Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zuva Rinofanira Kuyeukwa

Zuva Rinofanira Kuyeukwa

Zuva Rinofanira Kuyeukwa

RAIVA zuva rakanyatsochinjira mararamiro evanhu kune zvakavanakira nokusingaperi. Hapanazve rimwe zuva munhau rakava rinokosha pane remangwana revanhu. Raiva zuva iro Jesu akapedza zvose izvo akanga avinga pasi pano. Akarovererwa padanda rokutambudzikira, akafema kokupedzisira ndokushevedzera kuti: “Zvaitika!” (Johani 19:30) Jesu akanga avingei?

“Mwanakomana womunhu akauya,” rinodaro Bhaibheri, “kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Jesu akapa mweya wake, kana kuti upenyu, kuti vanhu vasunungurwe pachivi norufu zvokuberekwa nazvo. Chokwadi, “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Chibayiro chaJesu chinokosha zvikuru!

Zuva rakafa Jesu izuva rokuyeuka pamusana pechimwezve chikonzero. Pazuva iroro Mwanakomana waMwari akadzidzisa vaapostora vake zvidzidzo zvinokosha zvaizovabatsira kuramba vakatendeka. Mashoko ake okupedzisira anofanira kunge akasvika pamwoyo pevadzidzi ivavo zvikuru! Zvii zvaaidzidzisa? Tingabatsirwa sei nezvavakadzidziswa naJesu? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.