Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvisarudzo—Chinhu Chinotofanira Kuitwa

Kuita Zvisarudzo—Chinhu Chinotofanira Kuitwa

Kuita Zvisarudzo—Chinhu Chinotofanira Kuitwa

“HAPANA chinhu chakaoma, chingakosha zvikuru kudarika kukwanisa kusarudza,” akambodaro Napoleon Bonaparte, mambo wokuFrance wezana remakore rechi19. Ungabvumirana nazvo zvose, sezvo vanhu vachiwanzokoshesa kudzora upenyu hwavo pachavo. Panguva imwe chete, vakadzidza kuti pane imwe nguva kusarudza hakusi nyore.

Kungava kuri nyore kana kwakaoma, kunotofanira kuitwa. Tinofanira kusarudza zuva nezuva. Pashure pokumuka mangwanani, tinofanira kusarudza zvatichapfeka, zvatichadya mangwanani, uye mabatiro atichaita zvimwe zvinhu zvakawanda-wanda zuva racho. Zvakawanda zvezvisarudzo izvi hazvinyanyi kukosha. Kashoma kufunga nezvazvo. Hatiwanzoshayi hope tichinetseka kana zvanga zviri zvokuchenjera kana zvokusachenjera.

Ukuwo, zvimwe zvisarudzo zvine migumisiro inosvika kure. Vechiduku vakawanda munyika yanhasi vanofanira kusarudza kuti ndezvipi zvavanoda kuzoita. Vangafanira kusarudza kuti rudzii rwedzidzo rwavanoda uye kuti vanoda kudzidza kusvika papi. Pakupedzisira, vakawanda vavo vachasarudza kana vangaroora kana kuramba vasina kuroora. Vaya vanosarudza kuroora vanofanira kusarudza kuti: ‘Ndakura zvakakwana kuti ndiroore here? Ndinoda wokuroorana naye akadini, kana kuti zvinotokosha zvikuru, ndinofanira kuroora munhu worudzii?’ Pane zvisarudzo zvishoma muupenyu zvinotiumba zvikuru kupfuura watinosarudza kuroorana naye.

Munhau dzinokosha zvikuru, zvinokosha kuita zvisarudzo zvokuchenjera, sezvo mufaro uchibva zvikurukuru pakuita kwedu kudaro. Vamwe vanhu vangafunga kuti vanonyatsokwanisa kuita zvisarudzo zvakadaro uye vangaramba rubatsiro parunopiwa. Kuchenjera here kudaro? Ngationei.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Napoleon: Kubva mubhuku rinonzi The Pictorial History of the World