru muupenyu. Mibayiro iyi inotanga pakarepo ichisvika munguva yemberi.

Jehovha Mwari, Munyori weBhaibheri, anoda kuti tisvike pakumuziva. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” Anoziva kuti kumuziva kwedu kunotibatsira zvikuru. “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira.” Tinobatsirwa sei nokuziva Jehovha Mwari, Wokumusorosoro?—Pisarema 83:18; Isaya 48:17.

Kumwe kubatsirwa chaiko ndekwokuti tinowana nhungamiro pazvinetso zvezuva nezuva, tariro yakasimba yenguva yemberi, uye rugare rwepfungwa. Uyezve, kunyatsoziva Jehovha kunotiita kuti tive nemafungiro akasiyana panhau dzinokosha zvikuru dzinotarisana nevanhu pasi pose mazuva ano. Inhau dzipi idzodzo?

Upenyu Hwako Hune Chinangwa Here?

Pasinei nokufambira mberi kwevanhu muunyanzvi hwokugadzira zvinhu, nhasi vanhu vachiri kungobvunza mibvunzo mimwe chete inokosha yokuti: ‘Nei ndiri pano? Ndiri kuenda kupi? Chinangwa choupenyu ndechei? Kana munhu asingawani mhinduro dzinogutsa, upenyu hwake huchava husina chinangwa chaicho. Vanhu vakawanda vanodzishayiwa here? Kuongorora kwakaitwa muGermany mukupera kwema1990 kwakazivisa kuti hafu yevakapindura kakawanda kana kuti dzimwe nguva vaifunga kuti upenyu hunoita sohusina chinangwa. Zvichida zvakadarowo kwaunogara.

Pasina chinangwa muupenyu, munhu ane hwaro huduku hwokuvakira zvinangwa zvake. Vakawanda vanoedza kudzikamisa kusaziva uku nokutsvaka basa rinobudirira kana kuti nokuunganidza pfuma. Kunyange zvakadaro, kusaziva kwacho kungava kunovhiringidza. Kusava nechinangwa muupenyu kunotovhiringidza vamwe kusvika papfungwa yokunzwa vasingachadi kurarama. Maererano neInternational Herald Tribune, izvozvo ndizvo zvakaitika kune imwe tsvarakadenga iyo yakakurira “mumutambarakede uye iine zvose zvayaida.” Kunyange zvayo yairarama muumbozha, yaiva yakasurukirwa uye yaifunga kuti upenyu hwayo hwakanga husina chinangwa. Yakanwa mapiritsi ehope ndokuwanikwa yakafa. Unogona kunge uchiziva nezvevamwe vakasurukirwa vane upenyu hwakaguma zvinosuruvarisa.

Kunyange zvakadaro, wakambonzwa vanhu vachitaura kuti sayenzi inogona kutiudza zvose pamusoro poupenyu here? Pepanhau rinobuda pavhiki rokuGermany rinonzi Die Woche rinoti: “Kunyange zvazvo sayenzi ingava yechokwadi, inoperevedza mune zvokunamata. Kushanduka-shanduka kunoita sokusingagutsi, uye kunyange fizikisi yepamusorosoro, nematsananguriro ayo akasiyana-siyana, haipi nyaradzo ipi neipi uye kuchengeteka.” Zvakawanikwa nesayenzi zvakabatsira kwazvo kurondedzera upenyu munzira dzahwo dzakasiyana-siyana uye kutsanangura musikirwo uye zvinhu zvinochengetedza upenyu. Asi, sayenzi haigoni kutiudza chikonzero nei tiri pano uye kwatiri kuenda. Kana tikavimba nesayenzi chete chete, mibvunzo yedu pamusoro pechinangwa choupenyu inoramba isina kupindurwa. Sezvakashumwa nepepanhau rinonzi Süddeutsche Zeitung, mugumisiro wacho ndowe“kudiwa kwenhungamiro yakawanda.”

Ndiani ari nani pakupa nhungamiro yakadaro kunze kwoMusiki? Sezvo akaisa vanhu pasi pano pakutanga, anofanira kuziva chikonzero nei vari pano. Bhaibheri rinotsanangura kuti Jehovha akasika vanhu kuti vazadze pasi ndokuritarisira. Muzviito zvavo zvose, vanhu vaifanira kuratidza unhu hwake, hwakadai sokururamisira, uchenjeri, uye rudo. Tangonzwisisa chete chikonzero nei Jehovha akatisika, tinobva taziva chikonzero nei tiri pano.—Genesi 1:26-28.

Ungaitei?

Zvakadini kana iwe usina kumbowana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yokuti: “Nei ndiri pano? Ndiri kuenda kupi? Chinangwa choupenyu ndechei?’ Bhaibheri rinorumbidza kuti usvike pakunyatsoziva Jehovha. Kutaura zvazviri, Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” Unokurudzirwawo kukudziridza unhu hwaMwari, zvikurukuru rudo, uye kuti chive chinangwa chako kurarama pasi poUmambo hwaMwari huri kuuya hunotongwa naMesiya. Ipapo uchava nechinangwa muupenyu uye tariro yakaisvonaka, yakachengeteka yenguva yemberi. Mibvunzo inokosha yanga yagara ichikunetsa zvimwe ichapindurwa.—Johani 17:3; Muparidzi 12:13.

Izvozvo zvine zvazvingachinja here? Hans ndiye murume anofanira kuziva. * Makore akapfuura aiva nokutendawo zvakwo muna Mwari, asi kutenda kwaHans kwakanga kusina kuchinja upenyu hwake. Hans aifadzwa nezvinodhaka, nounzenza, nemhosva duku, uye midhudhudhu. “Asi upenyu hwakanga husingagutsi chaizvoizvo,” anotsanangura kudaro. Paaiva mumakore ake epakati pokuma20, Hans akasarudza kusvika pakuziva Mwari kuburikidza nokunyatsoverenga Bhaibheri. Paakangosvika pakunyatsoziva Jehovha ndokunzwisisa chinangwa choupenyu, Hans akachinja mararamiro ake ndokubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Ave ari muushumiri hwenguva yakazara kwemakore gumi apfuura. Anotaura nomwoyo wose kuti: “Kushumira Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa muupenyu. Hapana chimwe chinoenzaniswa nakwo. Kuziva Jehovha kwakaita kuti ndive nechinangwa muupenyu.”

Chokwadi, chinangwa choupenyu haisiriyo nhau chete inonetsa vakawanda. Sezvo mamiriro ezvinhu munyika anoramba achiipa, vanhu vakawanda vanotambudzwa neimwezve nhau inokosha.

Nei Zvakaitika?

Panoitika njodzi, awirwa nayo anowanzobvunza kuti: Nei zvakaitika? Kukwanisa kurarama uchifunga nhamo zvikurukuru kunotsamira pakuwana mhinduro yakarurama yomubvunzo iwoyo. Kana pasina mhinduro inogutsa, kutambura kwacho kunopfuurira uye munhu wacho angashungurudzika. Somuenzaniso, funga zvakaitika kuna Bruni.

“Makore akati apfuura mwanasikana wangu muduku akafa,” anotsanangura kudaro Bruni, zvino amai vezera repakati nepakati. “Ndaitenda muna Mwari, saka ndakatsvaka nyaradzo kumupristi womunharaunda. Akandiudza kuti Mwari akanga atora Susanne achimuendesa kudenga, zvino kwaakanga ava ngirozi. Yaisangova nyika yakandipoteredza yakanga yaguma nokufa kwake asi ndakavenga Mwari nokumutora.” Bruni akaramba achirwadziwa uye achitambura kwemakore anoverengeka. “Mumwe weZvapupu zvaJehovha akazondiratidza kubva muBhaibheri kuti ndakanga ndisina chikonzero chokuvenga Mwari. Jehovha akanga asina kutora Susanne achimuendesa kudenga, uye haasi ngirozi. Akarwara nemhaka yokusakwana kwevanhu. Susanne akarara murufu, achimirira kumutswa naJehovha. Ndakadzidzawo kuti akaita vanhu kuti vararame nokusingaperi muparadhiso yepasi, uye izvi zvichakurumidza kuitika. Pandakangotanga kunzwisisa kuti Jehovha munhu worudzii chaizvo, ndakaswedera pedyo naye, uye kurwadziwa kwangu kwakatanga kuderera.”—Pisarema 37:29; Mabasa 24:15; VaRoma 5:12.

Mamiriyoni evanhu anotambura njodzi munzira dzakasiyana-siyana: nhamo yako woga, hondo, nzara, kana kuti njodzi dzinongozviitikira dzoga. Bruni akanyaradzwa paakangoona kubva muBhaibheri kuti Jehovha haafaniri kupiwa mhosva yenjodzi dzinoitika, kuti haana kumboronga kuti vanhu vatambure, uye kuti munguva pfupi iri kutevera achagumisa uipi. Chokwadi chokuti uipi huri kuwedzera chiratidzo chokuti panguva ino tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” enyika ino. Kuchinja kunoshamisa kwatinopanga tose kwava pedyo.—2 Timoti 3:1-5; Mateu 24:7, 8.

Kusvika Pakuziva Mwari

Hans naBruni vaiwanzova nepfungwawo zvayo pamusoro paMwari. Vaitenda maari vasingazivi zvakawanda nezvake. Pavakapedza nguva vachitsvaka kuziva Jehovha zvakarurama, kuedza kwavo kwakawana mubayiro. Vakawana mhinduro dzakakodzera dzemibvunzo inokosha zvikuru yomuzuva redu. Izvi zvakavapa rugare rwepfungwa uye tariro yakachengeteka yenguva yemberi. Mamiriyoni evashumiri vaJehovha akasangana nezvakadaro.

Kusvika pakuziva Jehovha kunotanga nokunyatsoongorora Bhaibheri, iro rinotiudza nezvake uye zvaanoda kwatiri. Izvozvo ndozvakaitwa nevamwe muzana remakore rokutanga. Munyori wenhau dzakaitika uye chiremba Ruka anoshuma kuti vomuungano yechiJudha muBheriya, muGirisi, “vakagamuchira shoko [kuna Pauro naSirasi] nepfungwa dzinoda zvikuru, vachinyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”—Mabasa 17:10, 11.

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaisanganawo pamwe chete muungano dzavo. (Mabasa 2:41, 42, 46; 1 VaKorinde 1:1, 2; VaGaratiya 1:1, 2; 2 VaTesaronika 1:1) Ndizvo zvazvakaitawo nhasi. Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinoungana pamisangano yakarongerwa zvikurukuru kubatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha uye kuti vawane mufaro mukumushumira. Kusonganirana neZvapupu zvomunharaunda kunobatsira zvikuru. Sezvo vanhu vachiva saMwari wavanonamata zvishoma nezvishoma, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza unhu—kunyange mupfungwa isina kukwana—uhwo hunoratidzwa naJehovha pachake. Saka kuungana neZvapupu kunotibatsira kusvika pakuziva Jehovha zviri nani.—VaHebheru 10:24, 25.

Izvozvo zvinoita sebasa rakaoma here kungosvika pakuziva Munhu mumwe chete? Zvechokwadi zvinoda kushingirira. Asi izvozvo hazvisi zvechokwadi here nezvezvinhu zvakawanda muupenyu zvaunoda kuwana? Funga nezvokushingirira kunoita mutambi wepamusoro pakuzvirovedza. Somuenzaniso, Jean-Claude Killy akahwinha menduru yegoridhe yokutserendendeka mumutambo weOlympic kuFrance anotaura izvi nezvezvazvinoda kuva mukwikwidzi anobudirira wemitambo yenyika dzakawanda: “Unofanira kutanga pachine makore 10 makwikwi acho asati asvika wozvironga kwemakore uye wozvifunga zuva nezuva . . . Ibasa rezuva rimwe nerimwe regore, mupfungwa nomumuviri.” Nguva iyoyo yose uye kushingirira kuti uzongokwikwidza mumujaho ungangotora maminitsi gumi chete! Zvingawanikwa pakusvika pakuziva Jehovha zvakatokura kwazvo, uye zvinogara kwenguva refu.

Ukama Hunoramba Huchiwedzera

Ndiani anoda kukundikana kuwana chimwe chinhu chinokosha muupenyu? Hapana. Saka, kana uchifunga kuti upenyu hwako hahuna chinangwa chechokwadi kana kuti kana uchida tsanangudzo yechikonzero nei njodzi ichiitika, ipapo iva akatsunga kusvika pakuziva Jehovha, Mwari weBhaibheri. Kudzidza nezvake kungaita kuti upenyu hwako huve nani nokusingaperi.

Tichazomborega kudzidza pamusoro paJehovha here? Vaya vave vachimushumira kwemakumi emakore vachiri kushamiswa nezvavakadzidza pamusoro pake uye nezvinhu zvitsva zvavachiri kuramba vachidzidza nezvake. Kudzidza zvinhu zvakadaro kunoita kuti tifare uye kunoramba kuchitiswededza pedyo naye. Ngatidzokororei pfungwa dzomuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Haiwa ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo! Kutonga kwake hakunzvereki sei uye nzira dzake hadzirondeki sei! Nokuti ‘ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kana kuti ndiani akava mupi wezano wake?’”—VaRoma 11:33, 34.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Vanhu vachiri kungobvunza mibvunzo mimwe chete inokosha yokuti: ‘Nei ndiri pano? Ndiri kuenda kupi? Chinangwa choupenyu ndechei?’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Pandakangotanga kunzwisisa kuti Jehovha munhu worudzii chaizvo, ndakaswedera pedyo naye”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Kushumira Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa muupenyu. Hapana chimwe chinoenzaniswa nakwo. Kuziva Jehovha kwakaita kuti ndive nechinangwa muupenyu”