Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Sei Kuita Zvisarudzo Zvokuchenjera?

Unogona Sei Kuita Zvisarudzo Zvokuchenjera?

Unogona Sei Kuita Zvisarudzo Zvokuchenjera?

‘AKACHENJERA achanzwa, owedzera kudzidza,’ akadaro Soromoni, mambo weIsraeri yekare. Vakawanda vedu pane imwe nguva takaita zvisarudzo zvisina kuchenjera pamusana pokungoti takaramba kuteerera mazano evamwe.—Zvirevo 1:5.

Mashoko aSoromoni iwayo akazonyorwa muBhaibheri, pamwe nedzimwe dze“tsumo dzine zviuru zvitatu” dzaakanyora. (1 Madzimambo 4:32) Tingabatsirwa nokuziva uye kuteerera tsumo dzake dzokuchenjera here? Hungu. Dzinotibatsira ‘kuziva uchenjeri nokurayirirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; kuti tirayirirwe nzira yokungwara, neyokururama, nokururamisa, nokutendeka.’ (Zvirevo 1:2, 3) Ngatikurukurei nhungamiro shanu dzinobva muBhaibheri dzingatibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera.

Funga Nezvemigumisiro Yenguva Refu

Zvimwe zvisarudzo zvingava nemigumisiro yakakura. Naizvozvo, edza kufanoona kuti iyi ichava ipi. Ngwarira kuti rubatsiro rwenguva pfupi harukukwezvi zvokukutadzisa kuona migumisiro yenguva refu ingangova isingadiwi. “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi,” inonyevera kudaro Zvirevo 22:3.

Zvingabatsira kunyora papepa kuti migumisiro yenguva pfupi neyenguva refu ichava ipi. Migumisiro yenguva pfupi yokusarudza rimwe basa ingava yokutambira mari yakanaka nokushanda zvakanaka. Asi migumisiro yenguva refu ingasanganisira kuva nebasa pasina nguva yemberi chaiyoiyo here? Ingazoda kuti utamire kune imwe nzvimbo here, zvichida kure neshamwari kana nemhuri? Ingakuisa kumhoteredzo yakaipa kana kuti ingava isingafadzi zvokukusiya wakangaidzika zvikuru here? Nyatsofungisisa zvayakanakira nezvayakaipira, wobva wasarudza kuti chii chinofanira kuiswa pakutanga.

Zvipe Nguva Yakakwana

Zvisarudzo zvinoitwa nechimbichimbi zvingaratidza nyore nyore kuti hazvina kuchenjera. Zvirevo 21:5 inonyevera kuti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; asi ani naani unokurumidzisa unongovangira kushayiwa.” Somuenzaniso, vachiri kuyaruka vanonzwa vaine rudo rwemahumbwe vanofanira kuzvipa nguva vasati vasarudza kuroorana. Dzimwe nguva, vangaona kuti zvakataurwa naWilliam Congreve, munyori wemitambo yeChirungu wezana remakore rechi18 ndezvechokwadi zvokuti: “Avo vanochimbidzika kuroora vangava nenguva refu yokuzvidemba.”

Zvisinei, kuzvipa nguva yakakwana hakurevi kuverengera. Zvimwe zvisarudzo zvakakosha zvikuru zvokuti kuchenjera kukurumidza kuzviita. Kunonoka kusingadiwi kungazoomera isu kana kuti vamwe. Kuverengera kusarudza kungava kutosarudza pachako—zvichida kuya kusina kuchenjera.

Gamuchira Zano

Sezvo pasina zvinetso zviviri zvakanyatsofanana, vanhu vaviri vangasasarudza zvakafanana nguva dzose pavanosangana nezvinetso zvakafanana. Kunyange zvakadaro, zvinobatsira kunzwa kuti vamwe vakasarudza sei nhau dzakaita sedzedu. Vabvunze kuti iye zvino vanoona sei zvavakasarudza. Somuenzaniso, pakusarudza basa, bvunza vaya vagara vachitoriita kuti vakuudze zvarakanakira nezvarakaipira. Zvii zvavakaona kuva zvinobatsira pane zvavakasarudza, uye zvange zvichinetsa kunyange dzingangova ngozi dzacho?

“Pasingaranganwi mano anokona,” tinonyeverwa kudaro, “asi kuna varayiri vazhinji ndokwaanosimbiswa.” (Zvirevo 15:22) Chokwadi, pakutsvaka mazano nokudzidza kubva pane zvakaitika kune vamwe, tinofanira kuita kudaro tichinzwisisa zvakazara kuti isu pachedu tinofanira kuita chisarudzo chokupedzisira uyewo kutakura mutoro wokuita kudaro.—VaGaratiya 6:4, 5.

Teerera Hana Yakanyatsorovedzwa

Hana ingatibatsira kuita zvisarudzo zvinoenderana nenhungamiro dzinokosha dzatinosarudza kurarama maererano nadzo. KumuKristu, izvi zvinoreva kurovedza hana kuti iite maererano nepfungwa dzaMwari. (VaRoma 2:14, 15) Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:6) Chokwadi, mune dzimwe nzvimbo vanhu vaviri—mumwe nomumwe aine hana yakanyatsorovedzwa—vangava nemhedziso dzakasiyana vobva vaita zvisarudzo zvakasiyana.

Zvisinei, hana yakanyatsorovedzwa ichadzivisa izvozvo, kana iri nyaya yezviito zvinoshorwa zvakananga neShoko raMwari. Somuenzaniso, hana isina kurovedzwa nechokwadi cheBhaibheri ingaita kuti murume nomukadzi vagare pamwe chete vasati varoorana kuti vaone kana vachazogarisana. Vangafunga kuti vagona kusarudza, vachifunga kuti zvichaita kuti vasamhanyirira mumuchato usiri wokuchenjera. Hana dzavo dzingasavapa mhosva. Asi, upi noupi anoziva maonero aMwari panyaya dzokurara pamwe chete kwevanhu uye kuroorana achasarudza zvinopesana nourongwa hwakadaro hwenguva pfupi uye hwounzenza.—1 VaKorinde 6:18; 7:1, 2; VaHebheru 13:4.

Manzwiro Anoita Vamwe Pamusana Pezvaunosarudza

Kazhinji, zvaunosarudza zvingava nezvazvinoita pane vamwe. Saka usamboita chisarudzo chisina kuchenjera nemaune—kunyange choupenzi—icho chingagona kukanganisa ukama hunokosha neshamwari, nevoukama kana kuti, kupfuura zvose, naMwari. Zvirevo 10:1 inoti: “Mwanakomana, wakachenjera, unofadza baba; asi mwanakomana benzi unosuwisa amai vake.”

Ukuwo, yeuka kuti pane dzimwe nguva zvinokosha kusarudza shamwari. Kuenzanisira, ungasarudza kuramba pfungwa dzechitendero dzawaimbodavira zvino dzawava kuziva kuti dzinopesana neMagwaro. Kana kuti ungasarudza kuchinja zvikuru unhu hwako pamusana pechido chako chokurarama maererano nenhungamiro dzaMwari zvino dzawakagamuchira. Chisarudzo chako chingasafadza dzimwe shamwari kana kuti voukama, asi chisarudzo chipi nechipi chinofadza Mwari ndicho chisarudzo chokuchenjera.

Ita Nokuchenjera Chisarudzo Chikuru Pane Zvose

Zvisingazivikanwi nevanhu vazhinji ndezvokuti munhu wose nhasi akatarisana nokusarudza upenyu kana rufu. VaIsraeri vekare vakanga vakadzika misasa pamuganhu weNyika Yakapikirwa muna 1473 B.C.E. vakatarisana nemamiriro ezvinhu akadaro. Achishanda somutauriri waMwari, Mosesi akavaudza kuti: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abrahamu naIsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.”—Dheuteronomio 30:19, 20.

Uprofita hweBhaibheri nokuverenga nguva zvinoratidza kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” uye kuti “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (2 Timoti 3:1; 1 VaKorinde 7:31) Kuchinja kwakafanotaurwa kuchasvika pakakwirira pachaparadzwa nyika yevanhu isina tsika, iyo ichatsiviwa nenyika itsva yaMwari yokururama.

Tava kuda kutopinda munyika itsva iyoyo. Uchapinda kuti uwane upenyu husingaperi pasi pano muUmambo hwaMwari here? Kana kuti uchabviswa pasi pano panobviswa nyika yaSatani here? (Pisarema 37:9-11; Zvirevo 2:21, 22) Ndiwe unofanira kuzvisarudzira kuti inzira ipi yaunofanira kutevera iye zvino, chokwadi chisarudzo chinoreva upenyu kana kuti rufu. Ungada kubatsirwa here kuita chisarudzo chakanaka, chokuchenjera?

Kusarudza upenyu kunosanganisira kutanga kudzidza zvinodiwa naMwari. Machechi akakundikana pamwero mukuru kutaura zvinodiwa izvi nenzira yakarurama. Vatungamiriri vawo kakawanda vave vachitsausa vanhu kuti vadavire nhema uye kuti vaite zvinhu zvisingafadzi Mwari. Havana kutsanangura kukosha kwokuti munhu azvisarudzire kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Ndosaka vanhu vakawanda vasingadaro. Asi ona zvakataurwa naJesu kuti: “Iye asiri kurutivi rwangu anorwisana neni, uye asingaunganidzi neni anoparadzira.”—Mateu 12:30.

Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vanhu nomufaro kuti vawane zivo iri nani yeShoko raMwari. Zvinokurukura Bhaibheri nguva dzose nevanhu kana kuti nemapoka panguva nenzvimbo yakavanakira. Vaya vanoda kubatsirwa nourongwa uhwu vanofanira kuonana neZvapupu zvomunharaunda yavo kana kuti kunyorera vabudisi veNharireyomurindi.

Chokwadi, vamwe vangava vachitova nezivo yokutanga yezvinodiwa naMwari. Vangava vakatogutsikana kuti Bhaibheri nderechokwadi uye rakavimbika. Zvisinei, vakawanda vavo vakaverengera kusarudza kuzvitsaurira kuna Mwari. Nei? Pangava nezvikonzero zvinoverengeka.

Vangangove vasingazivi kukosha kwokuita kudaro here? Jesu akataura zvakajeka kuti: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi iye anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” (Mateu 7:21) Zivo yeBhaibheri yoga haina kukwana, chimwe chinhu chinofanira kuitwa. Ungano yechiKristu yokutanga yakaratidza muenzaniso. Tinoverenga nezvevamwe vomuzana remakore rokutanga kuti: “Pavakatenda Firipi, akanga achizivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabva vabhabhatidzwa, varume nevakadzi.” (Mabasa 2:41; 8:12) Saka, kana munhu akagamuchira Shoko raMwari nomwoyo wose, akatenda zvarinotaura, obva ararama maererano nezvinodiwa naMwari, chii chinomutadzisa kubhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwake? (Mabasa 8:34-38) Chokwadi, kuti agamuchirike kuna Mwari, anofanira kuita danho iri nokuzvidira uye nomwoyo unofara.—2 VaKorinde 9:7.

Vamwe vangafunga kuti havana zivo yakakwana kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Mwari. Asi munhu wose ari kutanga chinhu chitsva muupenyu ane zivo shoma. Inyanzvi ipi ingataura kuti payakatanga basa rayo yaiziva zvairi kuziva nhasi? Kusarudza kushumira Mwari kunongoda zivo yedzidziso dzokutanga dzeBhaibheri nenhungamiro, pamwe chete nechido chomwoyo wose chokurarama maererano nazvo.

Vamwe vanononoka kusarudza vachityira kuti vangazokundikana kurarama maererano nezvinodiwa here? Kutya kukundikana kunonzwisisika, kunooneka pane zvakawanda zvinoitwa nevanhu. Murume anosarudza kuroora nokurera mhuri anganzwa asinganyatsokodzeri, asi kuzvipira kunomukurudzira kuita zvakanakisisa zvaangagona. Saizvozvowo, wechiduku achangotora rezinesi rokutyaira motokari angatya kuita tsaona—zvikurukuru kana achiziva nhamba dzinoratidza vatyairi vaduku kuti ndivo vasingatani kuita tsaona kupfuura vakuru. Zvisinei, zivo iyi ingabatsira, ichimuita kuti atyaire nokungwarira zvikuru. Kurega kutora rezinesi chaizvoizvo handiwo mushonga!

Sarudza Upenyu!

Bhaibheri rinoratidza kuti nyika iripo yezvematongerwe enyika pasi pose, zvemari, uye zvechitendero uye vaya vanoitsigira vava kubva vopfuura panyika. Asi, vanhu vakasarudza upenyu nokuchenjera uye vanoita maererano nahwo vacharamba varipo. Somusimboti wesangano renyika itsva, vachabatanidzwawo mukuita kuti pasi pano pave paradhiso, sezvaidiwa naMwari pakutanga. Ungada kuita basa iri rinofadza here, uchitungamirirwa naMwari?

Kana uchida, sarudza kudzidza Shoko raMwari. Sarudza kudzidza zvinodiwa naMwari kuti umufadze. Sarudza kuzviita. Kupfuura zvose, ona kuti unoita zvaunenge wasarudza. Kutaura muchidimbu, sarudza upenyu!

[Mifananidzo iri papeji 4]

Zvipe nguva yakakwana pazvisarudzo zvakakomba

[Mufananidzo uri papeji 5]

Gamuchira zano pakusarudza basa

[Mifananidzo iri papeji 7]

Vaya vanosarudza kushumira Mwari iye zvino vachabatanidzwawo mukuita kuti pasi pano pave paradhiso