Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jakobho Aikoshesa Zvinhu Zvinokosha Pakunamata

Jakobho Aikoshesa Zvinhu Zvinokosha Pakunamata

Jakobho Aikoshesa Zvinhu Zvinokosha Pakunamata

UPENYU hwaJakobho huzere nezvinetso nenjodzi. Hasha dzokuponda dzowaakaberekwa naye vari mapatya dzinomumanikidza kutiza achityira upenyu hwake. Pane kuwana musikana waanoda, anonyengedzwa kuti aroore mumwewo munhu pakutanga uye anoguma ava nemadzimai mana zvichiguma nezvinetso zvakawanda. (Genesi 30:1-13) Kwemakore 20 anoshandira mumwe murume anomubiridzira. Anoita mutsimba nengirozi ndokukuvara zvechigarire. Mwanasikana wake anobatwa chibharo, vanakomana vake vanoponda vanhu vakawanda, uye anochema kurasikirwa kunosuruvarisa nomwanakomana wake waanoda zvikuru uye nomudzimai wake. Amanikidzwa kutama achembera kuti atize nzara, anobvuma kuti mazuva ake ave “ari mashoma hawo, akaipa.” (Genesi 47:9) Pasinei nezvose izvi, Jakobho munhu anonamata zvepachokwadi uye anovimba naMwari. Kutenda kwake kwakaiswa pasiri ipo here? Zvidzidzoi zvinogona kudzidzwa nokungokurukura zvimwe zvezvakasangana naJakobho?

Akasiyana Zvikuru Nomukoma Wake

Chikonzero chokusawirirana nomukoma wake chaiva chokuti Jakobho aikoshesa zvinhu zvinokosha pakunamata, asi Esau aizvizvidza. Jakobho aifarira chipikirwa chesungano chakaitwa kuna Abrahamu uye akazvipira kutarisira vomumhuri iyo Mwari akasarudza sevadyi venhaka. Saka Jehovha ‘akamuda.’ Jakobho akanga “akarurama,” shoko rinoreva tsika dzakanaka. Asi, Esau akanga asina hanya nenhaka yake mune zvokunamata zvokuti akaitengesera Jakobho nezvinhu zvishomanana. Achitenderwa naMwari, Jakobho paakakumbira zvaiva zvake ndokuwana chikomborero chaiva chomukoma wake, Esau akaputika nehasha. Ipapo Jakobho akasiya zvose zvaaida, asi zvakazotevera zvechokwadi zvakamutsazve kuora mwoyo.—Maraki 1:2, 3; Genesi 25:27-34; 27:1-45.

Achimurotesa, Mwari akaratidza Jakobho ngirozi dzaikwira nokuburuka pamanera, kana kuti matombo aikwira achibva pasi achienda kudenga uye akati aizodzivirira Jakobho nembeu yake. “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako. Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.”—Genesi 28:10-15.

Zvaikurudzira zvikuru! Jehovha akasimbisa kuti zvipikirwa zvakapiwa Abrahamu naIsaka zvaizopfumisa mhuri yaJakobho mune zvokunamata. Jakobho akaziva kuti ngirozi dzinogona kushumira vaya vane tendero yaMwari, uye akavimbiswa kuti Mwari aizomudzivirira. Achibvuma nokuonga, Jakobho akapika kuti aizova akatendeka kuna Jehovha.—Genesi 28:16-22.

Jakobho haana kumbobvuta nhaka yaEsau. Vakomana ava vasati vaberekwa, Jehovha akati ‘mukuru aizoshumira muduku.’ (Genesi 25:23) Mumwe munhu angabvunza kuti ‘zvaisazova nyore here kudai Mwari akaita kuti Jakobho atange kuberekwa?’ Zvakatevera zvakadzidzisa chokwadi chinokosha. Mwari haachengeteri zvikomborero vaya vanofunga kuti vanokodzera kuva nazvo, asi anoratidza mutsa usina kufanirwa kune vaya vaanosarudza. Saka udangwe hwakaenda kuna Jakobho, kwete kumukoma wake, akanga asingahukoshesi. Saizvozvowo, nokuti vaJudha chaivo sorudzi vakaratidza mafungiro akafanana neaEsau, vakatsiviwa naIsraeri womudzimu. (VaRoma 9:6-16, 24) Ukama hwakanaka naJehovha nhasi hatingohuwani senhaka isingabudirwi dikita, kunyange kana munhu akaberekerwa mumhuri kana kuti mumhoteredzo inotya Mwari. Vose vangazowana zvikomborero zvaMwari vanofanira kuzvipira kwaari, vachionga zvechokwadi zvinhu zvine chokuita nokunamata.

Akagamuchirwa naRabhani

Paakasvika muPadhani-arami kunotsvaka mudzimai pakati pehama dzake, Jakobho akasangana namainini vake Rakeri, mwanasikana waRabhani, patsime achibva akungurutsa dombo rairema raiva pamuromo waro kuti anwise mhuka dzaifudzwa naRakeri. * Rakeri akamhanya kumba kunotaura nezvokusvika kwaJakobho, uye Rabhani akachimbidzika kunosangana naye. Kana Rabhani akanga achiri kuyeuka pfuma iyo mhuri yake yakapiwa nomuranda waAbrahamu, akaora mwoyo, nokuti Jakobho akanga akangobata maoko. Asi zviri pachena kuti Rabhani akaona chimwe chinhu chaaigona kushandisa—mushandi anobishaira.—Genesi 28:1-5; 29:1-14.

Jakobho akarondedzera nyaya yake. Hazvina kujeka kana akataura zvaakaita kuti awane kodzero youdangwe, asi pashure pokunzwa “zvinhu izvo zvose,” Rabhani akati: “Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu.” Imwe nyanzvi yakati kutaura uku kungatorwa sokugamuchira Jakobho noushamwari kuti agare kana kubvuma kuti ukama hwakaita kuti Rabhani anzwe aine mutoro wokumudzivirira. Chero zvazvaiva, nokukurumidza Rabhani akafungisisa kuti aigona sei kubiridzira muzukuru wake.

Rabhani akatanga nhau yaizova pamakakatanwa mumakore 20 aizotevera. “Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here?” akabvunza kudaro. “Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko?” Kunyange zvazvo Rabhani aiita sasekuru vane mwoyochena, akaita kuti Jakobho muzukuru wake chaiye ave mushandi wake. Sezvo Jakobho akanga achidanana naRakeri, akapindura kuti: “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.”—Genesi 29:15-20.

Vimbiso yaiitwa nokubhadhara roora kumhuri yomwenga. Gare gare Mutemo waMosesi wakaita kuti mutengo wemhandara dzakanga dzachinywa uve mashekeri esirivha 50. Nyanzvi Gordon Wenham inofunga kuti iyi ndiyo yaiva “mari yeroora yepamusorosoro” asi rimwe roora rose raiva “rakaderera zvikuru.” (Dheuteronomio 22:28, 29) Jakobho aisagona kuronga nezveroora. Akakumbira kushandira Rabhani makore manomwe. “Sezvo vashandiwo zvavo vaitambira pakati pehafu yeshekeri kana shekeri rimwe pamwedzi munguva yeBhabhironi rekare” (mashekeri anobvira pa42 kusvika ku84 mumakore manomwe akazara), Wenham anoenderera mberi achiti, “Jakobho akanga ari kubhadhara Rabhani roora rakawanda kuti awane Rakeri.” Rabhani akabva angobvuma.—Genesi 29:19.

Makore manomwe akaita se“mazuva mashoma” kuna Jakobho, nokuti aida Rakeri zvikuru. Pashure pacho, akakumbira mwenga wake akanga akafuka vhoiri, asingambofungi kuti Rabhani akanga achimunyengedza. Fungidzira kushamiswa kwaakaitwa mangwanani acho aitevera kuona kuti akanga arara, kwete naRakeri, asi naRea mukoma wake! Jakobho akabvunza kuti: “Chinyiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?” Rabhani akapindura kuti: “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti munun’una atange kuwaniswa, mukuru achigere. Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyi, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.” (Genesi 29:20-27) Pasina zvokuita uye ava parumananzombe, Jakobho aisagona kuramba asi kubvuma izvozvo kana akanga achida Rakeri.

Kusiyana nemakore manomwe okutanga, akatevera acho akanga asingafadzi. Jakobho aigona sei kufuratira manomano outsinye aRabhani? Uye zvakadini naRea, akabvumirana nawo? Chokwadi, Rabhani akanga asina hanya zvachose nenguva yemberi isina kugadzikana yaakanga agadzirira Rea naRakeri. Udyire ndihwo hwaaiva nahwo. Pakutsamwa kwake akawedzera godo Rea paakabereka vanakomana vana vakatevedzana nokukurumidza, nepo Rakeri akaramba asingabereki. Ipapo Rakeri, aine shungu dzevana, akatora murandakadzi wake kuti amutsive, Rea achikwikwidza, akaitawo saizvozvo. Jakobho akazongoona ava nemadzimai 4, vana 12, uye mhuri isingafari zvachose. Asi Jehovha akanga ari kuita Jakobho rudzi rukuru.—Genesi 29:28–30:24.

Kupfumiswa naJehovha

Pasinei nemiedzo, Jakobho akaona kuti Mwari aiva naye sezvakapikirwa. Rabhani akazvionawo, nokuti mhuka shomanana dzaaiva nadzo pakasvika Jakobho dzakawedzera dzikava zhinji padzaitarisirwa nomuzukuru wake. Asingadi kuti Jakobho aende, Rabhani akamukumbira kuti ataure mubhadharo wake kuti arambe achimushandira, Jakobho akabva akumbira mhuka dzakanga dziine mavara asina kujairwa dzaiberekwa nezvipfuwo zvaRabhani. Zvinonzi munzvimbo iyoyo, makwai aiwanzova machena uye mbudzi dziri nhema kana kuti shava; shomanana chete ndidzo dzaiva nemakwapa. Saka achifunga kuti dzawira mutswanda, Rabhani akabva angobvuma ndokukurumidza kutamisira mhuka dzake dzose dzaiva nemavara asina kujairwa kure kuitira kuti dzisasangane nedzakanga dzichiri kutarisirwa naJakobho. Zviri pachena kuti aifunga kuti Jakobho aizowana zvishoma pane zvavakabvumirana, zvechokwadi kwete 20 muzana yembudzana nemakwai zvichangoberekwa yaiwanzopiwa somubhadharo kuvafudzi vekare. Asi Rabhani akanga akarasika, nokuti Jehovha aiva naJakobho.—Genesi 30:25-36.

Achitungamirirwa naMwari, Jakobho akaita kuti mhuka dzakasimba dzine ruvara rwaaida dziberekane. (Genesi 30:37-42) Pfungwa dzake pakuita kuti zvipfuwo zviberekane dzakanga dzisina musoro. Kunyange zvakadaro, “maererano nesayenzi, migumisiro yaidiwa yaigona kuitwa nokuita kuti mhuka dzirambe dzichiberekana . . . dzine ruvara rumwe chete dzakanga dzine majini akafanana,” inotsanangura kudaro nyanzvi Nahum Sarna, uye “mhuka dzakadaro dzinooneka . . . nesimba [radzo] rinopfuura redzimwe.”

Achiona zvakanga zvoitika, Rabhani akaedza kuchinja zvavakanga vabvumirana zvokuti imhuka dzipi dzaiva dzomuzukuru wake—dzine mitsetse, dzine mavara, dzine makwapa, kana kuti dzine makamba-makamba. Akanga achida kuti iye bedzi awane, asi pasinei nokuti Rabhani akanga achinja sei chibvumirano, Jehovha akaita kuti Jakobho arambe achibudirira. Rabhani aigona kungorwadziwa chete. Nenguva pfupi Jakobho akava nepfuma yakawanda, zvipfuwo, varanda, ngamera, uye mbongoro, kwete pamusana pouchenjeri hwake, asi nokuti Jehovha aimutsigira. Akazotsanangurira Rakeri naRea kuti: “Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa. . . . Mwari wakatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvo.” Jehovha akavimbisawo Jakobho kuti Akaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani asi Jakobho aisafanira kushupika nazvo. “Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako,” Mwari akadaro, “ndigokuitira zvakanaka.”—Genesi 31:1-13; 32:9.

Pakupedzisira asiyana naRabhani anonyengera, Jakobho akaenda kumusha. Kunyange zvazvo makore 20 akanga apfuura, akanga achiri kutya Esau, uye zvikurukuru apo shoko rakauya rokuti Esau akanga ari kuuya nevarume mazana mana. Jakobho aigona kuitei? Sezvo aiva munhu akazvipira, aivimba naMwari nguva dzose, akaratidza kutenda. Akanyengetera, achibvuma kuti akanga asina kufanirwa nomutsa waJehovha uye akateterera Mwari kuti iye nemhuri yake vanunurwe paruoko rwaEsau pachikonzero chechipikirwa Chake.—Genesi 32:2-12.

Ipapo zvakanga zvisingatarisirwi zvakaitika. Mueni, aiva ngirozi, akaita mutsimba naJakobho usiku, uye nokumubata kamwe akaminyura chidya chake. Jakobho akaramba kuti ngirozi yacho iende kunze kwokuti yatanga yamukomborera. Gare gare muprofita Hosea akati Jakobho “akachema, akamunyengetera.” (Hosea 12:2-4; Genesi 32:24-29) Jakobho aiziva kuti kuonekwa kwengirozi munguva yakanga yapfuura kwaiva nechokuita nokuzadzika kwesungano yaAbrahamu kuburikidza nembeu yake. Saka akakakaritsana nayo ndokuwana chikomborero. Panguva iyi, Mwari akachinja zita rake kuti anzi Israeri, zvinoreva kuti “Anorwa (Anotsungirira) naMwari,” kana kuti “Mwari Anorwa.”

Unoda Kurwa Here?

Kurwisana nengirozi uye kuwadzanazve naEsau handizvo zvinetso bedzi zvaifanira kukurirwa naJakobho. Asi zviitiko zvakurukurwa pano zvinoratidza kuti aiva munhu worudzii. Kunyange zvazvo Esau akakundikana kutsungirira nzara duku nokuda kwoudangwe hwake, Jakobho akatambura upenyu hwake hwose kuti awane zvikomborero, kutorwisana nengirozi. Sezvakapikirwa naMwari, Jakobho akatungamirirwa uye akadzivirirwa naMwari, achiva muvambi worudzi rukuru uye tateguru waMesiya.—Mateu 1:2, 16.

Unoda kushanda zvakasimba kuti uwane nyasha dzaJehovha here, sokunge kuti uri kudzirwira? Nhasi upenyu hwakaoma uye huzere nezvinetso kune vaya vanoda kuita kuda kwaMwari, uye dzimwe nguva zvakaoma kuita zvisarudzo zvakarurama. Zvisinei, muenzaniso wakanaka kwazvo waJakobho unotikurudzira zvikuru kubatisisa tariro yomubayiro watinoisirwa mberi kwedu naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kusangana kwacho kwakafanana nenguva apo amai vaJakobho, Rebheka, vakanwisa ngamera dzaEriezeri. Ipapo Rebheka akamhanya kunotaura nezvokusvika kwomueni. Pakuona zvinhu zvegoridhe zvakanga zvapiwa hanzvadzi yake sechipo, Rabhani akamhanya kunogamuchira Eriezeri.—Genesi 24:28-31, 53.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Jakobho akatambura upenyu hwake hwose kuti awane zvikomborero