Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Akanaka Anobereka Zvibereko muSão Tomé nePríncipe

Mashoko Akanaka Anobereka Zvibereko muSão Tomé nePríncipe

Mashoko Akanaka Anobereka Zvibereko muSão Tomé nePríncipe

VANHU vakawanda zvichida havasati vanzwa nezveSão Tomé nePríncipe. Zvitsuwa izvi hazviwanzoshambadzirwa mumabhuku emazororo. Pamepu yepasi pose, zvinoita sotuvara tuduku turi muGulf of Guinea nechokumuganhu wokumadokero weAfrica, São Tomé iri pedyo pedyo neequator uye Príncipe iri nechokumusoro kwakadziva kumabvazuva zvishoma. Mamiriro okunze okunaya, uye akanyorova akaita kuti pave nemasango ane miti yakawanda kwazvo anogara achinaya mvura, anofukidza mawere emakomo akareba kupfuura mamita 2 000.

Zvitsuwa zvinopisa izvi, izvo zviri mukati megungwa chaimo uye zvakapoteredzwa nemahombekombe ane mipaini, zvinogara vanhu vane ushamwari, vanofara, vane madzitateguru anobva kuAfrica nokuEurope ayo akaita kuti pave netsika dzakavhengana zvinonakidza. Vagari vepo vanosvika 170 000 vanogadzira cacao, inotengeswa kunze zvakanyanya, kana kuti vanorima uye kuredza hove. Mumakore apfuura, kuwana kunyange zvokudya zvezuva rimwe kwave kwakaoma.

Zvisinei, makore gumi okupedzisira ezana remakore rechi20 akaona chiitiko chachinja zvikuru upenyu hwenhamba iri kuwedzera yevanhu vari pazvitsuwa izvi. Muna June 1993, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo kuhurumende yeSão Tomé nePríncipe, nokudaro zvichigumisa nguva refu uye kakawanda kacho yakanga yakaoma yenhoroondo yeZvapupu zvaJehovha pazvitsuwa izvi.

Mbeu Dzakadyarwa Munhamo

Kunenge kuti Chapupu chokutanga chakauya munyika iyi kumavambo kwema1950 apo vasungwa vaibva kune dzimwe nzvimbo dzaidzorwa nePortugal muAfrica vakatumirwa kunoshanda mumisasa yechibharo pazvitsuwa zvacho. Chapupu chacho, piyona, kana kuti mushumiri wenguva yakazara wokuAfrica, akadzingwa muMozambique nokuti aiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika iyoyo. Chapupu chaiva choga ichi chakaramba chichiita basa, uye mumwedzi mitanhatu, kwakanga kwava nevamwe 13 vaiparadzirawo mashoko akanaka. Gare gare, zvimwe Zvapupu zvaivawo mumamiriro ezvinhu akafanana zvakasvika zvichibva kuAngola. Panguva yousungwa hwazvo, zvakashandisa mukana wose kuudzawo vagari vemo mashoko akanaka.

Pakasvika 1966 hama dzose dzaipika jeri muSão Tomé dzakanga dzadzokera kunyika yeAfrica. Boka duku revaparidzi voUmambo rakasara ikoko rakapfuurira noushingi. Vakatambudzwa, kurohwa, uye kuiswa mujeri nokuti vaiungana kuti vadzidze Bhaibheri, uye kwakanga kusina aivashanyira kana kuvakurudzira. Nyika yacho yakawana kuzvitonga kubva kuPortugal muna 1975, uye zvishoma nezvishoma mbeu dzechokwadi choUmambo dzakatanga kubereka zvibereko.

Kuwedzera uye Kuvaka

Mwedzi iwoyo wokunyoreswa pamutemo muna 1993, kwakava nenhamba yepamusoro yevaparidzi voUmambo 100. Gore iroro, mapiyona chaiwo akauya achibva kuPortugal. Kushingaira kwaakaita pakudzidza mutauro wePortuguese Creole kwakaita kuti adiwe nevanhu veko. Zvino nyaya yakatungamidzwa pamberi yaiva yokutsvakwa kwenzvimbo yeImba yoUmambo. Payakanzwa nezvokudiwa kwenzvimbo iyi, imwe hanzvadzi inonzi Maria yakapa hafu yenzvimbo yaiva nomusha wayo muduku. Nzvimbo yacho yakanga yakakura zvokuti paikwana Imba yoUmambo hombe. Maria akanga asingazivi kuti sezvo akanga asina hama mhenyu, nzvimbo iyi yakanga iri kuchiviwa nevanhu vanosimudzira nzvimbo vane makaro. Rimwe zuva mumwe muzvinabhizimisi akakurumbira akauya kuzotaura naMaria.

“Zvandiri kunzwa pamusoro penyu hazvina kunaka!” akamuyambira kudaro. “Ndinonzwa kuti makapa vanhu nzvimbo yenyu sechipo. Hamuzivi here kuti inokosha mari yakawanda nokuti iri muguta muno chaimo?”

“Kudai ndakati ndikutengeserei nzvimbo yacho, maizondibhadhara marii?” akabvunza kudaro Maria. Murume uyu paasina kupindura, Maria akaenderera mberi achiti: “Kunyange maindipa mari yose iri munyika, yaisazokwana nokuti mari haingatengi upenyu.”

“Hauna vanaka iwe?” murume wacho akabvunza kudaro.

Kuti agumise kukurukurirana uku, Maria akati: “Nzvimbo yacho ndeyaJehovha. Akaipa kwandiri kwemakore akawanda kwazvo, uye zvino ndaidzorera kwaari. Ndiri kutarisira kuzorarama nokusingaperi.” Pashure akabvunza murume uyu kuti: “Hamugoni kupa upenyu husingaperika imi?” Asina kuzomboti bufu zvakare, murume uyu akatendeuka ndokuenda.

Zvakazoitika ndezvokuti pakavakwa chivako chakanaka kwazvo chenhurikidzwa mbiri norubatsiro rwehama dzinogona basa dzakabva kuPortugal. Chine makamuri pasi pouriri hwose, Imba yoUmambo yakakura, uye makamuri okugara. Chinewo makamuri okudzidzira okuitira zvikoro zvevakuru, vashumiri vanoshumira, nemapiyona. Ungano mbiri dzava kuitira misangano yadzo machiri, zvichichiita nzvimbo yakanaka kwazvo yedzidzo yokunamata kwakachena muguta guru racho.

MuMé-Zochi, maiva neungano yevaparidzi 60 vanoshingaira. Sezvo misangano yaiitirwa muImba yoUmambo yakagadzirwa zvechimbi-chimbi yaiva mumunda wemabhanana, zvakava pachena kuti Imba yoUmambo yakakodzera yaidiwa. Izvi zvakaziviswa kukanzuru, uye vakuru vakuru vane tsiye nyoro vakapa nzvimbo yakanaka kwazvo mumugwagwa mukuru. Imba yoUmambo yakanaka kwazvo yakavakwa mumwedzi miviri norubatsiro rwehama dzakabva kuPortugal, pachishandiswa nzira yokuvaka nokukurumidza. Vanhu vemo vakatadza kudavira zvavakaona. Mumwe injiniya wokuSweden aiita chirongwa chokuvaka muguta racho akashamiswa kuona hama nehanzvadzi dzichiita basa. “Izvi hazvidaviriki!” akadaro. “Zvapupu zvaJehovha, muno muMé-Zochi, zvichishandisa nzira yokuvaka nokukurumidza! Aya ndiwo marongero atinofanira kuita chirongwa chedu.” Imba yoUmambo yacho yakatsaurirwa musi waJune 12, 1999, paine vanhu 232. Imba yacho yava chinhu chinokwezva kwazvo kuvashanyi vanouya kuguta reMé-Zochi.

Kokorodzano Yakaita Mukurumbira

Chiitiko cheZvapupu zvaJehovha chakaita mukurumbira muSão Tomé nePríncipe chaiva Kokorodzano Yoruwa yo“Kudzidzisa Kwoumwari” muna January 1994—yokutanga pazvitsuwa izvi. Yakaitirwa muimba huru yakanakisisa munyika yacho iyo ine zvokufefetedza mhepo. Ungafungidzira here mufaro wevaparidzi voUmambo 116 pavakaona boka revanhu 405 uye kwenguva yokutanga vachiona mitambo yeBhaibheri uye kugamuchira mabhuku anobudiswa pakokorodzano? Kumahombekombe anopisa ndiko kwakabhabhatidzirwa vanhu 20 vakazvitsaurira.

Chinhu chitsva chakashamisa ruzhinji aiva mabheji orudzi rwawo oga akanga akapfekwa nenhume. Kuvapo kwevashanyi 25 vaibva kuPortugal neAngola kwakaitawo kuti kokorodzano yacho ive nevanhu vemarudzi akawanda. Pakava noukama hworudo rwoushamwari rwechiKristu, uye misodzi yakaerera pazviso zvevakawanda papurogiramu yokupedzisira pavakaonekana.—Johani 13:35.

Vatori venhau vokuNational Radio vakauya vakabvunzurudza mutariri wekokorodzano yacho. Vakatepfenyurawo hurukuro dzinoverengeka. Zvechokwadi, chaiva chiitiko chinoshamisa, uye kune Zvapupu zvakatendeka izvi zviri kure nevamwe, chakabatsira kuita kuti sangano raJehovha rinooneka riite serava pedyo zvikuru.

Kubereka Zvibereko Kunoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Apo shoko roUmambo rinobereka zvibereko, rinounza mufambiro wakanaka unoita kuti Jehovha arumbidzwe uye akudzwe. (Tito 2:10) Mumwe musikana ari kuyaruka akanakidzwa nezvaaidzidza muchidzidzo chake cheBhaibheri chevhiki nevhiki. Zvisinei, baba vake vaimurambidza kupinda misangano yeungano. Paakavatsanangurira nenzira yoruremekedzo kukosha kwemisangano yeungano uye chido chake chokuipinda, vakabva vangomudzinga pamba pavo. Sezviri pachena, vaifunga kuti aizoita sezvinoitwa nevamwe vechiduku vakawanda—kubva angonogara nomurume aizomutarisira. Baba vake pavakanzwa kuti akanga ari kurarama upenyu hune muenzaniso wakanaka, hwakachena somuKristu, vakanzwa vachida kumudzorera mumusha ndokumupa rusununguko rwakazara rwokushumira Jehovha.

Mumwe muenzaniso ndewomutungamiriri werimwe boka remimhanzi. Akanga asingachafari noupenyu hwake hwounzenza. Paaitsvaka chinangwa muupenyu, Zvapupu zvakataura naye. Paakatanga kurarama maererano netsika dzinodiwa neBhaibheri, guta rose rakanga rongoswerotaura nezvake. Nokukurumidza akaona kudiwa kwokurega songaniro dzose dzisina kunaka. (1 VaKorinde 15:33) Akabva atora danho rinokosha rokubhabhatidzwa mukuratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha.

Vechiduku vanoverengeka vaitsvaka chitendero chechokwadi. Kutsvaka kwavo kwakaita kuti vakurukure nevafundisi vemapoka anoverengeka eevangelical, asi izvi zvakaguma nokutowedzera kuvhiringidzika nokuora mwoyo. Saka, vakanga vongoswerombeya-mbeya vachiita zvechisimba nokuseka chinhu chose chine chokuita nechechi.

Rimwe zuva, mumwe weZvapupu zvaJehovha, mumishinari, akanga achienda kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri ndokusvika nepanzvimbo yaiva nevechiduku ava. Chikwata ichi chaida kuti mumishinari wacho apindure mimwe mibvunzo ndokuenda naye seri kwechimwe chivako, kwaakakumbirwa kugara pane kamwe kachigaro. Akatanga kubvunzwa mibvunzo yakawanda panyaya dzakadai somweya, moto wehero, upenyu kudenga, uye mugumo wenyika. Chapupu chacho chakapindura mibvunzo yavo yose kubva muBhaibheri rachakanga chapiwa nomutungamiriri wechikwata chacho. Awa imwe gare gare, mutungamiriri wacho, ainzi Law, akati kumumishinari wacho: “Patakutii muuye kuzopindura mibvunzo yedu, tanga tichida kukusekai, sezvataiita vanhu vezvimwe zvitendero. Taifunga kuti hapana aigona kupindura mibvunzo iyoyo. Asi imi magona, uye mazviita muchishandisa Bhaibheri! Ndiudzei, ndingadzidza sei zvakawanda nezveBhaibheri?” Law akatanga kudzidziswa Bhaibheri, uye pasina nguva refu akatanga kupinda misangano. Nguva pfupi pashure pacho, akasiyana nechikwata chiya ndokurega kurarama achiita zvechisimba. Mugore rimwe chete, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akabhabhatidzwa. Iye zvino ari kushumira somushumiri anoshumira.

Imwe tsika yadzika midzi ndeyokuti murume nomukadzi vanongogara vose pasina muchato wepamutemo. Vakawanda vakagara pamwe chete kwemakore, uye vakabereka vose vana. Vanoona zvakaoma kugamuchira maonero anoita Mwari nyaya yacho. Zvinokurudzira kuona nzira iyo Shoko raMwari rakabatsira nayo mumwe munhu kuti akunde chipingamupinyi ichi.—2 VaKorinde 10:4-6; VaHebheru 4:12.

Antonio ainzwisisa kuti aifanira kunyoresa muchato wake pamutemo akabva aronga kuita kudaro pashure pokukohwa chibage paaizova nemari yokuita mabiko omuchato. Humwe usiku ava kuda kuzokohwa, mbavha dzakauya dzikaba zvirimwa zvake. Akafunga kumirira zvirimwa zvegore raitevera, uye zvakabiwazve. Paakazokundikana zvakare kuwana mari yomuchato wake, Antonio akaziva kuti aimupikisa chaizvo aiva ani. “Handichanyengedzwizve naSatani,” akadaro. “Mumwedzi nehafu, tichachata, zvisinei nokuti tichaita mabiko here kana kwete!” Nokudaro vakachata, uye vakashamisika kuti shamwari dzavo dzakauya nehuku, madhadha, nembudzi imwe nokuda kwemabiko omuchato. Vanyoresa muchato wavo, Antonio nomudzimai wake—pamwe chete nevana vavo vatanhatu—vakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha.

Kuchitsuwa chePríncipe

Vagari 6 000 vokuPríncipe vave vachishanyirwa nguva nenguva mumakore achangobva kupfuura aya nomutariri wedunhu nemapiyona okuSão Tomé. Vagari vepachitsuva ichi vaiva nomutsa zvikuru nevaeni uye vaida kunzwa zvinotaurwa neZvapupu. Averenga turakiti raakasiyirwa, mumwe murume akatsvaka mapiyona zuva rakatevera ndokuti aigona kuabatsira kuparadzira mamwe maturakiti. Mapiyona acho akatsanangura kuti iwo ndiwo aifanira kuita basa iri, asi murume wacho akangoti anofanira kuenda nawo pasuo nesuo kuitira kuti aasume kuna vanasaimba achivakurudzira kunyatsoteerera. Pakupedzisira murume uyu akazosiya arumbidza mapiyona acho nokuda kwebasa rinokosha raaiita ndokubva aenda.

Muna 1998 mapiyona maviri okuSão Tomé akatamira kuPríncipe, uye pasina nguva refu akanga ava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 17. Basa racho rakaramba richiwedzera, uye pasina nguva refu Chidzidzo Chebhuku Cheungano chakanga chava kupindwa neavhareji yevanhu 16, uye vanopfuura 30 vaipinda hurukuro yavose. Kanzuru yakaziviswa nezvokudiwa kwenzvimbo yokuunganira, uye nenzira inofadza, vakapiwa nzvimbo yokuvakira Imba yoUmambo. Hama dzokuSão Tomé dzakazvipira kuvaka Imba yoUmambo duku inewo makamuri okugara nokuda kwemapiyona chaiwo maviri aye.

Pasina mubvunzo mashoko akanaka ari kubereka zvibereko zvakawanda uye ari kuwedzera pazvitsuwa zviri kure izvi. (VaKorose 1:5, 6) Muna January 1990 muSão Tomé nePríncipe maiva nevaparidzi 46. Mugore rebasa ra2002, nhamba yepamusoro yevaparidzi voUmambo 388 yakasvikwa! Inopfuura 20 muzana yevaparidzi vacho iri mubasa renguva yakazara, uye zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinenge 1 400 zviri kuitiswa. Vakapinda Chirangaridzo muna 2001 vakasvika nhamba itsva yepamusoro-soro ye1 907. Chokwadi, pazvitsuwa izvi zvinopisa, shoko raJehovha riri kufambira mberi nokukurumidza uye riri kupiwa mbiri.—2 VaTesaronika 3:1.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12]

Zvinowanzobudiswa paRedhiyo

Rimwe bhuku rinofarirwa zvikuru pazvitsuwa izvi rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. * Vhiki mbiri dzoga dzoga, purogiramu yemaminitsi 15 ine musoro iwoyo inobudiswa paNational Radio. Zvinofadza sei kunzwa mushamarari achibvunza kuti, “Vechiduku, munoziva sei kana ruri rudo chairwo kana kuti rwemahumbwe?” obva averenga chikamu chebhuku racho! (Ona chitsauko 31.) Nhepfenyuro iyoyo inobudisa zvikamu zvakasarudzwa zvebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 33 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 33 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Imba yoUmambo yokutanga muSão Tomé muna 1994

[Mifananidzo iri papeji 10]

1. Imba yoUmambo yakavakwa nenzira yokukurumidza muMé-Zochi

2. Kokorodzano yoruwa yakakurumbira yakaitirwa muImba huru ino

3. Vanhu vakabhabhatidzwa vari kufara pakokorodzano

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Globe: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.