Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shingai! Ini Ndakunda Nyika”

“Shingai! Ini Ndakunda Nyika”

“Shingai! Ini Ndakunda Nyika”

ZUVA rakafa Jesu—musi wa14 womwedzi wechiJudha unonzi Nisan—rakatanga pakunyura kwezuva musi weChina, March 31, 33 C.E. Manheru iwayo, Jesu nevaapostora vake vakaungana mukamuri repamusoro reimwe imba muJerusarema kuti vachengete Paseka. Sezvaaigadzirira kuti “abve munyika ino aende kuna Baba,” Jesu akaratidza kuti aida vaapostora vake kusvikira kumugumo. (Johani 13:1) Sei? Nokuvadzidzisa zvidzidzo zvakaisvonaka, nokudaro achivagadzirira zvaiva mberi.

Usiku hwacho zvahwaifambira mberi, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Shingai! Ini ndakunda nyika.” (Johani 16:33) Airevei nokutaura ikoko kwakasimba? Neimwe nzira aiti: ‘Uipi huri munyika hahuna kundishatirisa kana kundiita kuti nditsive. Handina kubvumira nyika kuti indimanikidzire kuita zvainoita. Izviwo zvinogona kuva zvakadaro kwauri.’ Zvakadzidzisa Jesu vaapostora vake vakatendeka mumaawa iwayo okupedzisira oupenyu hwake hwepasi pano zvaizovabatsirawo kukunda nyika.

Ndiani angaramba kuti uipi hwakazara munyika nhasi? Tinoita sei nokusaruramisira uye chisimba chisina musoro? Izvi zvinotishatirisa kana kuti zvinotiedza kuti tidzokere shure here? Tinei chokuita nokuora kwetsika dzakatipoteredza? Uyezve, tiri vanhu vasina kukwana uye vane pfungwa dzokutadza, uye tine hondo yokurwisana nezvinhu zviviri: nyika yakaipa yakatipoteredza uye pfungwa dzakaipa dziri matiri. Tinganyatsotarisira kukunda tisingabatsirwi naMwari here? Angatibatsira sei? Tinofanira kukudziridza unhu hupi kuti tidzivise mafungiro enyama? Nokuda kwemhinduro, ngationei zvakadzidzisa Jesu vadzidzi vake vaaida musi wokupedzisira woupenyu hwake pasi pano.

Kunda Kudada Kuburikidza Nokuzvininipisa

Somuenzaniso, funga nezvechinetso chokudada, kana kuti kuzvikudza. Nezvako, Bhaibheri rinoti: “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.” (Zvirevo 16:18) Magwaro anotipawo zano rokuti: “Kana pane munhu anofunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu, ari kunyengera pfungwa dzake.” (VaGaratiya 6:3) Chokwadi, kudada kunoparadza uye kunonyengera. Tinenge takachenjera kana tikavenga ‘kuzvikudza nokudada.’—Zvirevo 8:13.

Jesu nevaapostora vake vaiva nechinetso chokuzvikudza nokudada here? Kanopfuura kamwe, vakaitirana nharo pakati pavo dzokuti ndiani aiva mukuru. (Mako 9:33-37) Pane imwe nguva, Jakobho naJohani vakakumbira zvinzvimbo muUmambo. (Mako 10:35-45) Jesu aida kubatsira vadzidzi vake kuti vasiye mafungiro aya. Saka pavaidya Paseka, akasimuka, akazvisunga chiuno nomucheka, ndokutanga kugeza tsoka dzevadzidzi vake. Haana kusiya mubvunzo wechidzidzo chaaida kuti vadzidze. “Kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu,” akadaro Jesu, “nemiwo munofanira kugezana tsoka.” (Johani 13:14) Kudada kunofanira kutsiviwa nokuzvininipisa.

Kunyange zvakadaro, kudada kwakaoma kukunda. Gare gare manheru iwayo Jesu adzinga Judhasi Isikariyoti, uyo akanga ava kuda kumutengesa, nharo huru dzakamuka pakati pevaapostora 11. Vainetseka nei? Ndiani wavo airatidzika somukuru kupfuura vose! Pane kuvatuka, Jesu akasimbisazve nokushivirira kukosha kwokushumira vamwe. Akati: “Madzimambo emamwe marudzi anovaremedza, uye avo vane simba pamusoro pavo vanonzi Vabetseri. Asi imi, hamufaniri kuva vakadaro. Asi ari mukuru kupfuura vose pakati penyu ngaave somuduku pana vose, uye anoita somukuru ave seanoshumira.” Achivayeuchidza nezvomuenzaniso wake, anotizve: “Ndiri pakati penyu seari kushumira.”—Ruka 22:24-27.

Vaapostora vacho vakanzwisisa here? Zviri pachena kuti vakadaro. Makore gare gare muapostora Petro akanyora kuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchizvininipisa.” (1 Petro 3:8) Zvinokosha zvikuru kuti isuwo tikunde kudada nokuzvininipisa! Tinenge takachenjera kana tikasanyura mukutsvaka mukurumbira, simba, kana kuti chinzvimbo. “Mwari anodzivisa vanozvikudza,” rinodaro Bhaibheri, “asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6) Chirevo chakachenjera chekare chinotiwo: “Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.

Kunda Ruvengo—Sei?

Funga nezvohumwe unhu hunozivikanwa zvikuru munyika—ruvengo. Kunyange rukakonzerwa nokutya, kusaziva, kufungira zvakaipa, kusaruramisira, urudzi, kuparadzana kwemadzinza, kana kuti rusarura ganda, ruvengo runoita soruri kwose kwose. (2 Timoti 3:1-4) Rwakanga rwakapararirawo muzuva raJesu. Vateresi vaiva vanhu vasingadiwi vaivengwa munzanga yechiJudha. VaJudha vakanga vasingafambidzani nevaSamariya. (Johani 4:9) Uye veMamwe Marudzi, kana kuti vaisava vaJudha, vaitsvinyirwa nevaJudha. Zvisinei, nzira yokunamata yakatangwa naJesu yaizogamuchira vanhu vanobva kumarudzi ose. (Mabasa 10:34, 35; VaGaratiya 3:28) Saka norudo akapa vadzidzi vake chimwe chinhu chitsva.

Jesu akati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane.” Vaifanira kudzidza kuratidza rudo urwu, nokuti akaenderera mberi achiti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Murayiro wacho waiva mutsva mukuti wakadarika kuda “wokwako sezvaunozvida iwe.” (Revhitiko 19:18) Munzirai? Jesu akajekesa nyaya yacho, achiti: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai. Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:12, 13) Vaifanira kuzvipira kufirana uye kufira vamwe.

Vanhu vasina kukwana vangabvisa sei ruvengo rwoutsinye muupenyu hwavo? Nokurutsiva norudo rwokuzvipira. Mamiriyoni evanhu vakatendeseka vanobva kumadzinza ose, tsika, chitendero, uye zvematongerwe enyika vari kuita izvozvo chaizvo. Zvino vari kuva nzanga imwe yakabatana, isina ruvengo—ukama hwenyika yose hweZvapupu zvaJehovha. Vanoteerera mashoko akafuridzirwa omuapostora Johani anoti: “Munhu wose anovenga hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” (1 Johani 3:15) VaKristu vechokwadi havarambi kupinda muhondo chete asiwo vanoshanda zvakaoma kuratidzirana rudo.

Kunyange zvakadaro, tinofanira kuva nemafungiro akadini kune vaya vatisinganamati navo uye vangave vachitivenga? Akaturikwa padanda, Jesu akanyengeterera vaimuuraya, achiti: “Baba, vakanganwirei, nokuti havazivi zvavari kuita.” (Ruka 23:34) Varume vaiva vakazara noruvengo pavakataka mudzidzi Stefani nematombo kusvika afa, mashoko ake okupedzisira aiva okuti: “Jehovha, musavapa mhosva yechivi ichi.” (Mabasa 7:60) Jesu naStefani vaida kuitira zvakanakisisa kunyange vaya vaivavenga. Vakanga vasina ruvengo mumwoyo yavo. “Ngatiitirei vose zvakanaka,” Bhaibheri rinotirayira kudaro.—VaGaratiya 6:10.

‘Mubatsiri Nokusingaperi’

Musangano nevaapostora vake 11 vakatendeka zvawaifambira mberi, Jesu akavaudza kuti munguva pfupi yaitevera aisazovazve navo mumuviri. (Johani 14:28; 16:28) Asi akavavimbisa kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi.” (Johani 14:16) Mudzimu mutsvene waMwari ndiwo mubatsiri wacho wakavimbiswa. Waizovadzidzisa zvinhu zvakadzika zveMagwaro nokuvayeuchidza zvavakanga vadzidziswa naJesu paakanga achiita ushumiri hwake pasi pano.—Johani 14:26.

Mudzimu mutsvene ungatibatsira sei nhasi? Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa. Vanhu vakashandiswa kuzivisa uprofita uye kunyora Bhaibheri “vaisundwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:20, 21; 2 Timoti 3:16) Kudzidza kwatinoita Magwaro uye kushandisa zvatinodzidza kunotipa zivo, uchenjeri, kunzwisisa, ruzivo, njere, uye mano okufunga. Saka hatina kugadzirira zviri nani here kutarisana nenhamo dzenyika ino yakaipa?

Mudzimu mutsvene mubatsiri mune imwezve nzira. Mudzimu mutsvene waMwari isimba guru rezvakanaka, unoita kuti vaya vanawo varatidze unhu hwaMwari. “Zvibereko zvomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora,” rinodaro Bhaibheri. Hahusihwo unhu chaihwo hwatinoda here kuti tikunde mafungiro enyama pamusoro pounzenza, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, nezvimwe zvakadai?—VaGaratiya 5:19-23.

Tikavimba nomudzimu waMwari, tinogonawo kuwana “simba rinopfuura romuzvarirwo” rokubata nezvinetso chero zvipi kana kuti kurwadziwa. (2 VaKorinde 4:7) Kunyange mudzimu mutsvene ungasabvisa miedzo, zvechokwadi unogona kutibatsira kuitsungirira. (1 VaKorinde 10:13) “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:13) Mwari anopa simba iroro kuburikidza nomudzimu mutsvene wake. Tinogona kuonga zvikuru mudzimu mutsvene! Unovimbiswa vaya ‘vanoda Jesu uye vanochengeta mirayiro yake.’—Johani 14:15.

“Rambai Muri Murudo Rwangu”

Pausiku hwake hwokupedzisira somunhu, Jesu akaudzawo vaapostora vake kuti: “Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu.” (Johani 14:21) “Rambai muri murudo rwangu,” akavakurudzira kudaro. (Johani 15:9) Kuramba tiri murudo rwaBaba norweMwanakomana kunotibatsira sei mukurwisana nemafungiro akaipa ari matiri uye nenyika yakaipa yakatipoteredza?

Naizvozvo, tingadzora chaizvoizvo mafungiro akaipa kana tisina chido chakasimba chokuita kudaro here? Ikurudziro huru ipi ingavapo kudarika chido chokuva noukama hwakanaka naJehovha Mwari noMwanakomana wake? Ernesto, * mumwe murume wechiduku akarwa hondo yakasimba pamusoro poupenyu hwounzenza hwaakanga ararama kubvira mumakore ake okutanga kuyaruka, anotsanangura kuti: “Ndaida kufadza Mwari, uye ndakadzidza muBhaibheri kuti akanga asingatenderi mararamiro andaiita. Saka ndakasarudza kuva munhu akasiyana, kuti ndichengete mirayiro yaMwari. Mazuva ose, ndaifanira kurwisa pfungwa dzisina kururama, dzakaipa dzairamba dzichidirana mupfungwa dzangu. Asi ndaiva ndakatsunga kukunda muhondo iyi, uye ndairamba ndichinyengetera kuti Mwari andibatsire. Makore maviri apera ndakanga ndarega unzenza hwacho, kunyange ndichiri kuzviomesera.”

Nezvokurwisana nenyika yakatipoteredza, funga munyengetero wokugumisa wakapiwa naJesu asati abuda mukamuri riya repamusoro muJerusarema. Achinyengeterera vadzidzi vake, akanyengetera kuna Baba vake ndokukumbira achiti: “Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa. Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:15, 16) Zvinokurudzira kwazvo! Jehovha anotarisira vaya vaanoda uye anovasimbisa sezvavanoramba vakaparadzana nenyika.

‘Ivai Nokutenda’

Kuchengeta mirayiro yaJesu zvechokwadi kungatibatsira kukurira mukurwisana nenyika yakaipa uye nepfungwa dzedu dzokutadza. Zvisinei, sezvo kukurira kwakadaro kuchikosha, hakugoni kubvisa nyika kana chivi chokuberekwa nacho. Asi hatifaniri kuora mwoyo.

“Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo,” rinodaro Bhaibheri, “asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:17) Jesu akapa upenyu hwake kusunungura muchivi norufu “munhu wose anotenda maari.” (Johani 3:16) Sezvatinowedzera zivo yedu yezvinodiwa naMwari uye zvinangwa zvake, ipapo, ngatiteererei nyevero yaJesu inoti: “Tendai muna Mwari, tendaiwo mandiri.”—Johani 14:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Zita rokutsiva rashandiswa pano.

[Mufananidzo uri papeji 6, 7]

“Rambai muri murudo rwangu,” Jesu akakurudzira vaapostora vake

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kusunungurwa muchivi nezvachinokonzera kuchaitika munguva pfupi inotevera