Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Miromo Inotaura Chokwadi Ichagara Nokusingaperi’

‘Miromo Inotaura Chokwadi Ichagara Nokusingaperi’

‘Miromo Inotaura Chokwadi Ichagara Nokusingaperi’

KUFANANA nekamoto kanogona kupisa koparadza sango rose, runogona kuparadza upenyu hwose hwomunhu. Runogona kunge ruzere nouturu, asi runogonawo kuva “muti woupenyu.” (Zvirevo 15:4) Rune simba roupenyu norufu. (Zvirevo 18:21) Ndiro simba riri munhengo duku iyi, rurimi rwedu, runogona kusvibisa muviri wose. (Jakobho 3:5-9) Tinenge takachenjera kana tikachengetedza rurimi rwedu.

Muchikamu chechipiri chechitsauko 12 chebhuku reBhaibheri raZvirevo, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopa zano rinokosha rinotibatsira kungwarira zvatinotaura. Achishandisa zvirevo zvipfupi asi zvinobatsira, mambo akachenjera anoratidza kuti mashoko anobuda mumuromo ane zvaanobereka uyewo anoratidza zvakawanda nezvounhu hwomunhu ari kuataura. Zano rakafuridzirwa raSoromoni rinokosha kwazvo kuna ani zvake anoda ‘kuchengeta mukova wemiromo yake.’—Pisarema 141:3.

‘Kudarika Kunobata Mumusungo’

“Pakudarika kwemiromo pane musungo wavakaipa; asi wakarurama uchabuda panhamo,” anodaro Soromoni. (Zvirevo 12:13) Kureva nhema kudarika kwemiromo kunova musungo unourayisa munhu anenge achigara achireva nhema. (Zvakazarurwa 21:8) Kusavimbika kungaoneka senzira iri nyore yokutiza kurangwa kana kuti yokubuda mumamiriro ezvinhu asingafadzi. Asi handizvo here kuti kureva nhema kamwe chete kunotungamirira kudzimwe nhema? Kungofanana nomunhu anotanga kubhejera nemari shoma uyo anonzwa achida kubhejera nemari yakawanda sezvaanoedza kuwanazve zvarasika, hazvitori nguva kuti murevi wenhema azviwane abatwa mumusungo wokugara achireva nhema.

Kudarika kwemiromo kunotungamirirazve kumusungo mukuti munhu anorevera vamwe nhema angaguma ava kuzvirevera nhema. Somuenzaniso, zviri nyore kuti murevi wenhema azviti anoziva kwazvo uye akangwara, asi kutaura zvazviri achiziva zvishomanana. Saka anotanga kugara achireva nhema. Zvechokwadi, “anozvibata kumeso kwake, achiti zvakaipa zvake hazvingazivikanwi zvikavengwa.” (Pisarema 36:2) Chokwadi kureva nhema kunobva kwava musungo! Ukuwo, wakarurama, haazvipinzi mumamiriro ezvinhu akaoma kudaro. Kunyange agumirwa, haashandisi rurimi rwake kureva nhema.

‘Zvibereko Zvinogutsa’

“Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka,” anoyambira kudaro muapostora Pauro. “Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Nhungamiro iyi chokwadi inoshanda kune zvatinotaura uyewo kune zvatinoita. Soromoni anoti: “Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.”Zvirevo 12:14.

Muromo “unotaura zvenjere” unobereka zvibereko zvinogutsa. (Pisarema 37:30) Njere dzinoda zivo, uye hakuna munhu anoziva zvose. Munhu wose anofanira kuteerera zano rakanaka orichengeta. “Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake,” anodaro mambo weIsraeri, “asi wakachenjera unoteerera kana achirayirwa.”Zvirevo 12:15.

Jehovha anotipa zano rakanaka neShoko rake uye sangano rake, achishandisa mabhuku anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45; 2 Timoti 3:16) Upenzi kwazvo kuramba zano rakanaka uye kuomerera pakuda kuita zvinhu nenzira yedu! ‘Tinofanira kukurumidza kunzwa’ apo Jehovha, “unodzidzisa vanhu zivo,” paanotipa zano nenzira yake yokutaura.—Jakobho 1:19; Pisarema 94:10.

Munhu akachenjera nebenzi vanoita sei pavanotukwa kana kutsoropodzwa zvisina ruramisiro? Soromoni anopindura kuti: “Kutsamwa kwebenzi kunozivikanwa pakarepo; asi munhu wakachenjera unovanza kunyadziswa kwake.”Zvirevo 12:16.

Paanongobatwa zvisina kunaka, munhu benzi anokurumidza kutsamwa—“pakarepo.” Asi munhu akangwara anonyengeterera mudzimu waMwari kuti azvidzore. Anotora nguva achifungisisa zano reShoko raMwari uye nokuonga anofungisisa mashoko aJesu okuti: “Munhu wose anokurova nembama padama rako rorudyi, umutendeutsire rimwewo.” (Mateu 5:39) Achida kusa“dzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi,” munhu akachenjera anodzora miromo yake kuti asataura asina kufunga. (VaRoma 12:17) Patinovharidzirawo kudaro kunyadziswa kupi nokupi kwatingasangana nako, tinodzivisa kumwe kusawirirana.

‘Rurimi Runoporesa’

Kukanganisa kwemiromo kunogona kukuvadza chaizvo mudare. Mambo wevaIsraeri anoti: “Munhu unoreva zvokwadi, unoparidza zvakarurama; asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera.” (Zvirevo 12:17) Chapupu chechokwadi chinotaura chokwadi nokuti uchapupu hwacho hwakavimbika uye hunovimbwa. Mashoko acho anobatsira kuti kururamisira kuitwe. Ukuwo, chapupu chenhema, chizere nounyengeri uye chinosimudzira kusaruramisira.

“Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo,” anoenderera mberi Soromoni, “asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Mashoko anogona kubaya somunondo, achiuraya ushamwari uye kukonzera zvinetso. Kana kuti anogona kufadza uye kunakidza, achichengetedza ushamwari. Uye kushandisa mazita okutuka, kupopota, kugarotsoropodza, nokuderedza vamwe hazvibayi here zvichikonzera zvironda zvakadzika mupfungwa? Zvakanaka kwazvo kugadzirisa kukanganisa kwatingaita munyaya iyi nemashoko anoporesa okukumbira ruregerero zvechokwadi!

Munguva yakaoma yatiri kurarama, hazvishamisi kuti vakawanda “vane mwoyo yakaputsika” uye “mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) ‘Patinotaura nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza’ uye ‘kutsigira vasina simba,’ tinenge tisiri kushandisa simba rinoporesa remashoko okutaura here? (1 VaTesaronika 5:14) Chokwadi, mashoko okunzwira tsitsi anogona kukurudzira vechiduku vari kurwisa pfungwa dzinokuvadza dzokuda kufanana nevezera ravo kunokuvadza. Kutaura munhu afunga kungaita kuti vakwegura vanzwe kuti vanodiwa. Mashoko omutsa chokwadi anogona kuita kuti zuva revaya vanorwara rifadze. Kunyange kutsiurwa kunobvumika nyore kana kukaitwa “nounyoro.” (VaGaratiya 6:1) Uye rurimi rwomunhu anoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune vaya vanoteerera runoporesa zvechokwadi!

‘Muromo Uchagara Nokusingaperi’

Achishandisa shoko rokuti “muromo” seshoko rakafanana nerokuti “rurimi,” Soromoni anoti: “Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku.” (Zvirevo 12:19) Mashoko okuti “muromo wezvokwadi” muchiHebheru anoshandiswa kutaura chinhu chimwe chete uye anoreva zvakadzama kudarika kungotaura chokwadi. “Anoreva kugara kwechinhu, kuva chechigarire uye kuvimbika,” rinodaro rimwe bhuku. “Mashoko akadai achagara aripo . . . nokusingaperi nokuti achawanika akavimbika, kusiyana norurimi runoreva nhema . . . urwo runganyengera kwekanguva asi rusingagari parunoedzwa.”

“Kunyengedzera kuri mumwoyo yavanofunga mano akaipa,” anodaro mambo akachenjera, “asi vanorayirira zvorugare vane mufaro.” Anotizve: “Wakarurama haangatongowirwi nechakaipa; asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata.”Zvirevo 12:20, 21.

Varongi vezvakaipa vanogona kungokonzera marwadzo nokutambura. Ukuwo, varayiri vorugare vanokohwa kugutsikana kunobva mukuita zvakarurama. Vanofarawo kuona migumisiro yakanaka. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, vanofarirwa naMwari, nokuti “miromo ine nhema, inonyangadza Jehovha; asi vanoita nokutendeka vanomufadza.”Zvirevo 12:22.

‘Muromo Unovanza Zivo’

Achirondedzerazve kumwe kusiyana kwomunhu anongwarira mashoko nomunhu asingangwariri, mambo waIsraeri anoti: “Munhu akachenjera unovanza zivo; asi mwoyo yamapenzi inoparidza upenzi.”Zvirevo 12:23.

Munhu akachenjera, kana kuti akangwara, anoziva nguva yokutaura uye yokusataura. Anenge achivanza zivo nokuzvidzora kuti asashamisira nezvaanoziva. Izvi hazvirevi kuti nguva dzose anovanza zivo yake. Asi kuti anoiratidza zvine ungwaru. Mukusiyana, benzi rinokurumidza kutaura uye kuita kuti upenzi hwaro huoneke. Saka ngatiite kuti mashoko edu ave mashoma uye rurimi rwedu rurege kuzvitutumadza.

Achienderera mberi kuratidza misayano, Soromoni anotaura imwe pfungwa yakajeka maererano nokushingaira uye usimbe. Anoti: “Ruoko rwavasina usimbe ruchabata ushe; asi vane usimbe vachabatiswa chibharo.” (Zvirevo 12:24) Kushanda nesimba kunogona kukonzera kubudirira uye kuzvimirira mune zvemari, usimbe hunogona kutungamirira kuita basa rokumanikidzwa nokuva muranda. “Akapiwa nguva yakakwana,” inodaro imwe nyanzvi, “munhu ane usimbe anova muranda weanoshingaira.”

‘Shoko Rinofadza’

Mambo Soromoni anodzokera kunyaya yokutaura achinyatsotaura zvingori pamunhu wose. “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza,” anodaro, “asi shoko nyoro rinoufadza.”Zvirevo 12:25.

Kune kufunganya nokushushikana kwakawanda kunokonzera kuti mwoyo uremerwe nokusuruvara. Chinodiwa kurerutsa mutoro wacho zvoita kuti mwoyo ufare ishoko rakanaka rokukurudzira rinotaurwa nomunhu anonzwisisa. Asi vamwe vangaziva sei kuti tiri kushushikana zvakanyanya mumwoyo wedu kana tikasataura nezvazvo? Chokwadi, patinonetseka mupfungwa kana kuora mwoyo, tinofanira kuudza munhu ane tsitsi kuti atibatsire. Uyezve, kutaura manzwiro edu kunosunungura zvimwe zviri mumwoyo uri kutambudzika. Saka, zvakanaka kutaura newatakaroorana naye, mubereki, kana shamwari inonzwira tsitsi uye yakakura mumudzimu.

Mashoko api okukurudzira ari nani kudarika aya anowanika muBhaibheri? Saka tinofanira kuswedera pedyo naMwari kuburikidza nokufungisisa Shoko rake rakafuridzirwa nenzira yokuonga. Kufungisisa kwakadaro chokwadi kunogona kuunza mufaro mumwoyo uri kunetseka uye chiedza kumeso akasuwa. Munyori wepisarema anopupurira izvi, achiti: “Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorayirwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.”—Pisarema 19:7, 8.

Nzira Inopa Mubayiro

Achisiyanisa nzira yowakarurama neyowakaipa, mambo waIsraeri anoti: “Wakarurama unoperekedza wokwake zvakanaka; asi nzira yowakaipa inovarasisa.” (Zvirevo 12:26) Wakarurama akangwarira vaanotamba navo—vasonganiri vake uye shamwari dzaanosarudza. Anovasarudza nokuchenjera, achiedza kudzivisa ushamwari hune ngozi. Vakaipa havadaro, vachiramba zano voomerera panzira yavo. Vachitsauswa, vanorasika.

Mambo Soromoni anozoratidza kusiyana kweanoshingaira neane usimbe nemamwezve maonero. “Simbe haibati mhuka yayamutsa,” anodaro, “asi kusava nousimbe ipfuma yomunhu.” (Zvirevo 12:27) Simbe—“munhu ane nungo”—“haibati,” kana kuti “kugocha,” mhuka yayo. (New International Version) Kutaura chokwadi, haapedzi zvaanenge atanga. Ukuwo, kushingaira kwakafanana nokupfuma.

Usimbe hunokuvadza kwazvo zvokuti muapostora Pauro akawana zvakakodzera kunyorera hama dzake dzechiKristu dzaiva muTesaronika achiruramisa vamwe vanhu ikoko vai“famba zvisina kufanira”—vakanga vasingamboshandi asi vaipindira mune zvakanga zvisinei navo. Vakadaro vaipa vamwe vose mutoro unorema. Saka Pauro akavapa zano zvakajeka, achivakurudzira ‘kushanda vakanyarara kuitira kuti vadye zvokudya zvavanozvishandira.’ Uye dai vaizorega kushandisa zano iri rakasimba, Pauro akarayira vamwe vaiva muungano ‘kubva’ pavari—kuvadzivisa, sezviri pachena mukushamwaridzana navo.—2 VaTesaronika 3:6-12.

Tinofanira kufungisisa zano raSoromoni rokushanda nesimba uyewo zano rake rokushandisa rurimi zvakanaka. Ngatiedzei kushandisa nhengo duku iyi kuti iporese uye ifadze sezvatinodzivisa kudarika kwemiromo uye kutevera nzira yakarurama. “Panzira yavakarurama ndipo pane upenyu,” anotivimbisa kudaro Soromoni, “kwainoenda hakuna rufu.”Zvirevo 12:28.

[Mifananidzo iri papeji 27]

“Wakachenjera unoteerera kana achirayirwa”

[Mifananidzo iri papeji 28]

“Rurimi rwowakachenjera runoporesa”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kutaura neshamwari yaunovimba nayo kunogona kunyaradza

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kufungisisa Shoko raMwari nenzira yokuonga kunoita kuti mwoyo ufare